John 18
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Jesu areva zvinhu izvi wakabudira mhiri kwerukova Kedhironi nevadzidzi vake, paiva nebindu, maakapinda iye nevadzidzi vake.Select John 18:1
2NaJudhasiwo, wakamutengesa, wakange achiziva nzvimbo iyi; nokuti Jesu kazhinji waiunganapo nevadzidzi vake.Select John 18:2
3Naizvozvo Judhasi, atora boka remauto, nemapurisa kubva kuvapristi vakuru neVaFarisi, wakauyapo nemwenje nemarambi nezvombo.Select John 18:3
4Naizvozvo Jesu, achiziva zvinhu zvese zvaizomuwira, wakabuda akati kwavari: Ndiani wamunotsvaka?Select John 18:4
5Vakamupindura vakati: Jesu muNazareta. Jesu akati kwavari: Ndini. NaJudhasiwo wakamutengesa wakange amire navo.Select John 18:5
6Zvino wakati achiti kwavari: Ndini; vakasudurukira shure, vakawira pasi.Select John 18:6
7Zvino akavabvunzazve achiti: Ndiani wamunotsvaka? Ivo vakati: Jesu muNazareta.Select John 18:7
8Jesu akapindura achiti: Ndakuudzai kuti ndini iye; naizvozvo kana muchitsvaka ini, regai ava vaende;Select John 18:8
9kuti shoko rizadziswe raakareva rekuti: Vamakapa kwandiri, handina kurasa umwe wavo.Select John 18:9
10Naizvozvo Simoni Petro ane munondo wakauvhomora ndokutema muranda wemupristi mukuru, ndokugura nzeve yake yerudyi. Uye zita remuranda uyo raiva Marikosi.Select John 18:10
11Naizvozvo Jesu wakati kuna Petro: Isa munondo wako mumuhara; mukombe Baba wavakandipa, handingatongounwi here?Select John 18:11
12Zvino boka remauto nemukuru wechuru nemapurisa eVaJudha vakabata Jesu, vakamusunga,Select John 18:12
13ndokutanga kumuendesa kuna Anasi; nokuti wakange ari mukarahwa waKayafasi, waiva mupristi mukuru gore iroro.Select John 18:13
14Zvino Kayafasi ndiye wakange araira VaJudha, kuti zvakanaka kuti munhu umwe afire rudzi.Select John 18:14
15Zvino Simoni Petro wakatevera Jesu, neumwe mudzidzi. Mudzidzi uyu waizikanwa nemupristi mukuru, akapinda naJesu muchivanze chemupristi mukuru;Select John 18:15
16asi Petro wakange amire pamukova panze. Naizvozvo kwakabuda umwe mudzidzi waizikanwa nemupristi mukuru, akataura nemurindikadzi wemukova, ndokupinza Petro.Select John 18:16
17Zvino murandakadzi murindi wemukova akati kuna Petro: Iwewo hausi umwe wevadzidzi vemunhu uyu here? Iye akati: Handisi.Select John 18:17
18Zvino varanda nemapurisa vakange vamire vavesa moto wemazimbe, nokuti kwaitonhora, uye vaidziya. Petrowo akamira navo achidziya.Select John 18:18
19Naizvozvo mupristi mukuru wakabvunza Jesu nezvevadzidzi vake, nezvedzidziso yake.Select John 18:19
20Jesu akamupindura akati: Ini ndakataura pachena kunyika; ini ndaidzidzisa nguva dzese musinagoge nemutembere, panoungana VaJudha nguva dzese, uye handina kureva chinhu pakavanda.Select John 18:20
21Unobvunzirei ini? Bvunza avo vainzwa, zvandaitaura kwavari; tarira, ndivo vanoziva ini zvandakareva.Select John 18:21
22Wakati areva zvinhu izvi, umwe wemapurisa wakange amirepo akarova Jesu nembama, achiti: Ko unopindura mupristi mukuru saizvozvo?Select John 18:22
23Jesu akamupindura akati: Kana ndareva zvakaipa, pupura zvezvakaipa zvacho; asi kana zvakanaka, wandiroverei?Select John 18:23
24Zvino Anasi akamutumira akasungwa kuna Kayafasi mupristi mukuru.Select John 18:24
25Zvino Simoni Petro wakange amire achidziya moto; naizvozvo vakati kwaari: Hausi iwewo umwe wevadzidzi vake here? Iye akaramba, akati: Handisi.Select John 18:25
26Umwe wevaranda vemupristi mukuru, ari hama yewenzeve Petro yaakagura akati: Ini handina kukuona mubindu unaye here?Select John 18:26
27Naizvozvo Petro akarambazve; zvino pakarepo jongwe rakarira.Select John 18:27
28Zvino vakabvisa Jesu kuna Kayafasi vakamuisa kuimba yemutungamiriri; uye aiva mambakwedza, asi ivo havana kupinda mumba memutungamiriri, kuti varege kusvibiswa, asi kuti vadye pasika.Select John 18:28
29Naizvozvo Pirato akabudira kwavari, akati: Imhosva yei yamunoisa pamunhu uyu?Select John 18:29
30Vakapindura vakati kwaari: Dai uyu asaiva anoita zvakaipa, tingadai tisina kumukumikidza kwamuri.Select John 18:30
31Naizvozvo Pirato wakati kwavari: Mutorei imwi, mumutonge zvinoenderana nemurairo wenyu. Naizvozvo VaJudha vakati kwaari: Hazvisi pamutemo kwatiri kuti tiuraye munhu;Select John 18:31
32kuti shoko raJesu rizadziswe raakareva, achiratidza kuti kufa rudzii kwaaifanira kufa nako.Select John 18:32
33Naizvozvo Pirato wakapindazve mumba memutungamiriri, akadana Jesu, akati kwaari: Ndiwe mambo weVaJudha here?Select John 18:33
34Jesu akamupindura akati: Unozvireva izvi pachako here, kana vamwe vakuudza pamusoro pangu?Select John 18:34
35Pirato akapindura, akati: Ini ndiri muJudha here? Rudzi rwako nevapristi vakuru vakukumikidza kwandiri; waitei?Select John 18:35
36Jesu akapindura akati: Ushe hwangu hahuzi hwenyika ino; kana ushe hwangu hwaiva hwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kukumikidzwa kuVaJudha; asi zvino ushe hwangu hahusi hwepano.Select John 18:36
37Naizvozvo Pirato wakati kwaari: Saka uri iwe mambo here? Jesu akapindura akati: Unoreva iwe, kuti ini ndiri mambo. Ini ndakaberekerwa izvi, uye ndakauira izvi munyika kuti ndipupurire chokwadi. Umwe neumwe wechokwadi anonzwa inzwi rangu.Select John 18:37
38Pirato akati kwaari: Chokwadi chii? Zvino wakati areva izvi, akabudirazve kuVaJudha, akati kwavari: Ini handiwani mhosva kwaari.Select John 18:38
39Asi mune tsika, kuti ndikusunungurirei umwe papasika; naizvozvo munoda kuti ndikusunungurirei Mambo weVaJudha here?Select John 18:39
40Ipapo vakadanidzirazve vese, vachiti: Kwete uyu, asi Bharabhasi; zvino Bharabhasi wakange ari gororo.Select John 18:40
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation