Ephesians 2
Shona Bible
Translation: SHONA
1Wakakuraramisai, imwiwo makange makafa mukudarika nemuzvivi,Select Ephesians 2:1
2izvo zvamaifamba mazviri kare maererano nenzira yenyika ino, maererano nenzira dzemutungamiriri wesimba redenga, dzemweya unobata zvino muvana vekusateerera;Select Ephesians 2:2
3vataifamba tesewo pakati pavo kare mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nekwefungwa, uye pachisikirwo taiva vana vekutsamwirwa, sevamwewo.Select Ephesians 2:3
4Asi Mwari, wakafuma panyasha, nekuda kwerudo rwake rukuru rwaakatida narwo,Select Ephesians 2:4
5kunyange takange takafa mukudarika, wakatiraramisa pamwe naKristu (makaponeswa nenyasha);Select Ephesians 2:5
6akatimutsa pamwe naye, akatigarisa pamwe naye kunzvimbo dzekudenga muna Kristu Jesu;Select Ephesians 2:6
7kuti nenguva dzinouya aratidze fuma hurusa yenyasha dzake muunyoro kwatiri muna Kristu Jesu.Select Ephesians 2:7
8Nokuti nenyasha makaponeswa nerutendo, uye izvi hazvibvi kwamuri; chipo chaMwari;Select Ephesians 2:8
9hazvibvi pamabasa, kuti kusava neanozvikudza.Select Ephesians 2:9
10Nokuti tiri basa rake, takasikirwa mabasa akanaka muna Kristu Jesu, Mwari aakagara agadzira, kuti tifambe maari.Select Ephesians 2:10
11Naizvozvo rangarirai kuti imwi maimbova vahedheni munyama, vanonzi kusadzingiswa nechinonzi kudzingiswa munyama kunoitwa nemaoko,Select Ephesians 2:11
12kuti panguva iyo makange musina Kristu, muri vatorwa paubwo hwaIsraeri, uye vatorwa pasungano dzechivimbiso, musina tariro, uye musina Mwari panyika.Select Ephesians 2:12
13Asi ikozvinowo muna Kristu Jesu, imwi maimbova kure, mava pedo neropa raKristu.Select Ephesians 2:13
14Nokuti ndiye rugare rwedu, iye wakaita zviviri zvive chimwe, uye wakaputsa mudhuri wapakati wekuparadzanisa,Select Ephesians 2:14
15aparadza munyama yake ruvengo, iwo mutemo wemirairo pazviga, kuti asike maari vaviri vave munhu umwe mutsva, aite rugare,Select Ephesians 2:15
16uye ayananise vaviri kuna Mwari mumuviri umwe kubudikidza nemuchinjikwa, auraya ruvengo nawo,Select Ephesians 2:16
17uye wakasvika akaparidza rugare kwamuri imwi maiva kure, nekune avo vaiva pedo;Select Ephesians 2:17
18nokuti kubudikidza naye tese tine mapindiro neMweya umwe kuna Baba.Select Ephesians 2:18
19Naizvozvo zvino hamusisiri vaeni uye vatorwa, asi vebwo pamwe nevatsvene uye veimba yaMwari.Select Ephesians 2:19
20Makavakwa pamusoro penheyo dzevaapositori nevaporofita, Jesu Kristu amene ari ibwe repakona.Select Ephesians 2:20
21Maari imba yese yakabatanidzwa ikure ive tembere tsvene muna Ishe.Select Ephesians 2:21
22Maari nemwiwo makavakwa pamwe muve ugaro hwaMwari muMweya.Select Ephesians 2:22
Shona Bible (SHONA) · GFDL