Skip to content
Church.wiki
John

John 8

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Asi Jesu wakaenda kugomo reMiorivhi.Select John 8:1

2Zvino mangwanani-ngwanani wakauyazve kutembere, vanhu vese ndokuuya kwaari; iye ndokugara pasi akavadzidzisa.Select John 8:2

3Zvino vanyori neVaFarisi vakauya kwaari nemukadzi wakabatwa mukufeva, vakati vamumisa pakati,Select John 8:3

4vakati kwaari: Mudzidzisi, mukadzi uyu wabatwa achifeva, pachiitiko chaipo;Select John 8:4

5zvino Mozisi pamurairo wakatiraira kuti vakadaro vatakwe nemabwe; naizvozvo imwi munoti kudini?Select John 8:5

6Asi izvozvi vakareva vachimuedza, kuti vave nechavangamupomera. Asi Jesu wakakotamira pasi, akanyora pasi nemunwe, seasina kuvanzwa.Select John 8:6

7Zvino vakati vachiramba vachimubvunza, akatasamuka akati kwavari: Asina chivi pakati penyu, ngaatange kukanda ibwe kwaari.Select John 8:7

8Zvino akakotamirazve pasi, akanyora pasi.Select John 8:8

9Zvino ivo vanzwa, vachipiwa mhosva nehana yavo, vakabuda umwe-umwe, kutanga kuvakuru kusvikira kune vekupedzisira; Jesu akasara ari ega, nemukadzi amire pakati.Select John 8:9

10Jesu wakati atasamuka, akasaona munhu asi mukadzi, akati kwaari: Mai, varipi vaya vapomeri vako? Hakuna wakupa mhosva here?Select John 8:10

11Iye ndokuti: Hakuna, Ishe. Jesu ndokuti kwaari: Neni handikupi mhosva. Enda, usachitadzazve.Select John 8:11

12Naizvozvo Jesu wakataurazve kwavari, achiti: Ini ndiri chiedza chenyika; anonditevera haangatongofambi murima, asi achava nechiedza cheupenyu.Select John 8:12

13Naizvozvo VaFarisi vakati kwaari: Iwe unopupura nezvako; uchapupu hwako hahuna chokwadi.Select John 8:13

14Jesu akapindura akati kwavari: Kunyange ndichipupura nezvangu ini, uchapupu hwangu ndehwechokwadi; nokuti ndinoziva kwandakabva, uye kwandinoenda; asi imwi hamuzivi kwandakabva, uye kwandinoenda.Select John 8:14

15Imwi munotonga maererano nenyama; ini handitongi munhu.Select John 8:15

16Asi kunyange ini ndichitonga, kutonga kwangu ndekwechokwadi; nokuti handisi ndega, asi ini naBaba vakandituma.Select John 8:16

17Uye mumurairo wenyu makanyorwa kuti uchapupu hwevanhu vaviri ndehwechokwadi.Select John 8:17

18Ndini ndinopupura nezvangu, naBaba vakandituma vanopupura nezvangu.Select John 8:18

19Naizvozvo vakati kwaari: Baba vako varipi? Jesu akapindura akati: Hamuzivi ini, kana Baba vangu. Dai maindiziva ini, mungadai maiziva Baba vanguwo.Select John 8:19

20Jesu wakataura mashoko awa muchivigiro chezvipo, achidzidzisa mutembere; asi hakuna munhu wakamubata, nokuti awa rake rakange risati rasvika.Select John 8:20

21Naizvozvo Jesu wakatizve kwavari: Ini ndinoenda, uye muchanditsvaka, mukafira muzvivi zvenyu; ini pandinoenda, imwi hamugoni kuuyapo.Select John 8:21

22Naizvozvo VaJudha vakati: Achazviuraya kanhi? Nokuti anoti: Pandinoenda ini, imwi hamugoni kuuyapo?Select John 8:22

23Zvino akati kwavari: Imwi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro; imwi munobva panyika ino, ini handibvi panyika ino.Select John 8:23

24Naizvozvo ndareva kwamuri kuti muchafira muzvivi zvenyu; nokuti kana musinganditendi kuti ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu.Select John 8:24

25Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Jesu ndokuti kwavari: Ndizvo zvandakuudzaiwo kubva pakutanga.Select John 8:25

26Ndine zvinhu zvizhinji zvekutaura nekutonga pamusoro penyu; asi wakandituma ndewechokwadi, uye izvo zvandakanzwa ini kwaari ndizvo zvandinotaura kunyika.Select John 8:26

27Havana kunzwisisa kuti anotaura kwavari zvaBaba.Select John 8:27

28Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Kana masimudza Mwanakomana wemunhu, ipapo muchaziva kuti ndini iye, uye handiiti chinhu pachangu, asi Baba vangu sezvavakandidzidzisa, ndinotaura zvinhu izvi.Select John 8:28

29Zvino iye wakandituma aneni; Baba havana kundisiya ndega, nokuti ini ndinoita nguva dzese zvinovafadza.Select John 8:29

30Achiri kutaura izvi vazhinji vakatenda kwaari.Select John 8:30

31Naizvozvo Jesu wakati kuVaJudha vakatenda kwaari: Kana imwi muchirambira mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo;Select John 8:31

32uye muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.Select John 8:32

33Vakamupindura vakati: Tiri mbeu yaAbhurahama, uye hatina kutongova varanda vemunhu; iwe unoreva sei kuti: Muchava vakasunungurwa?Select John 8:33

34Jesu akavapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ani nani anoita chivi muranda wechivi.Select John 8:34

35Uye muranda haagari mumba nekusingaperi; mwanakomana anogara nekusingaperi.Select John 8:35

36Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka zvirokwazvo.Select John 8:36

37Ndinoziva kuti muri mbeu yaAbhurahama; asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri.Select John 8:37

38Ini ndinotaura izvo zvandakaona kuna Baba vangu; naizvozvo nemwi munoita izvo zvamakaona kuna baba venyu.Select John 8:38

39Vakapindura vakati kwaari: Baba vedu ndiAbhurahama. Jesu akati kwavari: Dai maiva vana vaAbhurahama, maiita mabasa aAbhurahama.Select John 8:39

40Asi ikozvino munotsvaka kundiuraya, munhu wakakuudzai chokwadi, chandakanzwa kuna Mwari; izvo Abhurahama haana kuzviita.Select John 8:40

41Imwi munoita mabasa ababa venyu. Naizvozvo vakati kwaari: Hatina kuberekwa neupombwe isu; tina Baba vamwe, Mwari.Select John 8:41

42Jesu akati kwavari: Dai Mwari aiva Baba venyu, maindida; nokuti ini ndakabuda ndichibva kuna Mwari; nokuti handina kuzviuyira, asi iye wakandituma.Select John 8:42

43Sei musinganzwisisi nhaurwa yangu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko rangu.Select John 8:43

44Imwi muri vababa venyu dhiabhorosi, munoda kuita zvishuvo zvababa venyu. Iye wakange ari mhondi kubva pakutanga, asingagari muchokwadi, nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achitaura nhema, anotaura pachake; nokuti mutauri wenhema uye baba vadzo.Select John 8:44

45Asi nokuti ini ndinoreva chokwadi, hamunditendi.Select John 8:45

46Ndiani kwamuri angandipomera pamusoro pechivi? Uye kana ndichireva chokwadi, imwi munoregerei kunditenda?Select John 8:46

47Uyo anobva kuna Mwari anonzwa mashoko aMwari; naizvozvo imwi hamunzwi, nokuti hamubvi kuna Mwari.Select John 8:47

48Naizvozvo VaJudha vakapindura vakati kwaari: Isu hatina kureva kwazvo here kuti iwe uri muSamaria, uye une dhimoni?Select John 8:48

49Jesu akapindura, akati: Ini handina dhimoni, asi ndinokudza Baba vangu; asi imwi munondizvidza.Select John 8:49

50Asi ini handitsvaki rumbidzo yangu; ariko anotsvaka nekutonga.Select John 8:50

51Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu nekusingaperi.Select John 8:51

52Naizvozvo VaJudha vakati kwaari: Ikozvino toziva kuti une dhimoni; Abhurahama wakafa, nevaporofita, asi iwe unoti: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongoraviri rufu nekusingaperi.Select John 8:52

53Iwe uri mukuru kuna baba vedu Abhurahama, vakafa? Nevaporofita vakafa; iwe unozviita ani?Select John 8:53

54Jesu akapindura akati: Kana ini ndichizvikudza, rukudzo rwangu harwusi chinhu; ndiBaba vangu vanondikudza, avo imwi vamunoti ndiMwari wenyu.Select John 8:54

55Uye hamuna kuvaziva; asi ini ndinovaziva, uye kana ndikati handivazivi, ndichava murevi wenhema semwi; asi ndinovaziva, ndinochengeta shoko ravo.Select John 8:55

56Baba venyu Abhurahama vakafara kuona zuva rangu, uye vakariona vakapembera.Select John 8:56

57Naizvozvo VaJudha vakati kwaari: Hausati wava nemakore makumi mashanu, zvino wakaona Abhurahama here?Select John 8:57

58Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Abhurahama asati avapo, ini ndiripo.Select John 8:58

59Ipapo vakanonga mabwe kuti vaposhere kwaari; asi Jesu wakazvivanza, akabuda mutembere, achigura nepakati pavo; akapfuura saizvozvo.Select John 8:59

Next: John 9Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

John

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.