Acts 3
Shona Bible
Translation: SHONA
1Zvino Petro naJohwani vakakwira pamwe kuenda kutembere paawa rekunyengetera repfumbamwe.Select Acts 3:1
2Zvino kwaitakurwa umwe murume waiva chirema kubva mudumbu ramai vake; wavaiisa zuva rimwe nerimwe pamusuwo wetembere unonzi Wakanaka, kuti akumbire chipo kune vaipinda mutembere.Select Acts 3:2
3Iye wakati achiona Petro naJohwani voda kupinda mutembere, akakumbira chipo.Select Acts 3:3
4Zvino Petro akamudzvokora anaJohwani, akati: Titarire!Select Acts 3:4
5Akavacherekedza, achitarisira kugamuchira chinhu kwavari.Select Acts 3:5
6Petro ndokuti: Sirivheri negoridhe handina; asi icho chandinacho ndinokupa: Muzita raJesu Kristu muNazareta, simuka ufambe.Select Acts 3:6
7Akamubata ruoko rwerudyi akamusimudza; zvino pakarepo tsoka nezviziso zvetsoka dzake zvikasimbiswa.Select Acts 3:7
8Zvino akauruka akamira ndokufamba, ndokupinda navo mutembere, achifamba nekuuruka nekurumbidza Mwari.Select Acts 3:8
9Uye vanhu vese vakamuona achifamba, nekurumbidza Mwari.Select Acts 3:9
10Vakamuziva kuti ndiye waigarira chipo pamukova Wakanaka wetembere; vakazadzwa nekushamisika nekukatyamara nezvakange zvaitika kwaari.Select Acts 3:10
11Zvino waikamhina wakange aporeswa achakabatira Petro naJohwani, vanhu vese vakamhanyira pamwe kwavari paberere rinonzi raSoromoni, vachishamisika zvikuru.Select Acts 3:11
12Zvino Petro wakati achizviona akapindura kuvanhu achiti: Varume VaIsraeri, mashamisika sei pamusoro pezvizvi, kana munotidzvokora sei, sezvinonzi nesimba kana utsvene hwedu pachedu taita uyu kuti afambe?Select Acts 3:12
13Mwari waAbhurahama newaIsaka newaJakobho, Mwari wemadzibaba edu, wakudza Mwanakomana wake Jesu; wamakakumikidza imwi kuvatongi nekumuramba pamberi pechiso chaPirato, iye agura kumusunungura.Select Acts 3:13
14Asi imwi makaramba Mutsvene neWakarurama, mukakumbira murume mhondi kuti ipiwe kwamuri,Select Acts 3:14
15mukauraya Muvambi weupenyu; iye Mwari waakamutsa kubva kuvakafa; zvatiri zvapupu zvazvo isu.Select Acts 3:15
16Uye nerutendo kuzita rake, uyu wamunoona uye wamunoziva, zita rake ramusimbisa; nerutendo rwuri nemaari rwamupa kuporeswa uku kwakazara pamberi penyu mese.Select Acts 3:16
17Uye ikozvino, hama, ndinoziva kuti makaita nekusaziva, sevatongi venyuwo.Select Acts 3:17
18Asi Mwari zvaakagara areva nemuromo wevaporofita vake vese, kuti Kristu achatambudzika, wakazvizadzisa saizvozvi.Select Acts 3:18
19Naizvozvo tendeukai mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzekufefeterwa dzinobva pachiso chaIshe dzisvike,Select Acts 3:19
20uye achatuma Jesu Kristu, wakagara aparidzirwa kwamuri;Select Acts 3:20
21wakafanira kuti denga rimugamuchire kusvikira nguva dzekuvandudzwa kwezvinhu zvese, Mwari dzaakareva nemuromo wevaporofita vake vatsvene vese kubva panguva dzakare.Select Acts 3:21
22Nokuti Mozisi zvirokwazvo wakati kumadzibaba: Ishe Mwari wenyu achakumutsirai muporofita pahama dzenyu, wakaita seni; iye muchamuteerera pazvese zvaachataura kwamuri.Select Acts 3:22
23Uye zvichaitika, mweya umwe neumwe ucharega kuteerera muporofita uyo uchaparadzwa kubva pavanhu.Select Acts 3:23
24Uye nevaporofita vese kubva kuna Samueri nevakatevera, vese vakataura, vakagara vaparidzawo zvemazuva awa.Select Acts 3:24
25Imwi muri vana vevaporofita, nevesungano Mwari yaakaita nemadzibaba edu, achiti kuna Abhurahama: Nemumbeu yako marudzi ese enyika acharopafadzwa.Select Acts 3:25
26Mwari amutsa Mwanakomana wake Jesu, wakamutuma kwamuri pakutanga kukuropafadzai, pakudzora umwe neumwe pazvakaipa zvenyu.Select Acts 3:26
Shona Bible (SHONA) · GFDL