Skip to content
Church.wiki
John

John 14

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Moyo wenyu ngaurege kutambudzika; munotenda kuna Mwari, tendaiwo kwandiri.Select John 14:1

2Mumusha maBaba vangu mune dzimba zhinji dzekugara; dai zvisina kudaro, ndingadai ndakakuudzai. Ndinoenda kunokugadzirirai nzvimbo.Select John 14:2

3Zvino ndikanokugadzirirai nzvimbo, ndichauyazve ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo ini pandiri, imwi muvepowo.Select John 14:3

4Uye ini pandinoenda munoziva, nenzira munoziva.Select John 14:4

5Tomasi akati kwaari: Ishe, hatizivi kwamunoenda; ko tinogona kuziva sei nzira?Select John 14:5

6Jesu akati kwaari: Ini ndiri nzira, nechokwadi, neupenyu; hapana anouya kuna Baba, asi nekwandiri.Select John 14:6

7Dai maindiziva, maiziva Baba vanguwo; uye kubva ikozvino munovaziva, uye makavaona.Select John 14:7

8Firipi akati kwaari: Ishe, tiratidzei Baba, uye zvakatikwanira.Select John 14:8

9Jesu akati kwaari: Ndava nemwi nguva refu yakadai, hausati wandiziva here, Firipi? Waona ini, waona Baba; zvino unoreva sei uchiti: Tiratidzei Baba?Select John 14:9

10Hautendi here kuti ini ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinotaura kwamuri ini, handiatauri pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa.Select John 14:10

11Nditendei kuti ndiri muna Baba, naBaba vari mandiri; kana zvisakadaro nditendei nekuda kwemabasa amene.Select John 14:11

12Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anotenda kwandiri, mabasa ini andinoita iye achaaitawo, uye makuru kune awa achaaita; nokuti ini ndinoenda kuna Baba vangu.Select John 14:12

13Uye chero chipi chamunokumbira muzita rangu, icho ndichachiita, kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana.Select John 14:13

14Kana muchikumbira chero chipi muzita rangu, ini ndichachiita.Select John 14:14

15Kana muchindida, chengetai mirairo yangu.Select John 14:15

16Neni ndichakumbira Baba, naivo vachakupai umwe Munyaradzi, kuti agare nemwi nekusingaperi,Select John 14:16

17Mweya wechokwadi, iyo nyika yausingagoni kugamuchira, nokuti haimuoni, kana kumuziva. Asi imwi munomuziva, nokuti ugere nemwi, uchava mukati menyu.Select John 14:17

18Handingakusii muri nherera; ndichauya kwamuri.Select John 14:18

19Kuchine chinguvana, nenyika haichazondioni; asi imwi muchandiona; nokuti ini ndinorarama, imwiwo muchararama.Select John 14:19

20Nezuva iro imwi muchaziva kuti ndiri muna Baba vangu, nemwi mandiri, neni mamuri.Select John 14:20

21Ane mirairo yangu achiichengeta, ndiye anondida; uye anondida achadikanwa naBaba vangu; neni ndichamuda, uye ndichazviratidza kwaari.Select John 14:21

22Judhasi, kwete Isikariyoti, akati kwaari: Ishe, chii kuti munozozviratidza kwatiri, asi kwete kunyika?Select John 14:22

23Jesu akapindura akati kwaari: Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu, naBaba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari, tikaita ugaro naye.Select John 14:23

24Asingandidi, haachengeti mashoko angu; neshoko ramunonzwa harisi rangu, asi raBaba vakandituma.Select John 14:24

25Zvinhu izvozvi ndazvitaura kwamuri ndigere nemwi.Select John 14:25

26Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, iwo Baba wavachatuma muzita rangu, iye achakudzidzisai zvinhu zvese, uye akuyeudzirei zvese zvandakataura kwamuri.Select John 14:26

27Rugare ndinosiya kwamuri; rugare rwangu ndinopa kwamuri; kwete nyika sezvainopa, ini ndinopa kwamuri. Moyo wenyu ngaurege kutambudzika, kana kutya.Select John 14:27

28Manzwa kuti ini ndati kwamuri: Ndinoenda, uye ndichauya kwamuri. Kana maindida, maifara, nokuti ndati: Ndinoenda kuna Baba; nokuti Baba vangu vakuru kwandiri.Select John 14:28

29Uye ikozvino ndakuudzai zvisati zvaitika; kuti kana zvoitika mungatenda.Select John 14:29

30Handichazotaurizve zvizhinji nemwi; nokuti mutongi wenyika ino anouya, asi haana chinhu kwandiri;Select John 14:30

31asi kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, uye Baba sezvavakandiraira, ndinoita saizvozvo. Simukai, ngatibve pano.Select John 14:31

Next: John 15Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

John

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.