Skip to content
Church.wiki
John

John 4

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Naizvozvo Ishe paakaziva kuti VaFarisi vakange vanzwa kuti Jesu anoita nekubhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuura Johwani,Select John 4:1

2kunyange Jesu pachake wakange asingabhabhatidzi, asi vadzidzi vake,Select John 4:2

3akabva Judhiya, akaendazve muGarirea.Select John 4:3

4Asi wakange achifanira kugura neSamaria.Select John 4:4

5Zvino wakasvika paguta reSamaria rinonzi Sikari, pedo nedunhu Jakobho raakange apa Josefa mwanakomana wake.Select John 4:5

6Zvino chitubu chaJakobho chakange chiripo. Naizvozvo Jesu aneta nerwendo wakagara saizvozvo pachitubu. Raiva awa rinenge rechitanhatu.Select John 4:6

7Kwakasvika mukadzi achibva muSamaria kuzochera mvura; Jesu akati kwaari: Ndipe ndinwe.Select John 4:7

8(Nokuti vadzidzi vake vakange vaenda muguta kunotenga kudya).Select John 4:8

9Naizvozvo mukadzi ari muSamaria wakati kwaari: Sei iwe uri muJudha uchikumbira kunwa kwandiri, mukadzi muSamaria? Nokuti VaJudha havadyidzani neVaSamaria.Select John 4:9

10Jesu akapindura akati kwaari: Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti ndiani anoti kwauri: Ndipe ndinwe; ungadai waikumbira kwaari, uye ungadai akupa mvura mhenyu.Select John 4:10

11Mukadzi akati kwaari: Ishe, hamuna chinhu chekucheresa, uye tsime rakadzika; zvino munoitora kupi mvura mhenyu?Select John 4:11

12Imwi muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime, vakanwa pariri ivo, nevana vavo, nezvipfuwo zvavo here?Select John 4:12

13Jesu akapindura ndokuti kwaari: Ani nani anonwa pamvura iyi, achava nenyotazve;Select John 4:13

14asi ani nani anonwa pamvura yandichamupa ini, haachatongozovi nenyota nekusingaperi; asi mvura yandichamupa ichava maari chitubu chemvura, inodzutukira kuupenyu husingaperi.Select John 4:14

15Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuva nenyota, kana kuuya pano kuzochera.Select John 4:15

16Jesu akati kwaari: Enda, unodana murume wako, ugouya pano.Select John 4:16

17Mukadzi akapindura ndokuti: Handina murume. Jesu akati kwaari: Wareva zvakanaka kuti: Handina murume.Select John 4:17

18Nokuti wakava nevarume vashanu, uyo waunaye ikozvino haasi murume wako; apa wareva chokwadi.Select John 4:18

19Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndinoona kuti imwi muri muporofita.Select John 4:19

20Madzibaba edu ainamata mugomo iri; asi imwi munoti muJerusarema ndimo munzvimbo munhu yaanofanira kunamatapo.Select John 4:20

21Jesu akati kwaari: Mukadzi, nditende, kuti awa rinouya, ramuchashumira Baba musiri mugomo iri, kana paJerusarema.Select John 4:21

22Imwi munonamata chamusingazivi; isu tinoshumira chatinoziva; nokuti ruponeso rwunobva kuVaJudha.Select John 4:22

23Asi awa rinouya, uye ratova iro, apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nemuchokwadi; nokutiwo Baba vanotsvaka vakadaro kuti vavanamate.Select John 4:23

24Mwari Mweya; neavo vanomunamata vanofanira kunamata mumweya nemuchokwadi.Select John 4:24

25Mukadzi akati kwaari: Ndinoziva kuti Mesiasi anouya anonzi Kristu; kana iye asvika, achatiudza zvinhu zvese.Select John 4:25

26Jesu akati kwaari: Ini ndinotaura kwauri, ndini.Select John 4:26

27Zvino nenguva iyi vadzidzi vake vakasvika, vakashamisika kuti anotaura nemukadzi; asi hakuna umwe wakati: Munotsvakei? Kana: Munotaurirei naye?Select John 4:27

28Naizvozvo mukadzi akasiya chirongo chake, ndokubva oenda muguta, akati kuvanhu:Select John 4:28

29Uyai, muone munhu, wandiudza zvinhu zvese zvandakaita; ko uyu haasi iye Kristu here?Select John 4:29

30Naizvozvo vakabuda muguta, vakauya kwaari.Select John 4:30

31Zvichakadaro vadzidzi vakamunyengetedza vachiti: Rabhi*, idyai.Select John 4:31

32Asi iye wakati kwavari: Ini ndine kudya kwekudya kwamusingazivi imwi.Select John 4:32

33Naizvozvo vadzidzi vakataurirana vachiti: Kuti pane umwe wamuvigira zvekudya?Select John 4:33

34Jesu akati kwavari: Zvekudya zvangu ndizvo kuti ndiite chido chewakandituma, nekupedza basa rake.Select John 4:34

35Imwi hamutauri here kuti: Kuchine mwedzi mina, zvino kukohwa kunosvika? Tarirai, ndinoti kwamuri: Simudzai meso enyu, muone minda, kuti yatochenera kukohwa.Select John 4:35

36Zvino anokohwa anogamuchira mubairo, uye anounganidza zvibereko muupenyu husingaperi; kuti vaviri anokusha neanokohwa vafare pamwe.Select John 4:36

37Nokuti pane izvi shumo ndeyechokwadi inoti: Umwe anokusha, uye umwe anokohwa.Select John 4:37

38Ini ndakakutumai kukohwa zvamusakashandira; vamwe vakashanda, zvino imwi mapinda pabasa ravo.Select John 4:38

39Zvino vazhinji veVaSamaria kubva muguta iro vakatenda kwaari nekuda kweshoko remukadzi, rakapupura richiti: Wandiudza zvese zvandakaita.Select John 4:39

40Zvino VaSamaria vakati vachisvika kwaari, vakamunyengetedza kuti agare navo; ndokugarapo mazuva maviri.Select John 4:40

41Vazhinji vakawedzerwa vakatenda nekuda kweshoko rake.Select John 4:41

42Zvino vakati kumukadzi: Hatichatendi nekuda kwekureva kwako; nokuti tazvinzwira, uye tinoziva kuti uyu ndiye zvirokwazvo Muponesi wenyika, Kristu.Select John 4:42

43Zvino shure kwemazuva maviri wakabvapo, ndokuenda kuGarirea;Select John 4:43

44nokuti Jesu amene wakapupura kuti muporofita haana rukudzo munyika yekwake.Select John 4:44

45Zvino wakati asvika kuGarirea, VaGarirea vakamugamuchira, vaona zvinhu zvese zvaakaita paJerusarema pamabiko, nokuti naivo vakange vaenda kumabiko.Select John 4:45

46Zvino Jesu wakasvikazve paKana yeGarirea, paakange aita mvura ive waini. Zvino pakange pane rimwe jinda, mwanakomana waro wakange achirwara paKapenaume.Select John 4:46

47Iro rakati richinzwa kuti Jesu wabva Judhiya akasvika kuGarirea, rikaenda kwaari, rikamugombedzera kuti aburukire aporese mwanakomana waro; nokuti wakange odofa.Select John 4:47

48Naizvozvo Jesu akati kwariri: Kunze kwekuti maona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.Select John 4:48

49Jinda rikati kwaari: Ishe, burukai mwana wangu asati afa.Select John 4:49

50Jesu akati kwaari: Enda, mwanakomana wako anorarama. Munhu ndokutenda shoko Jesu raakareva kwaari, akaenda.Select John 4:50

51Zvino wakati oburuka, varanda vake vakamuchingamidza, vakamuudza vachiti: Mwana wenyu anorarama.Select John 4:51

52Zvino akavabvunza awa raakatanga kunaya. Zvino vakati kwaari: Zuro neawa rechinomwe fivhiri yakamuregedza.Select John 4:52

53Naizvozvo baba vakaziva kuti maiva imo muawa Jesu maakati kwaari: Mwanakomana wako anorarama; zvino akatenda iye neimba yake yese.Select John 4:53

54Ichizve chiratidzo chechipiri Jesu chaakaita, abva Judhiya asvika Garirea.Select John 4:54

Next: John 5Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

John

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.