Skip to content
Church.wiki
Acts

Acts 28

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino vakati vapona, ipapo vakaziva kuti chiwi chinonzi Merita.Select Acts 28:1

2Zvino vatorwa vakatiitira unyoro husina kujairika; nokuti vakavesa moto, vakatigamuchira tese, nekuda kwemvura yaitanga uye nekuda kwechando.Select Acts 28:2

3Zvino Pauro wakati aunganidza svinga rehuni, akaisa pamoto, kwakabuda chiva kubva murudziyira, chikakwinyira paruoko rwake.Select Acts 28:3

4Zvino vatorwa vakati vachiona chikara chakaremberera paruoko rwake, vakataurirana vachiti: Zvirokwazvo munhu uyu imhondi, iye kunyange apukunyuka gungwa, kururama hakumutenderi kurarama.Select Acts 28:4

5Iye ndokuzuzira chikara mumoto, akasambokuvara.Select Acts 28:5

6Zvino vakatarisira kuti iye achazvimba, kana kuwira pasi pakarepo akafa; asi vakati vatarira nguva refu, vakaona pasina chinhu chisina kujairika chaitika kwaari, vakashandura fungwa dzavo voti iye ndimwari.Select Acts 28:6

7Zvino panharaunda yenzvimbo iyo paiva neminda yemukuru wechiwi wainzi Pubhirio; iye wakatigamuchira akatigarisa zvakanaka mazuva matatu.Select Acts 28:7

8Zvino zvakaitika kuti baba vaPubhirio vakange varere vakabatwa nefivhiri nemudumbu weropa; kwavari Pauro kwaakapinda, akanyengetera, akaisa maoko pamusoro pavo, akavaporesa.Select Acts 28:8

9Naizvozvo izvi zvakati zvaitika, vamwewo vaiva nezvirwere pachiwi vakaswedera ndokuporeswa;Select Acts 28:9

10ivo vakatikudzawo nerukudzo ruzhinji, uye toenda nechikepe, vakakwidza zvinhu zvaidikanwa.Select Acts 28:10

11Zvino shure kwemwedzi mitatu takabva nechikepe cheArekizandiria, chakange chagara muchando pachiwi, chaiva nechiratidzo chekuti Dhiosikuri*.Select Acts 28:11

12Zvino tasvika paSirakuse takagara mazuva matatu.Select Acts 28:12

13Tabvapo tikatenderera tikasvika kuRegiomu; zvino shure kwezuva rimwe mhepo yechamhembe ikasimuka, zuva repiri tikasvika muPuteori;Select Acts 28:13

14matakawana hama, tikakumbirwa kugara nadzo mazuva manomwe; saizvozvowo takaenda kuRoma.Select Acts 28:14

15Zvino kubva ipapo hama dzakati dzanzwa nezvedu, dzikabuda kuzotichingamidza kudzamara Apio Foramu nepaDzimba Dzevaeni Nhatu; ivo Pauro vaakati achiona, akavonga Mwari, akatsunga moyo.Select Acts 28:15

16Zvino takati tasvika kuRoma, mukuru wezana akakumikidza vasungwa kumutungamiriri wevarindi; asi Pauro wakatenderwa kugara ari ega, nemuuto anomurinda.Select Acts 28:16

17Zvino zvikaitika shure kwemazuva matatu, kuti Pauro wakadanira vaiva vakuru veVaJudha pamwe; zvino vakati vaungana, akati kwavari: Varume hama, ini ndisina kuita chinhu chinopesana nerudzi kana tsika dzemadzibaba, ndiri musungwa ndabva kuJerusarema ndakumikidzwa pamaoko eVaRoma;Select Acts 28:17

18ivo vakati vandiongorora vakada kundisunungura, nokuti pakange pasina chikonzero cherufu kwandiri.Select Acts 28:18

19Asi VaJudha vakaramba, ndikarovererwa kuikwidza kuna Kesari, kwete kuti ndaiva nechinhu chekumhan'arira rudzi rwangu.Select Acts 28:19

20Naizvozvo nekuda kwechikonzero ichi ndakudanai kuti ndikuonei, nditaure nemwi; nokuti ndakamoneredzwa neketani iyi nekuda kwetariro yaIsraeri.Select Acts 28:20

21Zvino vakati kwaari: Isu hatina kugamuchira tsamba kubva kuJudhiya pamusoro pako, uye hakuna umwe wehama, wakati asvika, akatipira kana kutaura chinhu chakaipa pamusoro pako.Select Acts 28:21

22Asi tinoda kunzwa newe zvaunofunga; nokuti maererano nebato iri tinoziva kuti rinopikiswa kwese-kwese.Select Acts 28:22

23Zvino vakati vamutarira zuva, vazhinji vakauya kwaari kuimba yevaenzi; akavadudzira achivapupurira ushe hwaMwari, akavagombedzera zviri maererano naJesu, zvese kubva pamurairo waMozisi nevaporofita, kubva mangwanani kusvikira madekwani.Select Acts 28:23

24Zvino vamwe vakatenda zvinhu zvakataurwa, asi vamwe vakasatenda.Select Acts 28:24

25Zvino zvavakange vasingawirirani pachavo, vakaenda, Pauro ataura shoko rimwe chete rekuti: Mweya Mutsvene wakataura zvakanaka naIsaya muporofita kumadzibaba edu,Select Acts 28:25

26achiti: Enda kurudzi urwu ugoti: Nekunzwa muchanzwa, uye hamungatongonzwisisi; nekuona muchaona, uye hamungatongoonesesi.Select Acts 28:26

27Nokuti moyo wevanhu ava wakasindimadzwa, uye nenzeve vanonzwa nemutsutsururu, nemeso avo vakavhara; kuti zvimwe vangaona nemeso, nekunzwa nenzeve, nekunzwisisa nemoyo, zvino vatendeuke, ndigovaporesa.Select Acts 28:27

28Naizvozvo ngazvizikanwe kwamuri, kuti ruponeso rwaMwari rwunotumirwa kuvahedheni, ivo vachanzwawo.Select Acts 28:28

29Zvino wakati ataura zvinhu izvi, VaJudha vakaenda, vachiita nharo huru pakati pavo.Select Acts 28:29

30Pauro akagara makore maviri agere muimba yake pachake yaairipira mari, uye akagamuchira vese vaipinda kwaari,Select Acts 28:30

31achiparidza ushe hwaMwari, nekudzidzisa zviri maererano naIshe Jesu Kristu, neushingi hwese, pasina kudziviswa.Select Acts 28:31

Next: Romans 1Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Acts

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.