John 5
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Shure kwezvinhu izvi kwakava nemutambo weVaJudha; Jesu ndokukwira kuJerusarema.Select John 5:1
2Zvino paJerusarema pedo nesuwo regwai pane dziva rinonzi Bhetisaidha nechiHebheru, rine maberere mashanu.Select John 5:2
3Mukati mawo makange murere chaunga chikuru chevarwere, chemapofu, chezvirema, chevakawonyana, vakamirira kubvongodzwa kwemvura.Select John 5:3
4Nokuti mutumwa waiburukira pane imwe nguva mudziva iro, achibvongodza mvura; koti anotanga kupinda shure kwekubvongodzwa kwemvura, waiporeswa, pachirwere chipi zvacho chaainge akabatwa nacho.Select John 5:4
5Zvino kwaivapo umwe munhu waiva nemakore makumi matatu nemasere ane chifo.Select John 5:5
6Jesu wakati amuona arere, achiziva kuti ikozvino wakange ava nenguva refu, akati kwaari: Unoda kuporeswa here?Select John 5:6
7Murwere akamupindura akati: Ishe, handina munhu anondikanda mudziva, kana mvura ichibvongodzwa; asi kana ini ndichiuya, umwe anoburukira mberi kwangu.Select John 5:7
8Jesu akati kwaari: Simuka, simudza nhovo yako, ufambe.Select John 5:8
9Zvino pakarepo munhu uyu akaporeswa, ndokusimudza nhovo yake akafamba. Zvino raiva sabata nemusi iwoyo.Select John 5:9
10Naizvozvo VaJudha vakati kune wakaporeswa: Isabata; hazvisi pamutemo kuti utakure nhovo.Select John 5:10
11Akavapindura akati: Uyo wandiporesa, ndiye wati kwandiri: Simudza nhovo yako ufambe.Select John 5:11
12Saka vakamubvunza vachiti: Ndiani munhu uyo wati kwauri: Simudza nhovo yako ufambe?Select John 5:12
13Zvino wakange aporeswa wakange asingazivi kuti ndiani; nokuti Jesu wakange asvova, zvakwaiva nechaunga panzvimbo iyo.Select John 5:13
14Shure kwezvinhu izvi Jesu akamuwana mutembere, akati kwaari: Tarira waporeswa; usatadzazve, zvimwe chimwe chakanyanya kuipa chingaitika kwauri.Select John 5:14
15Munhu akabva, akaudza VaJudha kuti ndiJesu wakamuporesa.Select John 5:15
16Zvino nekuda kweizvozvo VaJudha vakashusha Jesu, ndokutsvaka kumuuraya, nokuti wakaita zvinhu izvi nesabata.Select John 5:16
17Asi Jesu wakavapindura akati: Baba vangu vanoshanda kusvikira ikozvino, neni ndinoshanda.Select John 5:17
18Naizvozvo nekuda kweizvi VaJudha vakanyanya kutsvaka kumuuraya, nokuti wakange asingadariki sabata chete, asi wakatiwo Mwari ndiBaba vake vomene, achizvienzanisa naMwari.Select John 5:18
19Zvino Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mwanakomana haagoni kuita pachake, kunze kwezvaanoona Baba vachichiita; nokuti chero icho chavanoita, ndizvowo saizvozvo Mwanakomanawo zvaanoita.Select John 5:19
20Nokuti Baba vanoda Mwanakomana, uye vanomuratidza zvinhu zvese zvavanoita ivo; vachamuratidzawo mabasa makuru anopfuura awa, kuti imwi mushamisike.Select John 5:20
21Nokuti Baba sezvavanomutsa vakafa vachivararamisa, saizvozvo Mwanakomana anoraramisawo vaanoda.Select John 5:21
22Nokuti naBaba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwese;Select John 5:22
23kuti vese vakudze Mwanakomana sezvavanokudza Baba. Asingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma.Select John 5:23
24Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Anonzwa shoko rangu, nekutenda kune wakandituma, ane upenyu husingaperi; uye haasviki mukupiwa mhosva, asi wapfuura kubva murufu akaenda muupenyu.Select John 5:24
25Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Awa rinouya, nazvino ravapo, apo vakafa vachanzwa inzwi reMwanakomana waMwari, uye vanonzwa vachararama.Select John 5:25
26Nokuti Baba sezvavane upenyu mavari pachavo, saizvozvo vakapa kuMwanakomanawo kuti ave neupenyu maari pachake;Select John 5:26
27uye vakamupa simba rekutongawo, nokuti Mwanakomana wemunhu.Select John 5:27
28Musashamisika nezvizvi; nokuti awa rinouya, apo vese vari mumakuva vachanzwa inzwi rake,Select John 5:28
29zvino vachabuda, avo vakaita zvakanaka, mukumuka kweupenyu; neavo vakaita zvakaipa, mukumuka kwekupiwa mhosva.Select John 5:29
30Ini handigoni kuita chinhu pachangu; sekunzwa kwangu, ndinotonga; uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki chido changu, asi chido chaBaba vakandituma.Select John 5:30
31Kana ini ndichipupura nezvangu, uchapupu hwangu hahusi hwechokwadi.Select John 5:31
32Aripo umwe anopupura nezvangu; uye ndinoziva kuti uchapupu hwaanopupura nezvangu ndehwechokwadi.Select John 5:32
33Imwi makatumira kuna Johwani, uye akapupurira chokwadi.Select John 5:33
34Asi ini handigamuchiri uchapupu hunobva kumunhu, asi ndinoreva zvinhu izvi kuti imwi muponeswe.Select John 5:34
35Iye wakange ari mwenje unopfuta neunovhenekera, nemwi makange muchishuva kufara kwazvo kwechinguvana muchiedza chake.Select John 5:35
36Asi ini ndine uchapupu ukuru kune hwaJohwani; nokuti mabasa Baba avakandipa kuti ndimapedze, mabasa pachawo ini andinoita, anopupura nezvangu kuti Baba vakandituma.Select John 5:36
37NaBaba vakandituma, ivo vakapupura nezvangu. Hamuna chero nguva kunzwa inzwi rake, kana kuona chimiro chake.Select John 5:37
38Uye hamuna shoko rake rinogara mamuri, nokuti iye waakatuma, uyu imwi hamuna kumutenda.Select John 5:38
39Nzverai magwaro, nokuti imwi munofunga kuti mune upenyu husingaperi maari, uye ndiwo anopupura nezvangu.Select John 5:39
40Asi hamudi kuuya kwandiri, kuti muve neupenyu.Select John 5:40
41Handigamuchiri rukudzo kuvanhu;Select John 5:41
42asi ndinokuzivai imwi, kuti hamuna rudo rwaMwari mamuri.Select John 5:42
43Ini ndauya muzita raBaba vangu, asi hamuna kundigamuchira; kana umwe akauya muzita rake pachake, muchamugamuchira iye.Select John 5:43
44Munogona kutenda sei imwi munogamuchira rukudzo umwe kune umwe, asi musingatsvaki rukudzo rwunobva kuna Mwari ega?Select John 5:44
45Musafunga kuti ini ndichakupai mhosva kuna Baba; ariko anokupai mhosva, ndiye Mozisi wamunovimba naye imwi.Select John 5:45
46Nokuti dai maitenda Mozisi, maitenda ini; nokuti iye wakanyora nezvangu.Select John 5:46
47Asi kana musingatendi magwaro ake, muchatenda sei mashoko angu?Select John 5:47
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation