John 3
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Kwaiva nemunhu wekuVaFarisi, Nikodhimo riri zita rake, mutungamiriri weVaJudha.Select John 3:1
2Uyu wakauya kuna Jesu usiku, akati kwaari: Rabhi*, tinoziva kuti muri Mudzidzisi wakabva kuna Mwari; nokuti hakuna anogona kuita zviratidzo izvi zvamunoita imwi, kana Mwari asinaye.Select John 3:2
3Jesu akapindura ndokuti kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kunze kwekuti munhu aberekwa kutsva, haagoni kuona ushe hwaMwari.Select John 3:3
4Nikodhimo akati kwaari: Munhu anogona kuberekwa sei ava mukuru? Anogona kupinda rwechipiri mudumbu ramai vake agoberekwa here?Select John 3:4
5Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kana munhu asina kuberekwa nemvura neMweya, haagoni kupinda muushe hwaMwari.Select John 3:5
6Icho chakaberekwa nenyama inyama; nechakaberekwa neMweya, mweya.Select John 3:6
7Usashamisika kuti ndati kwauri: Zvakafanira kuti muberekwe kutsva.Select John 3:7
8Mhepo inovhuvhuta painoda, uye unonzwa inzwi rayo, asi hauzivi painobva nepainoenda; wakadaro wese wakaberekwa neMweya.Select John 3:8
9Nikodhimo akapindura ndokuti kwaari: Zvinhu izvi zvinogona kuitika sei?Select John 3:9
10Jesu akapindura, ndokuti kwaari: Iwe uri mudzidzisi waIsraeri, asi haunzwisisi zvinhu izvi here?Select John 3:10
11Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Tinotaura zvatinoziva, tichipupura zvatakaona; asi hamugamuchiri uchapupu hwedu.Select John 3:11
12Kana ndakakuudzai zvinhu zvenyika uye mukasatenda, muchatenda sei kana ndichikuudzai zvinhu zvekudenga?Select John 3:12
13Uye hakuna munhu wakakwira kudenga, kunze kwewakaburuka kudenga, Mwanakomana wemunhu ari kudenga.Select John 3:13
14Uye Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvowo Mwanakomana wemunhu anofanira kusimudzwa;Select John 3:14
15kuti ani nani anotenda maari arege kuparara asi ave neupenyu husingaperi.Select John 3:15
16Nokuti Mwari wakada nyika zvakadai, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa umwe ega, kuti ani nani anotenda kwaari arege kuparara, asi ave neupenyu husingaperi.Select John 3:16
17Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake munyika kuti ape nyika mhosva, asi kuti nyika iponeswe naye.Select John 3:17
18Anotenda kwaari haapiwi mhosva; asi asingatendi watopiwa mhosva, nokuti haana kutenda kuzita reMwanakomana waMwari wakaberekwa umwe ega.Select John 3:18
19Uku ndiko kupiwa mhosva, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima pane chiedza; nokuti mabasa avo akange akaipa.Select John 3:19
20Nokuti umwe neumwe anoita zvakaipa anovenga chiedza, uye haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kutsiurwa.Select John 3:20
21Asi anoita chokwadi anouya pachiedza, kuti mabasa ake aratidzwe, kuti akaitwa muna Mwari.Select John 3:21
22Shure kwezvinhu izvi wakauya Jesu nevadzidzi vake munyika yeJudhiya; zvino akagarako navo, uye akabhabhatidza.Select John 3:22
23NaJohwaniwo wakange achibhabhatidza muAinoni pedo neSarimi, nokuti paiva nemvura zhinji ipapo; uye vaiuyapo vachibhabhatidzwa.Select John 3:23
24Nokuti Johwani wakange asati akandwa mutirongo.Select John 3:24
25Zvino gakava rikamuka pakati pevamwe vevadzidzi vaJohwani neVaJudha pamusoro pekuchenura.Select John 3:25
26Zvino vakauya kuna Johwani vakati kwaari: Rabhi, uya waiva nemwi mhiri kwaJoridhani, wamaipupura nezvake, tarirai, iye anobhabhatidza, uye vanouya kwaari vese.Select John 3:26
27Johwani akapindura ndoti: Munhu haagoni kugamuchira chinhu, kunze kwekuti achipiwa kubva kudenga.Select John 3:27
28Imwi momene munopupura nezvangu kuti ndakati: Handisi Kristu ini, asi kuti ndakatumwa mberi kwake.Select John 3:28
29Uyo ane mwenga muwani; asi shamwari yemuwani, imire ichimunzwa, inofara nemufaro nekuda kwenzwi remuwani. Naizvozvo mufaro wangu uyu wazadziswa.Select John 3:29
30Iye anofanira kukura, asi ini kuderedzwa.Select John 3:30
31Anobva kumusoro ari pamusoro pezvese. Anobva panyika anobva panyika, uye anotaura achibva panyika; anobva kudenga ari pamusoro pezvese.Select John 3:31
32Uye zvaakaona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura; asi hakuna munhu anogamuchira uchapupu hwake.Select John 3:32
33Anogamuchira uchapupu hwake anoisa mucherechedzo kuti Mwari ndewechokwadi.Select John 3:33
34Nokuti uyo Mwari waakatuma, anotaura mashoko aMwari; nokuti Mwari anopa Mweya kwete nechiyero.Select John 3:34
35Baba vanoda Mwanakomana, uye vakapa zvinhu zvese muruoko rwake.Select John 3:35
36Iye anotenda kuMwanakomana ane upenyu husingaperi; asi iye asingatendi kuMwanakomana, haazooni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.Select John 3:36
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation