Galatians 3
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Haiwa VaGaratia matununu, ndiani wakakuroyai kuti murege kuteerera chokwadi, imwi makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pemeso, akarovererwa pamuchinjikwa pakati penyu?Select Galatians 3:1
2Ndichochi chete chandinoda kudzidza kwamuri chekuti: Makagamuchira Mweya nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo?Select Galatians 3:2
3Ko muri matununu akadai? Makatanga muMweya, zvino mopedzisa munyama here?Select Galatians 3:3
4Makatambudzika zvikuru zvakadai pasina here? Zvakadaro pasinawo!Select Galatians 3:4
5Naizvozvo iye anokupai Mweya neanoita mabasa esimba pakati penyu, anozviita nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo?Select Galatians 3:5
6Abhurahama sezvaakatenda Mwari, zvikaverengwawo kwaari kuti kururama.Select Galatians 3:6
7Naizvozvo munoziva kuti avo verutendo, ndivo vana vaAbhurahama.Select Galatians 3:7
8Nerugwaro, rwaona zviri mberi kuti Mwari anoti vahedheni vakarurama kubudikidza nerutendo, rwakagara rwaparidza evhangeri kuna Abhurahama, ruchiti: Mauri marudzi ese acharopafadzwa.Select Galatians 3:8
9Naizvozvo verutendo vanoropafadzwa pamwe naAbhurahama wakatenda.Select Galatians 3:9
10Nokuti vese vemabasa emurairo vari pasi pekutukwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Wakatukwa wese asingarambiri pazvese zvakanyorwa mubuku yemurairo kuti azviite.Select Galatians 3:10
11Asi zviri pachena kuti hakuna munhu anonzi wakarurama nemurairo pamberi paMwari, nokuti kunonzi: Wakarurama achararama nerutendo.Select Galatians 3:11
12Zvino murairo haubvi parutendo, asi zvinonzi: Munhu anoita zvinhu izvi achararama mazviri.Select Galatians 3:12
13Kristu wakatidzikunura pachakatukwa chemurairo, aitirwa chakatukwa isu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Wakatukwa wese wakaremberera pamuti;Select Galatians 3:13
14kuti ropafadzo yaAbhurahama isvike kuvahedheni muna Kristu Jesu, kuti tigamuchire nerutendo chivimbiso cheMweya.Select Galatians 3:14
15Hama, ndinotaura nemutoo wevanhu; kunyange sungano yevanhu yasimbiswa, hakuna munhu anoikonesa kana kuwedzera kwairi.Select Galatians 3:15
16Zvino zvivimbiso zvakataurwa kuna Abhurahama nekumbeu yake. Haarevi achiti: Nekumbeu dzako, sevanenge vazhinji, asi saanenge ari mumwe, anoti: Nekumbeu yako; inova Kristu.Select Galatians 3:16
17Ndinoreva ichiwo: Sungano yakagara yasimbiswa naMwari muna Kristu, murairo ukazouya makore mazana mana nemakumi matatu apfuura haungaishaisi maturo, kuti uite chivimbiso chive chisina maturo.Select Galatians 3:17
18Nokuti kana nhaka ichibva kumurairo, haichabvi kuchivimbiso; asi Mwari wakapa pachena Abhurahama nechivimbiso.Select Galatians 3:18
19Ko murairo chii? Wakawedzerwa nekuda kwekudarika, kusvikira mbeu yasvika yakaitirwa chivimbiso; wakagadzwa nevatumwa muruoko rwemurevereri.Select Galatians 3:19
20Asi murevereri haasi weumwe, asi Mwari ndeumwe.Select Galatians 3:20
21Ko murairo unopesana nezvivimbiso zvaMwari here? Ngazvisadaro! Nokuti dai pakange pane murairo wakapiwa unogona kuraramisa, zvirokwazvo kururama kungadai kuchibva kumurairo.Select Galatians 3:21
22Asi rugwaro rwakapfigira zvese pasi pechivi, kuti chivimbiso chinobva parutendo rwaJesu Kristu chipiwe kune vanotenda.Select Galatians 3:22
23Asi kusati kwasvika rutendo, taichengetwa pasi pemurairo, takapfigirwa kusvikira kurutendo rwaizozarurwa shure.Select Galatians 3:23
24Saizvozvo murairo wakange uri murairidzi wedu kuna Kristu, kuti tinzi takarurama nerutendo.Select Galatians 3:24
25Asi rutendo rwakati rwasvika, hatisisiri pasi pemurairidzi.Select Galatians 3:25
26Nokuti mese muri vana vaMwari nerutendo muna Kristu Jesu.Select Galatians 3:26
27Nokuti mese makabhabhatidzwa muna Kristu, makapfeka Kristu.Select Galatians 3:27
28Hakuna muJudha kana muGiriki, hakuna wakasungwa kana wakasununguka, hakuna munhurume nemunhukadzi; nokuti imwi mese muri vamwe muna Kristu Jesu.Select Galatians 3:28
29Zvino kana imwi muri vanhu vaKristu, saka muri mbeu yaAbhurahama, uye vadyi venhaka maererano nechivimbiso.Select Galatians 3:29
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation