Skip to content
Church.wiki
Acts

Acts 9

Shona Bible

Translation: SHONA
Start reading

1Zvino Sauro, achiri kufema kutyisa nekuuraya akamirisana nevadzidzi vaIshe, wakaenda kumupristi mukuru,Select Acts 9:1

2akakumbira kwaari magwaro ekuenda Dhamasiko kumasinagoge, kuti kana awana chero venzira iyo vese varume nevakadzi, avauise vakasungwa kuJerusarema.Select Acts 9:2

3Zvino pakufamba, wakaswedera kuDhamasiko; zvino kamwe-kamwe kwakapenya kwakamupoteredza chiedza kubva kudenga;Select Acts 9:3

4zvino wakawira pasi, akanzwa inzwi richiti kwaari: Sauro, Sauro, unondishushirei?Select Acts 9:4

5Zvino akati: Ndimwi ani, Ishe? Ishe ndokuti: Ndini Jesu waunoshusha iwe; zvinokuremera kukavana nezvibayo.Select Acts 9:5

6Achidederawo nekushamisika wakati: Ishe, chii chamunoda kuti ndiite? Ishe ndokuti kwaari: Simuka upinde muguta, zvino uchaudzwa zvaunofanira kuita.Select Acts 9:6

7Zvino varume vaifamba naye vakamira vasina remuromo, vachinzwa inzwi, asi vasingaoni munhu.Select Acts 9:7

8Zvino Sauro akasimuka kubva pasi; asi meso ake azarurwa, haana kuona munhu. Zvino vakamubata ruoko, vakamuuisa kuDhamasiko.Select Acts 9:8

9Akava nemazuva matatu asingaoni, uye asingadyi kana kunwa.Select Acts 9:9

10Zvino pakange pane umwe mudzidzi paDhamasiko wainzi Ananiasi; Ishe ndokuti kwaari muchiratidzo: Ananiasi! Zvino akati: Tarirai ndiri pano Ishe.Select Acts 9:10

11Ishe ndokuti kwaari: Simuka uende munzira yemuguta inonzi Yakarurama, ugobvunza mumba maJudhasi munhu anonzi Sauro, weTaso; nokuti tarira anonyengetera,Select Acts 9:11

12uye waona muchiratidzo murume anonzi Ananiasi achipinda nekuisa ruoko paari, kuti aonezve.Select Acts 9:12

13Asi Ananiasi wakapindura akati: Ishe, ndakanzwa nevazhinji zvemurume uyu, zvakakura sei zvakaipa zvaakaitira vatsvene venyu paJerusarema;Select Acts 9:13

14uye pano ane simba kubva kuvapristi vakuru, kusunga vese vanodana zita renyu.Select Acts 9:14

15Asi Ishe wakati kwaari: Enda, nokuti iye mudziyo wakasarudzwa kwandiri, kutakurira zita rangu pamberi pevahedheni nemadzimambo, nevana vaIsraeri;Select Acts 9:15

16nokuti ini ndichamuratidza kuti anofanira kutambura zvakadini nekuda kwezita rangu.Select Acts 9:16

17Zvino Ananiasi wakaenda ndokupinda mumba, ndokuisa maoko pamusoro pake akati: Sauro hama, Ishe wandituma, Jesu wakaonekwa kwauri munzira yawakauya nayo, kuti uonezve uye uzadzwe neMweya Mutsvene.Select Acts 9:17

18Zvino pakarepo kwakawa mumeso ake zvinenge mafunurwa, akaonazve pakarepo, uye asimuka wakabhabhatidzwa.Select Acts 9:18

19Zvino wakati agamuchira kudya akawana simba. Sauro wakavawo nevadzidzi vaiva paDhamasiko mamwe mazuva.Select Acts 9:19

20Zvino pakarepo wakaparidza Kristu mumasinagoge, kuti iye Mwanakomana waMwari.Select Acts 9:20

21Asi vese vakazvinzwa vakashamisika ndokuti: Ko uyu haasi iye waiparadza avo vaidana zita iri muJerusarema here, uye akauyira izvozvo pano, kuti avatinhire vakasungwa kuvapristi vakuru?Select Acts 9:21

22Asi Sauro wakaramba achisimbiswa, akavhiringidza VaJudha vaigara paDhamasiko, achibudisa pachena kuti uyu ndiye Kristu.Select Acts 9:22

23Zvino mazuva mazhinji akati azadziswa, VaJudha vakarangana pamwe chete kuti vamuuraye;Select Acts 9:23

24asi zano ravo rakazikanwa kuna Sauro. Vakarindawo masuwo masikati neusiku, kuti vamuuraye;Select Acts 9:24

25asi vadzidzi vakamutora usiku, vakamuburusa neparusvingo vachimuburusa ari mudengu.Select Acts 9:25

26Zvino Sauro wakati asvika kuJerusarema, akaidza kuzvibatanidza kuvadzidzi; asi vese vaimutya, vasingatendi kuti mudzidzi.Select Acts 9:26

27Asi Bhanabhasi wakamutora akamuuisa kuvaapositori, ndokurondedzera kwavari kuti wakaona Ishe sei munzira, uye kuti wakange ataura kwaari, uye kuti wakataura akashinga sei paDhamasiko muzita raJesu.Select Acts 9:27

28Zvino wakava navo achipinda nekubuda paJerusarema,Select Acts 9:28

29ndokutaura akashinga muzita raIshe Jesu, akataura achipikisa VaHerenisiti*; asi vakaidza kumuuraya.Select Acts 9:29

30Asi hama dzakati dzazviziva dzikamuburusira Kesariya, ndokumutumira kuTaso.Select Acts 9:30

31Naizvozvo kereke paJudhiya yese neGarirea neSamaria dzikava nerugare, dzikavakwa, dzikawedzerwa, dzichifamba mukutya Ishe nemunyaradzo yeMweya Mutsvene.Select Acts 9:31

32Zvino zvakaitika Petro achigura nzvimbo dzese, akaburukirawo kuvatsvene vakange vagere paRidha.Select Acts 9:32

33Akawanapo umwe munhu wainzi Eneasi, wakange arere panhovo makore masere, akafa mitezo.Select Acts 9:33

34Petro ndokuti kwaari: Eneasi, Jesu Kristu anokuporesa; simuka, uzviwaridzire. Zvino akasimuka pakarepo.Select Acts 9:34

35Zvino vese vakange vagere Ridha neSaroni vakamuona, vakatendeukira kuna Ishe.Select Acts 9:35

36Zvino paivapo paJopa umwe mudzidzikadzi wainzi Tabhita, ndiko kuti Dhokasi kana zvichitsanangurwa; uyo wakange azere nemabasa akanaka nemabasa erudo aaiita.Select Acts 9:36

37Zvino zvakaitika mumazuva iwayo kuti iye akarwara ndokufa; vakati vamushambidza, vakamuradzika mukamuri yekumusoro.Select Acts 9:37

38Zvino Ridha zvarakange riri pedo neJopa, vadzidzi vakange vanzwa kuti Petro wakange aripo, vakatumira kwaari varume vaviri, vachikumbira zvikuru kuti asanonoka kuuya kwavari.Select Acts 9:38

39Zvino Petro wakasimuka akaenda navo; akati asvika vakamuisa kuimba yekumusoro, uye chirikadzi dzese dzikamirapo naye dzichichema dzichiratidza nguvo refu nezvipfeko Dhokasi zvaakange aita achiri navo.Select Acts 9:39

40Asi Petro wakavabudisira panze vese akafugama akanyengetera; ndokutendeukira kumutumbi, akati: Tabhita, muka! Akazarura meso ake; zvino wakati achiona Petro, akagara.Select Acts 9:40

41Zvino wakamupa ruoko, akamusimudza; ndokuti adana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo achirarama.Select Acts 9:41

42Zvino zvikazikanwa paJopa yese; vazhinji ndokutenda kuna Ishe.Select Acts 9:42

43Zvino zvikaitika kuti wakagara mazuva mazhinji paJopa neumwe Simoni musuki wematehwe.Select Acts 9:43

Next: Acts 10Continue reading

Shona Bible (SHONA) · GFDL

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Acts

Selected verses

Tap another verse to select a range.

Highlight

My Bible

Listen

Uses an English voice provided by your browser.