Acts 26
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino Agripa akati kuna Pauro: Unotenderwa kuzvitaurira. Ipapo Pauro akatandavadza ruoko, akazvipindurira achiti:Select Acts 26:1
2Pane zvese zvandakamhan'arirwa neVaJudha, mambo Agripa, ndinoona ndichifara kuti ndodozvidavirira pamberi penyu nhasi;Select Acts 26:2
3zvikuru nokuti ndinoziva kuti mune ruzivo rwetsika dzese nemakakava ari pakati peVaJudha; naizvozvo ndinokukumbirai, kuti mundinzwe nemoyo murefu.Select Acts 26:3
4Naizvozvo mufambiro wangu kubva paudiki, waiva kubva pakutanga pakati perudzi rwangu paJerusarema, VaJudha vese vanoziva,Select Acts 26:4
5vaindiziva kubva pakutanga kana vachida kupupura, kuti nenzira yakasimba yeboka rechitendero chedu ndairarama ndiri muFarisi.Select Acts 26:5
6Uye ikozvino ndimire ndichitongwa nekuda kwetariro yechivimbiso chakaitwa naMwari kumadzibaba,Select Acts 26:6
7marudzi edu gumi nemaviri achishumira akasimba siku nesikati vachitarisira kusvika pachiri. Nekuda kwetariro iyi, mambo Agripa, ndinopiwa mhosva neVaJudha.Select Acts 26:7
8Sei zvichifungwa kuti zvinhu zvisingatendeseki kwamuri, kana Mwari achimutsa vakafa?Select Acts 26:8
9Naizvozvo ini ndaifunga ndomene kuti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvinopesana nezita raJesu weNazareta;Select Acts 26:9
10neni zvandakaita muJerusarema, uye ini ndakapfigira vazhinji vevatsvene mumatirongo, ndagamuchira simba kubva kuvapristi vakuru; nepavaiurawa ndaizvisarudza.Select Acts 26:10
11Uye ndaivaranga kazhinji mumasinagoge ese, ndichivaroverera kuti vanyombe; zvino ndichinyanya kuvapengera, ndakavashusha kusvikira nekumaguta ekunze.Select Acts 26:11
12Ndipo neni ndichienda kuDhamasiko nesimba uye nekutumwa kubva kuvapristi vakuru,Select Acts 26:12
13pamasikati makuru, mambo, ndakaona munzira chiedza chichibva kudenga, chaikunda kupenya kwezuva, chichipenya chakandipoteredza nevaifamba neni.Select Acts 26:13
14Zvino takati tese tawira pasi pavhu, ndakanzwa izwi richitaura kwandiri richiti nerurimi rwechiHebheru: Sauro, Sauro, unondishushirei? Zvinokuremera kukavana nezvibayo.Select Acts 26:14
15Zvino ini ndikati: Ndimwi ani, Ishe? Akatiwo: Ndini Jesu waunoshusha iwe.Select Acts 26:15
16Asi simuka, uye umire netsoka dzako; nokuti ndazviratidzira izvi kwauri, ndikuite mushumiri nechapupu zvese chezvinhu zvawakaona nezvandichazviratidza nazvo kwauri,Select Acts 26:16
17ndichikununura kuvanhu nevahedheni, vandinokutumira kwavari ikozvino,Select Acts 26:17
18kusvinudza meso avo, nekuvatendeusa kubva murima vaende kuchiedza, nepasimba raSatani vaende kuna Mwari, kuti vagamuchire kanganwiro yezvivi, uye nhaka pakati pevakaitwa vatsvene nerutendo rwuri mandiri.Select Acts 26:18
19Naizvozvo, mambo Agripa, handina kuramba kuteerera chiratidzo chekudenga;Select Acts 26:19
20asi ndakaparidza kutanga kune veDhamasiko neveJerusarema, nekudunhu rese reJudhiya, nekuvahedheni, kuti vatendeuke, uye vadzokere kuna Mwari, vaite mabasa akafanira kutendeuka.Select Acts 26:20
21Nekuda kwezvinhu izvi VaJudha vakandibata mutembere, vakaidza kundiuraya.Select Acts 26:21
22Naizvozvo ndawana rubatsiro kubva kuna Mwari, ndakamira kusvikira zuva rino, ndichipupura kuvadiki nevakuru, ndisingarevi zvimwe zvinhu kunze kweizvo vaporofita naMozisi zvavakataura kuti zvichaitika,Select Acts 26:22
23kuti Kristu wakafanira kutambudzika, uye kuti ari wekutanga kumuka kuvakafa, achaparidza chiedza kuvanhu ava nekuvahedheni.Select Acts 26:23
24Zvino wakati achazvidavirira zvinhu izvi, Fesitasi akati nenzwi guru: Pauro, unopenga; kudzidza kukuru kunokupenza.Select Acts 26:24
25Asi wakati: Handipengi, Fesitasi changamire; asi ndinodanidzira mashoko echokwadi uye euchenjeri.Select Acts 26:25
26Nokuti mambo vanoziva zvezvinhu izvi ivo vandinotaura pamberi pavowo ndisingatyi; nokuti ndine chokwadi kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chakavanzika kwavari, nokuti chinhu ichi hachina kuitwa pachikona.Select Acts 26:26
27Mambo Agripa, munotenda vaporofita here? Ndinoziva kuti munotenda.Select Acts 26:27
28Agripa ndokuti kuna Pauro: Wasara padiki wandipwisa kuva muKristu.Select Acts 26:28
29Pauro ndokuti: Ndinoshuva kuna Mwari, kunyange nediki uye nehuru musava imwi mega, asi nevese vanondinzwa nhasi, vave vakadai sezvandiri ini, kunze kwezvisungo izvi.Select Acts 26:29
30Zvino wakati ataura zvinhu izvi, mambo akasimuka, nemutungamiriri, naBhenike, nevakange vagere navo;Select Acts 26:30
31vakati vabuda vakataurirana, vachiti: Munhu uyu haaiti chinhu chakafanira rufu kana zvisungo.Select Acts 26:31
32Agripa ndokuti kuna Fesitasi: Munhu uyu ungadai asunungurwa dai asina kuikwidza kuna Kesari.Select Acts 26:32
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation