Hebrews 6
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Naizvozvo, tichisiya zvekutanga zvedzidziso yaKristu, ngatipfuurire mukupedzeredza, tisingaisizve nheyo yekutendeuka kubva pamabasa akafa, neyekutenda kuna Mwari,Select Hebrews 6:1
2yedzidziso yebhabhatidzo, neyekuisa maoko, neyekumuka kwevakafa, neyekutonga kwekusingaperi.Select Hebrews 6:2
3Uye izvi tichaita, kwega kana Mwari achitendera.Select Hebrews 6:3
4Nokuti hazvigoneki kuti vakambovhenekerwa, vakaravira chipo chekudenga, ndokuva vagovani veMweya Mutsvene,Select Hebrews 6:4
5vakaravira shoko rakanaka raMwari, nemasimba enyika inouya,Select Hebrews 6:5
6ndokutsauka kutivavavandudzirezve mukutendeuka, zvavanozvirovererazve pamuchinjikwa Mwanakomana waMwari, vachimunyadzisa pachena.Select Hebrews 6:6
7Nokuti nyika inonwa mvura inogarouya pamusoro payo, ndokubereka miriwo yakafanira avo vanoirimawo, inowana ropafadzo kubva kuna Mwari;Select Hebrews 6:7
8asi iyo inobereka minzwa nerukato, inorambwa uye yava pedo nekutukwa; kuguma kwayo kuri mukupiswa.Select Hebrews 6:8
9Asi tine chokwadi pamusoro penyu chezvinhu zviri nani, vadiwa, uye zvinhu zvine ruponeso, kunyange tichitaura sezvizvi;Select Hebrews 6:9
10nokuti Mwari haasi asakarurama kuti akanganwe basa renyu nebasa rakarema rerudo rwamakaratidza kuzita rake, pamakashumira vatsvene uye muchiri kushumira.Select Hebrews 6:10
11Zvino tinoshuva kuti umwe neumwe wenyu aratidze kushingaira kwakadaro kuve kuvimbiswa kwakakwana kwetariro pakuguma.Select Hebrews 6:11
12Kuti murege kuva simbe, asi vateveri veavo vanodya nhaka yezvivimbiso kubudikidza nerutendo nemoyo murefu.Select Hebrews 6:12
13Nokuti Mwari paakavimbisa Abhurahama, nokuti wakange asina wakamudarika waangapika naye, wakapika naiye pachake,Select Hebrews 6:13
14achiti: Zvirokwazvo kuropafadza ndichakuropafadza, nekuwanza ndichakuwanza.Select Hebrews 6:14
15Saizvozvowo, wakati atsungirira nemoyo murefu akawana chivimbiso.Select Hebrews 6:15
16Nokuti vanhu zvirokwazvo vanopika nemukuru kwavari, nemhiko yekusimbisa kuguma kwegakava rese kwavari.Select Hebrews 6:16
17Pakazoti Mwari achida zvikurusa kuratidza kuvadyi venhaka yechivimbiso kusashanduka kwezano rake, wakamiririra nemhiko,Select Hebrews 6:17
18kuti nezvinhu zviviri zvisingashanduki, pazviri pasingagoni kuti Mwari areve nhema, tive nekunyaradzwa kwakasimba, iyesu takatizira kunovanda kuti tibatirire kutariro yakaiswa pamberi pedu;Select Hebrews 6:18
19yatinayo sechitsigiso chemweya chakatsiga uye chakasimba, inopinda kune zviri mukati mevheiri;Select Hebrews 6:19
20apo nhungamiri payakatipindira, iye Jesu, wakaitwa mupristi mukuru nekusingaperi, kubva kurudzi rwaMerikizedheki.Select Hebrews 6:20
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation