Acts 4
Shona Bible
Translation: SHONA
1Zvino vakati vachataura kuvanhu, vapristi nemutungamiriri wetembere neVaSadhusi vakavasvikira,Select Acts 4:1
2vachishungurudzika nokuti vanodzidzisa vanhu, nekuparidza kumuka kubva kuvakafa munaJesu.Select Acts 4:2
3Zvino vakaisa maoko pavari ndokuisa muchitokisi kusvikira mangwana; nokuti akange atova madekwani.Select Acts 4:3
4Asi vazhinji vevakanzwa shoko vakatenda; neuwandu hwevarume hwaiva zvuru zvinenge zvishanu.Select Acts 4:4
5Zvino zvakaitika kuchiidza kuti kwakaungana vatungamiriri nevakuru nevanyori vavo paJerusarema,Select Acts 4:5
6naAnasi mupristi mukuru, naKayafasi, naJohwani, naArekizandira, nevese vaiva vehama dzemupristi mukuru.Select Acts 4:6
7Zvino vakati vavamisa pakati, vakabvunza vachiti: Izvi imwi mazviita nesimba ripi kana nezita ripi?Select Acts 4:7
8Ipapo Petro azedzwe neMweya Mutsvene wakati kwavari: Vatongi vevanhu, nevakuru VaIsraeri;Select Acts 4:8
9kana isu tichibvunzurudzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka kumunhu asina simba, kuti iye waponeswa nei,Select Acts 4:9
10ngazvizikanwe kwamuri mese, nekuvanhu vese veIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu muNazareta, wamakaroverera pamuchinjikwa imwi, Mwari waakamutsa kubva kuvakafa, naye munhu uyu amire pano pamberi penyu apora.Select Acts 4:10
11Uyu ndiye ibwe rakazvidzwa nemwi vavaki, razova musoro wekona.Select Acts 4:11
12Uye hakuna ruponeso kune umwezve; nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu, ratinofanira kuponeswa naro.Select Acts 4:12
13Zvino vakati vachiona kusatya kwaPetro naJohwani, uye vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza uye vasina ruzivo, vakashamisika; ndokuvaziva kuti vaiva naJesu.Select Acts 4:13
14Asi vachiona munhu wakange aporeswa amire navo, vakashaiwa chavangapikisa.Select Acts 4:14
15Zvino vakati vavaraira kuti vabude kunze kwedare remakurukota, vakarangana pakati pavo,Select Acts 4:15
16vachiti: Tichaitei kuvanhu ava? Nokuti zviri pachena kune vese vagere Jerusarema kuti chiratidzo chinozikanwa chaitwa navo, uye hatigoni kuzviramba.Select Acts 4:16
17Asi kuti zvirege kunyanya kuparadzirwa pakati pevanhu, ngativayambirei zvikuru kuti varege kuchizotaura nemunhu upi neupi muzita iri.Select Acts 4:17
18Vakabva vavadana, vakavaraira kuti varege kutongotaura kana kudzidzisa muzita raJesu.Select Acts 4:18
19Asi Petro naJohwani vakapindura vakati kwavari: Gurai, kana zvakarurama pamberi paMwari kuteerera imwi kupfuura Mwari.Select Acts 4:19
20Nokuti isu hatigoni kusataura zvatakaona nekunzwa.Select Acts 4:20
21Zvino vakati vawedzera kuvavhundudzira, vakavaregedza, vasingawani chinhu kuti vangavaranga sei nekuda kwevanhu; nokuti vese vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitika.Select Acts 4:21
22Nokuti munhu wakange apfuura makore makumi mana wakange aitirwa chiratidzo ichi chekuporesa.Select Acts 4:22
23Vakati varegedzwa vakaenda kune vekwavo, vakanopira zvese vapristi vakuru nevakuru zvavakange vataura kwavari.Select Acts 4:23
24Zvino ivo vakati vanzwa vakasimudzira inzwi kuna Mwari nemoyo umwe, vakati: Tenzi, imwi Mwari makaita denga nenyika negungwa nezvese zviri mazviri;Select Acts 4:24
25makareva nemuromo waDhavhidhi, muranda wenyu muchiti: Nemhaka yei vahedheni vachiita bope, nevanhu vachifunga zvisina maturo?Select Acts 4:25
26Madzimambo enyika akasimuka, nevatungamiriri vakaungana pamwe chete kumirisana naIshe nekumirisana naKristu wake.Select Acts 4:26
27Nokuti zvirokwazvo vakaungana vakamirisana neMwanakomana wenyu mutsvene Jesu, wamakazodza, vese Herodhe naPondiyo Pirato pamwe nevahedheni, nevanhu vekwaIsraeri,Select Acts 4:27
28kuti vaite zvese ruoko rwenyu nezano renyu zvamakagara matema kuti zviitike.Select Acts 4:28
29Uye ikozvino Ishe, tarirai kuvhundudzira kwavo, mupe varanda venyu kuti vataure shoko renyu nekusatya kwese,Select Acts 4:29
30pakuti mutandavadze ruoko rwenyu pakuporesa, nezviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita reMwanakomana wenyu mutsvene Jesu.Select Acts 4:30
31Zvino vakati vanyengetera nzvimbo yavakange vakaungana pairi yakazununguswa; zvino vakazadzwa vese neMweya Mutsvene, ndokutaura shoko raMwari nekusatya.Select Acts 4:31
32Zvino chaunga chevaitenda chaiva nemoyo nemweya umwe; uye kwakange kusina umwe waiti chimwe chezvaaiva nazvo ndechake, asi vakadyidzana zvinhu zvese.Select Acts 4:32
33Uye nesimba guru vaapositori vakapa uchapupu hwekumuka kwaIshe Jesu; nenyasha huru dzikava pamusoro pavo vese.Select Acts 4:33
34Nokuti pakange pasina umwe pakati pavo waishaiwa, nokuti vese vaiva vene veminda kana dzimba, vakazvitengesa, vakauisa mutengo wezvinhu zvakatengeswa,Select Acts 4:34
35vakaisa patsoka dzevaapositori; uye zvikagoverwa kune umwe neumwe zvichienderana nekushaiwa kwaaiva nako.Select Acts 4:35
36NaJose, wakatumidzwa nevaapositori Bhanabhasi, ndokuti kana zvichishandurwa, mwanakomana wenyaradzo, muRevhi weSaipuresi parudzi,Select Acts 4:36
37ane munda, wakatengesa, akauisa mari akaisa patsoka dzevaapositori.Select Acts 4:37
Shona Bible (SHONA) · GFDL