Skip to content
Church.wiki
Hebrews

Hebrews 8

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino shoko guru pazvinhu zvatataura ndirori: Tine mupristi mukuru wakadai wakagara kuruoko rwerudyi rwechigaro cheushe cheMukuru kumatenga,Select Hebrews 8:1

2mushumiri wenzvimbo tsvene, newetabhenakeri yechokwadi Ishe yaakadzika, kwete munhu.Select Hebrews 8:2

3Nokuti mupristi mukuru umwe neumwe wakagadzirwa kubaira zvipo nezvibairo; naizvozvo zvakafanira kuti naye ave nechimwe chaangabaira.Select Hebrews 8:3

4Nokuti kana aiva panyika, angadai asina kutombova mupristi, vapristi zvavaripo, vanobaira zvipo zvinoenderana nemurairo;Select Hebrews 8:4

5vanoshumira zviratidzo nemumvuri wezvinhu zvekudenga, Mozisi sezvaakarairwa naMwari oda kugadzira tabhenakeri; nokuti wakati: Chenjera kuti uite zvese zvichienderana nemufananidzo wawakaratidzwa mugomo.Select Hebrews 8:5

6Asi ikozvino wakawana ushumiri hwakanyanyisa kunaka, sezvaariwo murevereri wesungano inopfuura pakunaka, yakasimbiswa pazvivimbiso zvinopfuura pakunaka.Select Hebrews 8:6

7Nokuti dai iya yekutanga yakange isina chaingapomerwa, dai pasina nzvimbo yakatsvakirwa yechipiri.Select Hebrews 8:7

8Nokuti achivapa mhosva, anoti: Tarira, mazuva anouya, anotaura Ishe, zvino ndichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha.Select Hebrews 8:8

9Kwete zvichienderana nesungano yandakaita nemadzibaba avo, pazuva randakabata ruoko rwavo kuti ndivabudise munyika yeEgipita; nokuti havana kurambira musungano yangu, neni ndikasava nehanya navo, anoreva Ishe.Select Hebrews 8:9

10Nokuti iyi isungano yandichasungana nayo neimba yaIsraeri shure kwemazuva iwayo, anotaura Ishe; ndichaisa mirairo yangu mumurangariro wavo, nemuhana dzavo ndichainyora; uye ndichava kwavari Mwari, ivo vachavawo kwandiri vanhu;Select Hebrews 8:10

11uye havangatongozodzidzisi umwe neumwe umwe wake, neumwe neumwe hama yake, achiti: Ziva Ishe; nokuti vese vachandiziva, kubva kumudiki wavo kusvikira kumukuru wavo.Select Hebrews 8:11

12Nokuti ndichava netsitsi pakusarurama kwavo, nezvivi zvavo nezvakaipa zvavo handichatongozorangariri.Select Hebrews 8:12

13Pakuti: Sungano itsva, yakasakadza yekutanga. Zvino chosakarawo chova chakare, chava pedo kurova.Select Hebrews 8:13

Next: Hebrews 9Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Hebrews

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.