Skip to content
Church.wiki
Hebrews

Hebrews 2

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Nekuda kweizvozvi tinofanira kuchenjerera zvikuru kuzvinhu zvatakanzwa, zvimwe tingakukurwa.Select Hebrews 2:1

2Nokuti kana shoko rakataurwa nevatumwa rakange rakasimba, uye kudarika kwese nekusateerera kwakagamuchira kutsiva kwakarurama,Select Hebrews 2:2

3isu tichapukunyuka sei kana tisina hanya neruponeso rukuru rwakadai? Irwo pakutanga rwakataurwa naIshe, rukasimbiswa kwatiri naivo vakanzwa,Select Hebrews 2:3

4Mwari achivapupurirawo zvese nezviratidzo nezvishamiso, nemasimba akasiyana-siyana, nezvipo zveMweya Mutsvene, zvichienderana nechido chake.Select Hebrews 2:4

5Nokuti haana kuisa nyika inouya pasi pevatumwa, yatinotaura nezvayo.Select Hebrews 2:5

6Asi umwe pane imwe nzvimbo wakapupura achiti: Munhu chii, kuti mumurangarire? kana mwanakomana wemunhu, kuti muve nehanya naye?Select Hebrews 2:6

7Makamuderedza zvishoma kuvatumwa; makamushongedza korona nekubwinya nerukudzo, ndokumumisa pamusoro pemabasa emaoko enyu.Select Hebrews 2:7

8Zvinhu zvese makaisa pasi petsoka dzake. Nokuti pane izvozvi wakaisa zvese pasi pake, haana kusiya chinhu chisina kuiswa pasi pake. Asi ikozvino tigere kuona zvinhu zvese zvakaiswa pasi pake.Select Hebrews 2:8

9Asi tinoona Jesu, akaderedzwa zvishoma kuvatumwa, nekuda kwedambudziko rerufu, akashongedzwa korona nekubwinya nerukudzo, kuti iye nenyasha dzaMwari aravire rufu achiitira wese.Select Hebrews 2:9

10Nokuti zvakange zvakamufanira, iye zvinhu zvese zviripo nekuda kwake, uye kubudikidza naye zvese zviripo, pakuisa vanakomana vazhinji mukubwinya, apedzeredze mutungamiriri weruponeso rwavo kubudikidza nematambudziko.Select Hebrews 2:10

11Nokuti neanovaitisa vatsvene naivo vanoitwa vatsvene vese vakabva kune umwe; nemhaka iyi haanyadziswi kuvaidza hama,Select Hebrews 2:11

12achiti: Ndichaparidzira zita renyu kuhama dzangu, pakati pekereke ndichakuimbirai rumbidzo.Select Hebrews 2:12

13Uyezve: Ini ndichavimba naye. Uyezve: Tarirai ini nevana Mwari vaakandipa.Select Hebrews 2:13

14Naizvozvo sezvo vana vari vagovani venyama neropa, naiye pachake wakagovana navo izvozvi; kuti kubudikidza nerufu iye aparadze uyo ane simba rerufu, iye dhiabhorosi,Select Hebrews 2:14

15agosunungura avo vese kubudikidza nekutya rufu vaiva pasi peuranda upenyu hwese.Select Hebrews 2:15

16Nokuti zvirokwazvo haazvitoreri vatumwa, asi wakazvitorera mbeu yaAbhurahama.Select Hebrews 2:16

17Naizvozvo wakafanira pazvinhu zvese kufananidzwa nehama dzake, kuti ave mupristi mukuru ane tsitsi nekutendeka pazvinhu zvaMwari, kuti aite muripo wezvivi zvevanhu.Select Hebrews 2:17

18Nokuti pane izvozvo iye amene wakatambudzika achiedzwa, anogona kubatsira vanoedzwa.Select Hebrews 2:18

Next: Hebrews 3Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Hebrews

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.