John 10
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Asingapindi napamukova mudanga remakwai, asi anokwira nekumwe, ndiye mbavha negororo.Select John 10:1
2Zvino anopinda nepamukova mufudzi wemakwai.Select John 10:2
3Murindi wemukova anomuzarurira, nemakwai anonzwa inzwi rake, uye anodana makwai ake nezita, nekuatungamirira kunze.Select John 10:3
4Uye kana abudisa makwai ake, anoatungamirira; nemakwai anomutevera, nokuti anoziva inzwi rake.Select John 10:4
5Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi inzwi revaeni.Select John 10:5
6Jesu wakareva dimikira iri kwavari; asi ivo havana kunzwisisa, kuti zvinhui zvaakataura kwavari.Select John 10:6
7Zvino Jesu akati kwavarizve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ini ndiri mukova wemakwai;Select John 10:7
8vese vakanditangira kuuya imbavha nemakororo, asi makwai haana kuvanzwa.Select John 10:8
9Ini ndiri mukova; kana munhu achipinda neni, achaponeswa, achapinda nekubuda, nekuwana mafuro.Select John 10:9
10Mbavha haiui asi kungozoba nekuuraya nekuparadza; ini ndakauya, kuti vave neupenyu, uye vave nehunopfachukira.Select John 10:10
11Ini ndiri mufudzi wakanaka. Mufudzi wakanaka anoradzikira pasi makwai upenyu hwake.Select John 10:11
12Asi muricho, asati ari mufudzi, makwai asati ari ake pachake, anoona bumhi richiuya, akasiya makwai, ndokutiza; bumhi rinoabata, nekuparadzira makwai.Select John 10:12
13Muricho anotiza nokuti muricho, uye haana hanya nemakwai.Select John 10:13
14Ini ndiri mufudzi wakanaka, uye ndinoziva angu, ndinozikanwa neangu.Select John 10:14
15Baba sezvavanondiziva, neni ndinoziva Baba; zvino ndinoradzikira pasi makwai upenyu hwangu.Select John 10:15
16Nemamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawo, achanzwa inzwi rangu; uye rive boka rimwe mufudzi umwe.Select John 10:16
17Nekuda kwaizvozvo Baba vanondida, nokuti ini ndinoradzika upenyu hwangu pasi, kuti ndihutorezve.Select John 10:17
18Hakuna angahutora kubva kwandiri, asi ini ndinohuradzika pasi pachangu. Simba ndinaro rekuhuradzika pasi, uye simba ndinaro rekuhutorazve. Uyu murairo ndakaugamuchira kuna Baba vangu.Select John 10:18
19Naizvozvo kukavapozve kupesana pakati peVaJudha nekuda kwemashoko awa.Select John 10:19
20Vazhinji vavo vakati: Ane dhimoni uye anopenga; munomuteererei?Select John 10:20
21Vamwe vakati: Mashoko awa haasi eane dhimoni; ko dhimoni ringagona kusvinudza meso emapofu here?Select John 10:21
22Zvino paiva nemutambo wekuvandudza paJerusarema, chaiva chando;Select John 10:22
23Jesu ndokufamba-famba mutembere muberere raSoromoni.Select John 10:23
24Zvino VaJudha vakamukomba, vakati kwaari: Kusvikira rinhi uchigara wakaremberedza mweya wedu? Kana uri Kristu iwe, tiudze pachena.Select John 10:24
25Jesu akavapindura akati: Ndakakuudzai, asi hamuna kutenda; mabasa andinoita ini muzita raBaba vangu ndiwo anopupura nezvangu;Select John 10:25
26asi imwi hamutendi; nokuti hamusi vemakwai angu, sezvandakareva kwamuri.Select John 10:26
27Makwai angu anonzwa inzwi rangu, neni ndinoaziva, uye anonditevera;Select John 10:27
28uye ini ndinoapa upenyu husingaperi; uye haachatongoparari nekusingaperi, uye hakuna umwe achaabvuta muruoko rwangu.Select John 10:28
29Baba vangu vakandipa iwo vakuru kune vese; uye hakuna anogona kuabvuta muruoko rwaBaba vangu.Select John 10:29
30Ini naBaba tiri umwe.Select John 10:30
31Naizvozvo VaJudha vakanongazve mabwe, kuti vamutake.Select John 10:31
32Jesu akavapindura akati: Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka kubva kuna Baba vangu; nderipi remabasa awa ramunonditakira?Select John 10:32
33VaJudha vakamupindura vachiti: Hatikutakiri basa rakanaka, asi kunyomba; uye nokuti iwe uri munhu unozviita Mwari.Select John 10:33
34Jesu akavapindura akati: Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, zvichinzi: Ini ndakati: Muri vamwari?Select John 10:34
35Kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye rugwaro harwugoni kuputswa;Select John 10:35
36imwi munoti kune uyo Baba vakamuita mutsvene vakamutuma panyika: Unonyomba, nokuti ndati: Ndiri Mwanakomana waMwari?Select John 10:36
37Kana ndisingaiti mabasa aBaba vangu, musanditenda.Select John 10:37
38Asi kana ndichiaita, kunyange musingatendi ini, tendai mabasa; kuti muzive nekutenda kuti Baba vari mandiri, neni mavari.Select John 10:38
39Zvino vakatsvakazve kumubata; asi wakabuda paruoko rwavo.Select John 10:39
40Zvino akaendazve mhiri kwaJoridhani kunzvimbo Johwani kwaaibhabhatidza pakutanga; ndokugarapo.Select John 10:40
41Zvino vazhinji vakauya kwaari vakati: Johwani haana kuita chiratidzo, asi chese Johwani chaakareva pamusoro peuyu chaiva chokwadi.Select John 10:41
42Vazhinji ndokutenda kwaari ipapo.Select John 10:42
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation