Colossians 4
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Madzishe, ipai varanda zvakarurama nezvakaringana, muchiziva kuti imwiwo muna Ishe kumatenga.Select Colossians 4:1
2Tsungirirai pamunyengetero, murinde pakuri nekuvonga;Select Colossians 4:2
3mutinyengetererewo panguva imweyo, kuti Mwari atizarurire mukova weshoko, kutaura chakavanzika chaKristu, chandakasungirwawo;Select Colossians 4:3
4kuti ndichiratidze, sezvandinofanira kutaura.Select Colossians 4:4
5Fambai muuchenjeri kune vari kunze, muchidzikunura nguva.Select Colossians 4:5
6Shoko renyu ngarigare munyasha, rakarungwa nemunyu, kuti muzive kuti munofanira kupindura sei umwe neumwe.Select Colossians 4:6
7Zvese zvakanangana neni Tikiko achakuzivisai, hama inodikanwa nemushumiri wakatendeka, nemushandi pamwe neni muna Ishe;Select Colossians 4:7
8wandatumira kwamuri ichochi, kuti azive zviri maererano nemwi, nekunyaradza moyo yenyu;Select Colossians 4:8
9pamwe naOnesimo, hama yakatendeka inodikanwa, anova wekwenyu. Vachakuzivisai zvese zviri pano.Select Colossians 4:9
10Arisitako musungwa pamwe neni anokukwazisai, naMariko muzukuru waBhanabhasi, wamakagamuchira mirairo maererano naye; kana achisvika kwamuri, mumugamuchire,Select Colossians 4:10
11naJesu anonzi Justo, vevekudzingiswa; ivava chete vabati pamwe neni paushe hwaMwari, vaiva nyaradzo kwandiri.Select Colossians 4:11
12Epafrasi wekwenyu, muranda waKristu, anokukwazisai, achirwa nguva dzese muminyengetero nekuda kwenyu, kuti mumire makazara uye makakwana muchido chese chaMwari.Select Colossians 4:12
13Nokuti ndinomupupurira kuti ane shungu kwazvo nemwi, neveRaodhikia, neveHierapori.Select Colossians 4:13
14Anokukwazisai Ruka chiremba anodikanwa, naDhemasi.Select Colossians 4:14
15Kwazisai hama dziri Raodhikia, naNimifa, nekereke iri mumba make.Select Colossians 4:15
16Zvino kana tsamba iyi yaverengwa pakati penyu, itai kuti nemukereke yeVaRaodhikia iverengwe; kuti nemwi muverengewo inobva Raodhikia.Select Colossians 4:16
17Vudzai Akipo, muti: Chenjerera ushumiri hwawakagamuchira muna Ishe, kuti uhupedzise.Select Colossians 4:17
18Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro. Rangarirai zvisungo zvangu. Nyasha ngadzive nemwi. Ameni.Select Colossians 4:18
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation