Ephesians 1
Shona Bible
Translation: SHONA
1Pauro, muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, kuvatsvene vari muEfeso, nekune vakatendeka muna Kristu Jesu:Select Ephesians 1:1
2Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu uye Ishe Jesu Kristu.Select Ephesians 1:2
3Ngaarumbidzwe Mwari uye Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, wakatiropafadza neropafadzo yese yemweya pazvinhu zvekudenga muna Kristu;Select Ephesians 1:3
4sezvaakatisarudza maari pasati pava nekuvambwa kwenyika, kuti tive vatsvene, uye vasingamhuriki pamberi pake murudo,Select Ephesians 1:4
5agara atitemera mukuitwa vana kwaari kubudikidza naJesu Kristu, sekuda kwakanaka kwechido chake,Select Ephesians 1:5
6kuve rumbidzo yekubwinya yenyasha dzake, madziri wakatiropafadza muMudikanwi;Select Ephesians 1:6
7watine dzikunuro maari neropa rake, iyo kanganwiro yekudarika, zvichienderana nefuma yenyasha dzake,Select Ephesians 1:7
8dzaakawanza kwatiri mukuchenjera kwese neungwaru,Select Ephesians 1:8
9azivisa kwatiri chakavanzika chechido chake, sekushuva kwakanaka kwake kwaakaronga pachake;Select Ephesians 1:9
10kuti pakubata kwekuzara kwenguva, aunganidze pamwe zvinhu zvese muna Kristu, zvese zviri kumatenga nezviri panyika;Select Ephesians 1:10
11imo maari, muna iye matakawanawo nhaka, yatakagara tatemerwa zvichienderana nechiga chaiye anoita zvinhu zvese zvichienderana nezano rechido chake,Select Ephesians 1:11
12kuti tive rumbidzo yekubwinya kwake, isu takatanga kuvimba kuna Kristu;Select Ephesians 1:12
13nemwi muna iye, manzwa shoko rechokwadi, evhangeri yeruponeso rwenyu; kuna iyewo matenda kwaari makapiwa mucherechedzo neMweya Mutsvene wechivimbiso,Select Ephesians 1:13
14ari rubatso rwenhaka yedu, rwuve rudzikunuro rwezvakawanikwa, kurumbidzo yekubwinya kwake.Select Ephesians 1:14
15Naizvozvo iniwo ndakati ndanzwa zverutendo rwenyu muna Ishe Jesu nerudo kuvatsvene vese,Select Ephesians 1:15
16handiregi kukuvongerai, ndichikurangarirai paminyengetero yangu;Select Ephesians 1:16
17kuti Mwari waIshe wedu Jesu Kristu, Baba vekubwinya, akupei mweya wekuchenjera newechakazarurwa paruzivo pamusoro pake;Select Ephesians 1:17
18meso efungwa dzenyu avhenekerwa kuti muzive kuti tariro yekudana kwake chii, uye fuma yekubwinya kwenhaka yake pavatsvene chii,Select Ephesians 1:18
19uye kuti ukuru hwakapfuvurisa hwesimba rake kwatiri isu tinotenda chii, maererano nekubata kweusamasimba hwesimba rake,Select Ephesians 1:19
20raakashandisa muna Kristu, achimumutsa kubva kuvakafa, nokumugarisa kuruoko rwake rwerudyi panzvimbo dzekudenga,Select Ephesians 1:20
21kumusoro-soro kweutongi hwese, nesimba, neukuru, neushe, nezita rega-rega rinodanwa, kwete kwenguva ino chete, asi kune inouyawo;Select Ephesians 1:21
22akaisawo zvese pasi petsoka dzake, akamupa kuva musoro pamusoro pezvese kukereke,Select Ephesians 1:22
23ndiwo muviri wake, kuzara kwaiye anozadzisa zvese mune zvese.Select Ephesians 1:23
Shona Bible (SHONA) · GFDL