Skip to content
Church.wiki
Hebrews

Hebrews 10

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Nokuti murairo zvaune mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya, usiri mufananidzo wemene wezvinhu izvozvo, haungatongogoni kubudikidza nezvibairo izvozvo zvavanoramba vachibaira gore rimwe nerimwe kupedzeredza avo vanoswedera.Select Hebrews 10:1

2Dai zvakange zvakadaro zvingadai zvisina kuguma kubairwa here? Nokuti vanamati vangadai vasingachazivizve zvivi, vanatswa kamwe chete.Select Hebrews 10:2

3Asi kuzvibairo izvozvo kune kurangarirwa kwezvivi gore rimwe nerimwe;Select Hebrews 10:3

4nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi.Select Hebrews 10:4

5Naizvozvo paanosvika panyika anoti: Chibairo nechipo hamuna kuzvida, asi makandigadzirira muviri;Select Hebrews 10:5

6zvibairo zvinopiswa nezvechivi hamuna kuzvifarira;Select Hebrews 10:6

7ipapo ndikati: Tarirai ndinouya (murugwaro rwakapetwa makanyorwa pamusoro pangu) kuita chido chenyu, Mwari.Select Hebrews 10:7

8Pakutanga achiti: Zvibairo nezvipiriso nezvibairo zvinopiswa nezvibairo zvechivi hamuna kuzvida kana kufadzwa nazvo, (izvo zvinobairwa sezvinoenderana nemurairo),Select Hebrews 10:8

9ndokuzoti: Tarira, ndinouya kuzoita chido chenyu, Mwari. Anobvisa chekutanga, kuti amise chechipiri.Select Hebrews 10:9

10Pachido ichi takaitwa vatsvene kubudikidza nechibairo chemuviri waJesu Kristu kamwe.Select Hebrews 10:10

11Uye mupristi umwe neumwe wakamira zuva rimwe nerimwe achishumira, nekubaira kazhinji zvibairo izvozvo zvisingatongogoni kubvisa zvivi;Select Hebrews 10:11

12asi iye wakati abaira chibairo chimwe nekuda kwezvivi nekusingaperi, akagara pasi kuruoko rwerudyi rwaMwari,Select Hebrews 10:12

13kubva ikozvino anotarisira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake.Select Hebrews 10:13

14Nokuti nechibairo chimwe chete wakapedzeredza nekusingaperi avo vanoitwa vatsvene.Select Hebrews 10:14

15NeMweya Mutsvenewo anotipupurira; nokuti shure kwekuti ataura pakutanga anoti:Select Hebrews 10:15

16Iyi isungano yandichaita navo shure kwemazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Ishe, ndichaisa mirairo yangu mumoyo yavo, uye ndichainyora mufungwa dzavo.Select Hebrews 10:16

17Nezvivi zvavo nekuipa kwavo handichatongorangaririzve.Select Hebrews 10:17

18Zvino pane kanganwiro yeizvi, hapachina chibairo chechivi.Select Hebrews 10:18

19Naizvozvo, hama, tine ushingi hwekupinda panzvimbo tsvene neropa raJesu,Select Hebrews 10:19

20nenzira itsva mhenyu, yaakatizarurira kubudikidza nemuvheiri, ndiyo nyama yake;Select Hebrews 10:20

21uye tine mupristi mukuru pamusoro peimba yaMwari,Select Hebrews 10:21

22ngatiswedere nemoyo wechokwadi muchivimbo chakazara cherutendo, moyo yasaswa kubva pahana yakaipa, nemuviri wakashambidzwa nemvura yakachena.Select Hebrews 10:22

23Ngatibatisise kupupura kwetariro yedu, tisingazungunuki, nokuti iye wakavimbisa wakatendeka;Select Hebrews 10:23

24uye ngatirangariranei pakumutsa rudo uye mabasa akanaka,Select Hebrews 10:24

25tisingasii kuungana kwedu, setsika yevamwe, asi tichikurudzirana; zvikuru kwazvowo sezvamunoona zuva richiswedera.Select Hebrews 10:25

26Nokuti kana tichitadza maune mushure mekunge tagamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuchina kusara chibairo pamusoro pezvivi,Select Hebrews 10:26

27asi kumwe kumirira kunotyisa kwekutongwa, nehasha dzemoto dzichapedza vapikisi.Select Hebrews 10:27

28Munhu anoramba murairo waMozisi anofa pasina tsitsi nezvapupu zviviri kana zvitatu;Select Hebrews 10:28

29munofunga kuti achanzi wakafanira kurangwa zvinorwadza sei wakatsikira pasi Mwanakomana waMwari, uye akatora ropa resungano raakaitwa mutsvene naro serisiri dzvene, uye akazvidza Mweya wenyasha?Select Hebrews 10:29

30Nokuti tinomuziva iye wakati: Kutsiva ndekwangu, ini ndicharipira, anotaura Ishe. Uyezve anoti: Ishe achatonga vanhu vake.Select Hebrews 10:30

31Zvinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.Select Hebrews 10:31

32Asi rangarirai mazuva akare, amakati mavhenekerwa maari mukatsunga pakurwa kukuru kwematambudziko;Select Hebrews 10:32

33pamwe, pamakaitwa chiokero zvese nekunyombwa nematambudziko; pamwewo pamakagovana naivo vakaitirwa zvakadaro.Select Hebrews 10:33

34Nokuti nemwi makanzwira tsitsi zvisungo zvangu, makagamuchira nemufaro kupambiwa kwenhumbi dzenyu, muchiziva mukati menyu kuti imwi mune fuma yakapfuura nekunaka, uye inogara iripo kumatenga.Select Hebrews 10:34

35Naizvozvo regai kurasa kushinga kwenyu, kune mubairo mukuru.Select Hebrews 10:35

36Nokuti munofanira kuva nekutsungirira, zvekuti kana maita chido chaMwari, mugamuchire chivimbiso.Select Hebrews 10:36

37Nokuti pachine kanguva kadiki-diki, anouya achauya, uye haanganonoki.Select Hebrews 10:37

38Asi wakarurama achararama nerutendo; zvino kana akadzokera shure, mweya wangu haungafari naye.Select Hebrews 10:38

39Zvino isu hatisi veavo vanodzokera shure kukuparadzwa; asi veavo vanotenda kukuponeswa kwemweya.Select Hebrews 10:39

Next: Hebrews 11Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Hebrews

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.