Skip to content
Church.wiki
Hebrews

Hebrews 13

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Rudo rweukama ngarugare.Select Hebrews 13:1

2Musakanganwa kugamuchira vaeni; nokuti mukudaro vamwe vakagamuchira vatumwa vasingazvizivi.Select Hebrews 13:2

3Rangarirai vasungwa, semakasungwa pamwe navo; vanoitirwa zvakaipa, sezvinonzi ndimwiwo muri pamuviri.Select Hebrews 13:3

4Wanano ngaikudzwe kune vese, nenhovo irege kusvibiswa; asi Mwari achatonga mhombwe nezvifeve.Select Hebrews 13:4

5Mararamiro enyu ngaave ekusakarira mari; gutsikanai nezvinhu zviripo; nokuti iye wakati: Handingatongokurasi, uye handingatongokusii.Select Hebrews 13:5

6Naizvozvo tingashinga tichiti: Ishe mubatsiri wangu, uye handingatyi munhu zvaangandiitira.Select Hebrews 13:6

7Rangarirai vanokutungamirirai, vakataura kwamuri shoko raMwari; muchicherekedza kuguma kwemafambiro avo, teverai rutendo rwavo.Select Hebrews 13:7

8Jesu Kristu wakadaro zuro nanhasi, nekusingaperi.Select Hebrews 13:8

9Musakukurwa nedzidziso dzakasiyana-siyana uye dzisingazikanwi; nokuti chinhu chakanaka kuti moyo usimbiswe nenyasha, kwete nekudya, kwavasina kubatsirwa nako ivo vakafamba makuri.Select Hebrews 13:9

10Tine aritari, pavasina kodzero yekudya pairi ivo vanoshumira tabhenakeri.Select Hebrews 13:10

11Nokuti mhuka idzo, dzakaisirwa ropa radzo panzvimbo tsvene nemupristi mukuru nekuda kwechivi, mitumbi yadzo inopiswa kunze kwemusasa.Select Hebrews 13:11

12Naizvozvo naJesuwo, kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake pachake wakatambudzika kunze kwesuwo.Select Hebrews 13:12

13Naizvozvo ngatibudire kwaari kunze kwemusasa, takatakura kunyadziswa kwake.Select Hebrews 13:13

14Nokuti pano hatina guta rinogara, asi tinotsvaka rinouya.Select Hebrews 13:14

15Naizvozvo kubudikidza naye ngatirambe tichibaira chibairo chekurumbidza kuna Mwari, ndicho chibereko chemiromo ichibvuma zita rake.Select Hebrews 13:15

16Asi musakanganwa kuita zvakanaka nekudyidzana; nokuti Mwari anofadzwa nezvibairo zvakadaro.Select Hebrews 13:16

17Teererai vanokutungamirirai, uye muzviise pasi pavo; nokuti ava vanorindira mweya yenyu, sevachazopa rondedzero, kuti vaite izvozvo nemufaro, kwete nekugomera; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi.Select Hebrews 13:17

18Tinyengetererei; nokuti tinovimba kuti tine hana yakanaka, tichida kufamba zvakanaka pazvinhu zvese;Select Hebrews 13:18

19uye ndinokukumbirisisai kuti muite izvozvi, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri.Select Hebrews 13:19

20Zvino Mwari werugare, wakadzosa kubva kuvakafa Mufudzi mukuru wemakwai, neropa resungano yekusingaperi, iye Ishe wedu Jesu,Select Hebrews 13:20

21ngaakupereredzei pabasa rese rakanaka kuti muite chido chake, achiita mukati menyu izvo zvinofadza pamberi pake kubudikidza naJesu Kristu, ngaave nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni.Select Hebrews 13:21

22Asi ndinokukumbirisai, hama, gamuchirai makatsunga shoko rekurudziro, nokutiwo ndakunyorerai nemashoko mashoma.Select Hebrews 13:22

23Zivai kuti Timotio hama yedu wakasunungurwa, kana akakurumidza kusvika, ndinozokuonai ndinaye.Select Hebrews 13:23

24Kwazisai vese vanokutungamirirai, nevatsvene vese. Vanobva Itaria vanokukwazisai.Select Hebrews 13:24

25Nyasha ngadzive nemwi mese. Ameni.Select Hebrews 13:25

Next: James 1Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Hebrews

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.