John 16
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti murege kugumburwa.Select John 16:1
2Vachakubudisai mumasinagoge; hongu nguva inouya, apo umwe neumwe anokuurayai achafunga kuti anoitira Mwari basa.Select John 16:2
3Uye zvinhu izvi vachazviita kwamuri, nokuti havana kuziva Baba kana ini.Select John 16:3
4Asi zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti kana nguva yasvika, muzvirangarire kuti ini ndakakuudzai. Asi zvinhu izvi handina kuzvireva kwamuri kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemwi.Select John 16:4
5Asi ikozvino ndinoenda kune wakandituma, uye hakuna umwe wenyu anondibvunza, achiti: Munoenda kupi?Select John 16:5
6Asi nokuti ndareva zvinhu izvi kwamuri, kusuruvara kwazadza moyo wenyu.Select John 16:6
7Asi ini ndinokuudzai chokwadi: Zvakanaka kwamuri kuti ini ndiende; nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haazouyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.Select John 16:7
8Zvino kana asvika, iye achapwisa nyika nezvechivi, uye nezvekururama, uye nezvemutongo;Select John 16:8
9zvechivi, nokuti havatendi kwandiri;Select John 16:9
10uye zvekururama, nokuti ndinoenda kuna Baba vangu, uye hamuchazondionizve;Select John 16:10
11uye zvemutongo, nokuti mutungamiriri wenyika ino watongwa.Select John 16:11
12Ndichine zvinhu zvizhinji zvekutaura kwamuri, asi hamugoni kuzvitakura ikozvino;Select John 16:12
13asi kana iye asvika, Mweya wechokwadi, achakutungamirirai kuchokwadi chese; nokuti haazozvitauriri pachake, asi chega chega chaanonzwa achataura, uye achakuzivisai zvinhu zvinouya.Select John 16:13
14Iye achandirumbidza, nokuti achatora pane zvangu, uye achazvizivisa kwamuri.Select John 16:14
15Zvese Baba zvavanazvo, ndezvangu; ndokusaka ndichiti achatora pane zvangu, agozivisa kwamuri.Select John 16:15
16Kwechinguvana uye hamuchandioni, uye kwechinguvanazve muchandiona, nokuti ini ndinoenda kuna Baba.Select John 16:16
17Zvino vamwe vevadzidzi vake vakataurirana vachiti: Chii ichi chaanoreva kwatiri: Kwechinguvana, hamuchandioni; uyezve kwechinguvana muchandiona; uye: Nokuti ini ndinoenda kuna Baba?Select John 16:17
18Naizvozvo vakati: Chii ichi chaanoreva: Chinguvana? Hatizivi chaanoreva.Select John 16:18
19Zvino Jesu waiziva kuti vakange vachishuva kumubvunza, akati kwavari: Munobvunzana pamusoro pezvizvi here kuti ndati: Kwechinguvana hamuchandioni, uyezve kwechinguvana muchandiona?Select John 16:19
20Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Imwi muchachema nekurira, asi nyika ichafara; uye imwi muchava nekusuruvara, asi kusuruvara kwenyu kuchava mufaro.Select John 16:20
21Mukadzi kana achisununguka ane marwadzo, nokuti awa rake rasvika; asi kana angopona mucheche, haacharangaririzve marwadzo, nekufara kuti munhu waponwa panyika.Select John 16:21
22Naizvozvo nemwi ikozvino mune kusuruvara; asi ndichazokuonaizve, nemoyo wenyu uchafara; uye hakuna munhu anokutorerai mufaro wenyu.Select John 16:22
23Zvino nezuva iro hamuchazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchakumbira kuna Baba muzita rangu vachakupai.Select John 16:23
24Kusvikira ikozvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, uye muchagamuchira, kuti mufaro wenyu uzadzwe.Select John 16:24
25Zvinhu izvi ndataura kwamuri mumadimikira; nguva inouya apo ndisingazotaurizve kwamuri nemadimikira, asi ndichakuudzai pachena nezvaBaba.Select John 16:25
26Pazuva iro muchakumbira muzita rangu; uye handirevi kwamuri kuti ini ndichakukumbirirai kuna Baba;Select John 16:26
27nokuti Baba pachavo vanokudai, nokuti imwi makandida, mukatenda kuti ini ndakabuda kuna Mwari.Select John 16:27
28Ndakabuda kuna Baba, uye ndakauya panyika; ndinobvazve panyika, uye ndinoenda kuna Baba.Select John 16:28
29Vadzidzi vake vakati kwaari: Tarirai ikozvino motaura pachena, uye munotaura pasina dimikira.Select John 16:29
30Zvino tinoziva kuti munoziva zvinhu zvese, uye hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; neizvozvi tinotenda kuti makabuda kuna Mwari.Select John 16:30
31Jesu akavapindura akati: Ikozvino munotenda here?Select John 16:31
32Tarirai, awa rinouya, hongu ikozvino rasvika, rekuti muchaparadzirwa, umwe neumwe kune zvake, uye mundisiye ndega; izvo handisi ndega, nokuti Baba vaneni.Select John 16:32
33Ndareva zvinhu izvi kwamuri, kuti muve nerugare mandiri. Munyika muchava nedambudziko; asi tsungai moyo, ini ndakakunda nyika.Select John 16:33
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation