Jude 1
Shona Bible
Translation: SHONA
1Judha muranda waJesu Kristu, uye munin'ina waJakobho, kune vakaitwa vatsvene muna Mwari Baba, uye vakachengetedzwa muna Jesu Kristu, vakadanwa:Select Jude 1:1
2Tsitsi kwamuri, nerugare, nerudo, ngazvipamhidzirwe.Select Jude 1:2
3Vadikanwi, ndichiita kushingaira kwese kukunyorerai zvekuponeswa kwedu tese, zvakange zvakandifanira kukunyorerai, ndichikurudzira kuti murwire rutendo rwakapiwa vatsvene kamwe.Select Jude 1:3
4Nokuti kuna vamwe vanhu vakapinda nekunyangira, vakagara vanyorerwa kupiwa mhosva uku, vasingadi Mwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu kuita unzenza, uye vachiramba Tenzi umwe wega Mwari, naIshe wedu Jesu Kristu.Select Jude 1:4
5Asi ndinoda kukuyeuchidzai, kunyange maiziva ichi kamwe, kuti Ishe aponesa vanhu munyika yeEgipita, pashure akazoparadza avo vakange vasingatendi.Select Jude 1:5
6Nevatumwa vasina kuchengeta ukuru hwavo, asi vakasiya ugaro hwavo pachavo, wakavachengetera kutonga kwezuva guru nezvisungo zvekusingaperi pasi perima.Select Jude 1:6
7SeSodhoma neGomora, nemaguta akaapoteredza, akazvikumikidza kuupombwe nenzira yakafanana nawo, nekutevera imwe nyama, akaitwa mufananidzo pachena, akatambudzika pakurangwa nemoto usingaperi.Select Jude 1:7
8Saizvozvowo neimwe nzira neava vachirota zvirokwazvo vanosvibisa nyama, vachiramba utongi, nekutuka ukuru.Select Jude 1:8
9Asi Mikaeri mutumwa mukuru, nguva yaakapokana nadhiabhorosi akakakavara pamusoro pemutumbi waMozisi, haana kushinga kumupa mhosva nemutongo wekutuka, asi wakati: Ishe ngaakutsiure.Select Jude 1:9
10Asi ava vanotuka zvese zvavasingazivi; asi zvese zvavanoziva pachisikirwo, semhuka dzisina pfungwa, vanozviparadza muzvinhu izvi.Select Jude 1:10
11Vane nhamo! Nokuti vakafamba nenzira yaKaini, uye vakazviwisira mukutsauka kwaBharami nekuda kwemubairo, vakaparadzwa panharo dzaKora.Select Jude 1:11
12Ava makwapa pamabiko enyu erudo, kana vachipemberera nemwi, vachizvifunda vasina kutya; makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yechando, isina zvibereko, yakafa kaviri, yakadzurwa;Select Jude 1:12
13mafungu egungwa anopengereka, anopupuma nyadzi dzawo pachawo; nyeredzi dzinongombeya, vakachengeterwa kusviba kwerima nekusingaperi.Select Jude 1:13
14NaEnokiwo wechinomwe kubva kuna Adhamu, wakaporofita zvaivava achiti: Tarira, Ishe wakauya nevatsvene vake zvuru zvamazana,Select Jude 1:14
15kuzoita mutongo unopikisa vese, nekupa mhosva vese vavo vasingadi Mwari pamusoro pemabasa avo ese ekusada Mwari, avakaita mukusada Mwari, nepamusoro pezvikukutu zvese vatadzi vasingadi Mwari zvavakataura maererano naye.Select Jude 1:15
16Ava van'un'uni, vasingagutsikani, vanofamba nekuchiva kwavo; uye muromo wavo unotaura zvekuzvikudza, vachirumbidza vanhu nekuda kwemubairo.Select Jude 1:16
17Asi imwi vadikanwi, rangarirai mashoko akagara ataurwa nevaapositori vaIshe wedu Jesu Kristu;Select Jude 1:17
18kuti vakati kwamuri: Panguva yekupedzisira vaseki vachavapo, vachafamba nekuchiva kwavo kwekusada Mwari.Select Jude 1:18
19Ava ndivo vanozviparadzanisa, ndevechisikirwo, vasina Mweya.Select Jude 1:19
20Asi imwi vadikanwi, muchizvivaka parutendo rwenyu rwutsvene-tsvene, muchinyengetera muMweya Mutsvene,Select Jude 1:20
21muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarisira tsitsi dzaIshe wedu, Jesu Kristu, kusvikira kuupenyu husingaperi.Select Jude 1:21
22Ivaiwo netsitsi nevamwe muchipa mutsauko,Select Jude 1:22
23asi vamwe muvaponese nekutya, muchivabvuta kubva mumoto; muchivenga kunyange nguvo yakasvibiswa nezvinobva panyama.Select Jude 1:23
24Zvino kuna iye anogona kukuchengetai pasina kugumburwa, nekukuteyai musina chamungapomerwa pamberi pekubwinya kwake mumufaro mukuru,Select Jude 1:24
25kuna Mwari umwe wakachenjera, Muponesi wedu, ngakuve nekubwinya uye ukuru, simba uye umambo, ikozvinowo narinhi kwese. Ameni.Select Jude 1:25
Shona Bible (SHONA) · GFDL