Skip to content
Church.wiki
Hebrews

Hebrews 5

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Nokuti mupristi mukuru umwe neumwe, wakatorwa kubva kuvanhu, anogadzirwa vanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abaire zvese zvipo nezvibairo nekuda kwezvivi;Select Hebrews 5:1

2iye anogona kuva nemoyo munyoro pane vasingazivi nevakatsauka, sezvo naiye akakomberedzwa neutera.Select Hebrews 5:2

3Uye nekuda kwaizvozvi anofanira kubaira zvivi, sezvaanobaira zvevanhu, zvakadaro nekwaari.Select Hebrews 5:3

4Zvino hakuna munhu angazvitorera rukudzo uru, asi uyo wakadanwa naMwari, saAroniwo.Select Hebrews 5:4

5Saizvozvo Kristuwo haana kuzvikudza iye kuva mupristi mukuru, asi uyo wakati kwaari: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ndakubereka.Select Hebrews 5:5

6Sepamwewo anoti: Ndiwe mupristi nekusingaperi kubva kurudzi rwaMerikizedheki.Select Hebrews 5:6

7Iye pamazuva enyama yake, abaira minyengetero nemikumbiro nekuchema kukuru nemisodzi kuna iye waigona kumuponesa kubva parufu, uye akanzwikwa nekuda kwekutya Mwari,Select Hebrews 5:7

8kunyange aiva Mwanakomana, wakadzidza kuteerera kubva pazvinhu zvaakatambudzika,Select Hebrews 5:8

9akatiwo aitwa wakaperedzerwa, akava muvambi weruponeso rwusingaperi kune vese vanomuteerera;Select Hebrews 5:9

10anzi naMwari mupristi mukuru kubva kurudzi rwaMerikizedheki.Select Hebrews 5:10

11Watine zvizhinji zvatingataura pamusoro pake zvinoremawo kududzira, zvamakagomara pakunzwa.Select Hebrews 5:11

12Nokuti apo pamaifanira kuva vadzidzisi nekuda kwenguva, makashaiwazve kuti kuve neanokudzidzisai kuti zvimiso zvekutanga zvemashoko aMwari zvii, uye mava vanoda mukaka, uye kwete kudya kukukutu.Select Hebrews 5:12

13Nokuti ani nani anodya mukaka haana unyanzvi mushoko rekururama; nokuti mucheche.Select Hebrews 5:13

14Asi kudya kukukutu ndekwevakura zvakazara, ivo nekurovedzwa vakadzidzisa pfungwa kuparadzanisa zvese zvakanaka nezvakaipa.Select Hebrews 5:14

Next: Hebrews 6Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Hebrews

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.