Skip to content
Church.wiki
John

John 13

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino mutambo wepasika usati wasvika, Jesu woziva kuti awa rake rasvika kuti abve munyika ino, aende kuna Baba, ada vake vari munyika, wakavada kusvikira pamagumo.Select John 13:1

2Zvino chirairo chakati chaitika, dhiabhorosi atoisa mumoyo maJudhasi Isikariyoti, waSimoni, kuti amutengese,Select John 13:2

3Jesu achiziva kuti Baba vakapa zvinhu zvese mumaoko, uye kuti wakabva kuna Mwari uye anoenda kuna Mwari,Select John 13:3

4akasimuka kubva pachirairo, akabvisa nguvo, akatora mucheka akazvimonera.Select John 13:4

5Shure kwaizvozvi wakadira mvura mundiro, ndokutanga kushambidza tsoka dzevadzidzi, nekupusika nemucheka waakange akamonerwa nawo.Select John 13:5

6Naizvozvo wakasvika kuna Simoni Petro; iye ndokuti kwaari: Ishe, imwi moshambidza tsoka dzangu here?Select John 13:6

7Jesu akapindura ndokuti kwaari: Chandinoita ini, iwe hauzivi ikozvino; asi uchaziva shure kweizvi.Select John 13:7

8Petro akati kwaari: Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nekusingaperi. Jesu akamupindura akati: Kana ndisingakushambidzi, hauna mugove neni.Select John 13:8

9Simoni Petro akati kwaari: Ishe, kwete tsoka dzangu dzega, asi maokowo nemusoro.Select John 13:9

10Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa haashaiwi chinhu kunze kwekushamba tsoka, asi wakachena chose; uye imwi makachena asi kwete mese.Select John 13:10

11Nokuti wakange achiziva uyo waizomutengesa; nekuda kwaizvozvi wakati: Hamuna kuchena mese.Select John 13:11

12Naizvozvo ashambidza tsoka dzavo, wakatora nguvo dzake, agarazve pakudya, akati kwavari: Munoziva zvandaita kwamuri here?Select John 13:12

13Imwi munondidaidza kuti Mudzidzisi, uye Ishe; uye munoreva zvakanaka, nokuti ndini iye.Select John 13:13

14Zvino kana ini, Ishe neMudzidzisi, ndashambidza tsoka dzenyu, imwiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.Select John 13:14

15Nokuti ndakupai muenzaniso, kuti nemwi muite ini sezvandaita kwamuri.Select John 13:15

16Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Muranda haasi mukuru kuna ishe wake, uye wakatumwa haasi mukuru kune wakamutuma.Select John 13:16

17Kana muchiziva zvinhu izvi, makaropafadzwa kana muchizviita.Select John 13:17

18Handitauri maererano nemwi mese; ini ndinoziva vandakasarudza; asi kuti rugwaro ruzadziswe, rwunoti: Anodya chingwa neni wakandisimudzira chitsitsinho chake.Select John 13:18

19Kubva ikozvino ndinokuudzai zvisati zvaitika, kuti, kana zvichiitika, mugotenda kuti ndini.Select John 13:19

20Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anogamuchira ani nani wandinotuma, anogamuchira ini; neanogamuchira ini, anogamuchira wakandituma.Select John 13:20

21Jesu wakati areva izvi akatambudzika mumweya, akapupura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Umwe wenyu achanditengesa.Select John 13:21

22Naizvozvo vadzidzi vakatarirana, vasina chokwadi kuti wataura pamusoro paani.Select John 13:22

23Zvino kwakange kugere pakudya pachifuva chaJesu umwe wevadzidzi vake, Jesu waaida;Select John 13:23

24naizvozvo Simoni Petro akamuninira, kubvunza kuti ndiani waanotaura pamusoro pake.Select John 13:24

25Iyewo achizendamira pachifuva chaJesu, akati kwaari: Ishe, ndiani?Select John 13:25

26Jesu akapindura akati: Ndiye ini wandichapa chimedu kana ndaseva. Zvino aseva chimedu, akapa Judhasi Isikariyoti waSimoni.Select John 13:26

27Zvino shure kwechimedu, ipapo Satani akapinda maari. Jesu ndokuti kwaari: Zvaunoita, ita uchikurumidza.Select John 13:27

28Asi hakuna kune vakange vagere pakudya wakaziva kuti wakareverei izvi kwaari.Select John 13:28

29Nokuti vamwe vakafunga kuti, sezvo Judhasi aiva nechikwama, Jesu wakati kwaari: Tenga zvatinoda pamutambo; kana kuti ape varombo chimwe chinhu.Select John 13:29

30Naizvozvo iye akati agamuchira chimedu, akabuda pakarepo; zvino hwakange huri usiku.Select John 13:30

31Naizvozvo wakati abuda, Jesu akati: Ikozvino Mwanakomana wemunhu wakudzwa, naMwari wakudzwa maari.Select John 13:31

32Kana Mwari akudzwa maari, Mwari achamukudzawo maari pachake, zvino achamukudza pakarepo.Select John 13:32

33Vana vadiki, ndichinemwi chinguva chidiki. Muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuVaJudha, kuti: Ini kwandinoenda, imwi hamugoni kuuyako, ndinorevawo kwamuri ikozvino.Select John 13:33

34Murairo mutsva ndinopa kwamuri, kuti mudanane; sezvandakakudai, kuti imwi mudananewo.Select John 13:34

35Pane izvi vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo umwe kune umwe.Select John 13:35

36Simoni Petro akati kwaari: Ishe, munoenda kupi? Jesu akamupindura, akati: Kwandinoenda, haungagoni kunditevera ikozvino; asi uchanditevera pashure.Select John 13:36

37Petro akati kwaari: Ishe, handigoni kukuteverai ikozvino nei? Ndichakuradzikirai upenyu hwangu pasi.Select John 13:37

38Jesu akamupindura, akati: Ucharadzikira upenyu hwako pasi ini here? Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Jongwe haringatongoriri kusvikira wandiramba katatu.Select John 13:38

Next: John 14Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

John

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.