Skip to content
Church.wiki
Luke

Luke 1

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Sezvo vazhinji vakabata kuronga nhoroondo yezvinhu zvakavimbika zvizere pakati pedu,Select Luke 1:1

2sezvavakapa kwatiri ivo kubva pakutanga vakazvionera, uye vari varanda veshoko,Select Luke 1:2

3zvakaonekwa zvakanaka kwandiriwo, ndanyatsoongorora zvinhu zvese kubva pakutanga, kuti ndikunyorerei nekutevedzanisa, imwi Teofiro changamire,Select Luke 1:3

4kuti muzive chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa.Select Luke 1:4

5Kwaivapo nemazuva aHerodhe mambo weJudhiya umwe mupristi wainzi Zakaria, weboka raAbhiya; nemukadzi wake waibva kuvanasikana vaAroni, nezita rake riri Erizabheti.Select Luke 1:5

6Uye vari vaviri vakange vakarurama pamberi paMwari, vachifamba nemirairo yese nezviga zvaIshe, vasina chavangapomerwa.Select Luke 1:6

7Uye vakange vasina mwana, nokuti Erizabheti wakange ari mhanje, uye vakange vaenda pamakore vari vaviri.Select Luke 1:7

8Zvino zvakaitika kuti wakati achiita ushumiri hweupristi pamberi paMwari, pachidanho cheboka rake,Select Luke 1:8

9maererano netsika yeushumiri hweupristi, wakabatwa nemujenya kuti apise zvipfungaidzo zvinonhuhwira apinda mutembere yaIshe.Select Luke 1:9

10Zvino chaunga chese chevanhu chakange chichinyengetera kunze nenguva yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.Select Luke 1:10

11Zvino kwakaonekwa kwaari mutumwa waIshe, amire kurutivi rwerudyi rwearitari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.Select Luke 1:11

12Zvino Zakaria wakati achimuona akanetseka, kutya kukamuwira.Select Luke 1:12

13Asi mutumwa wakati kwaari: Usatya Zakaria; nokuti munyengetero wako wanzwikwa, nemukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, ugotumidza zita rake Johwani.Select Luke 1:13

14Uye uchava nemufaro nekupembera, nevazhinji vachafarira kuberekwa kwake.Select Luke 1:14

15Nokuti achava mukuru pamberi paIshe, haangatongonwi waini kana zvinodhaka; uye achazadzwa neMweya Mutsvene kunyange kubva padumbu ramai vake.Select Luke 1:15

16Nevazhinji vevana vaIsraeri achatendeusira kuna Ishe Mwari wavo;Select Luke 1:16

17uye iye achafamba pamberi pake mumweya nesimba raEria, kutendeusira moyo yemadzibaba kuvana, nevasingateereri kuuchenjeri hwevakarurama, kugadzirira Ishe vanhu vakagadzirwa.Select Luke 1:17

18Zakaria akati kumutumwa: Izvozvi ndichazviziva nei? Nokuti ini ndava mukweguru, nemukadzi wangu waenda pamazuva ake.Select Luke 1:18

19Mutumwa achipindura akati kwaari: Ini ndini Gabhirieri, anomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure kwauri, ndikuparidzire mashoko awa akanaka.Select Luke 1:19

20Zvino tarira, uchava chimumumu, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitika zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achazadziswa nenguva yawo.Select Luke 1:20

21Vanhu vakange vakamirira Zakaria, vakashamisika nekunonoka kwake mutembere.Select Luke 1:21

22Zvino wakati abuda, akakonewa kutaura kwavari; vakaziva kuti akange aona chiratidzo mutembere; iye akavaninira nemaoko, akaramba ari chimumumu.Select Luke 1:22

23Zvino zvakaitika kuti mazuva okushumira kwake akati achangopera, akaenda kumba kwake.Select Luke 1:23

24Zvino shure kwemazuva iwayo, mukadzi wake Erizabheti akatora mimba, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti:Select Luke 1:24

25Ishe wandiitira saizvozvi nemazuva aakanditarira, kuti abvise ruzvidzo rwangu pakati pevanhu.Select Luke 1:25

26Zvino nemwedzi wechitanhatu mutumwa Gabhirieri wakatumwa naMwari kuguta reGarirea rinonzi Nazareta,Select Luke 1:26

27kumhandara, yakange yatsidza kuwanikwa nemurume zita rake raiva Josefa, weimba yaDhavhidhi; uye zita remhandara riri Maria.Select Luke 1:27

28Mutumwa akapinda kwaari akati: Hekanhi, iwe une nyasha! Ishe anewe, wakaropafadzwa iwe pakati pevakadzi.Select Luke 1:28

29Iye wakati achimuona akanetseka neshoko rake, akafunganya kuti uku kukwazisa rudzii kwakadai.Select Luke 1:29

30Zvino mutumwa akati kwaari: Usatya Maria; nokuti wawana nyasha kuna Mwari.Select Luke 1:30

31Zvino tarira, uchava nemimba, ugozvara mwanakomana, uchatumidza zita rake kuti Jesu.Select Luke 1:31

32Iye achava mukuru, achanzi Mwanakomana weWekumusoro-soro; Ishe Mwari achapa kwaari chigaro cheushe chababa vake Dhavhidhi.Select Luke 1:32

33Achatonga pamusoro peimba yaJakobho kusvikira narinhi, neushe hwake hahungavi nemugumo.Select Luke 1:33

34Maria ndokuti kumutumwa: Izvi zvingava sei, nokuti handizivi murume?Select Luke 1:34

35Mutumwa akapindura akati kwaari: Mweya Mutsvene uchauya pamusoro pako, nesimba reWekumusoro-soro richakudzikatira; naizvozvo icho chitsvene chichaberekwa newe chichanzi Mwanakomana waMwari.Select Luke 1:35

36Uye tarira, Erizabheti hama yako, iyewo wava nemimba yemwanakomana pakuchembera kwake; nemwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye wainzi mhanje.Select Luke 1:36

37Nokuti naMwari hakuna chinhu chisingazogoneki.Select Luke 1:37

38Maria ndokuti: Tarirai, murandakadzi waIshe; ngazvive kwandiri seshoko renyu. Mutumwa ndokubva kwaari.Select Luke 1:38

39Zvino Maria akasimuka nemazuva iwayo akaenda kunyika yezvikomo nekukurumidza, kuguta raJudha;Select Luke 1:39

40akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erizabheti.Select Luke 1:40

41Zvino zvakaitika kuti Erizabheti wakati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akatamba mudumbu rake; naErizabheti akazadzwa neMweya Mutsvene,Select Luke 1:41

42akadanidzira nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pevakadzi, uye chakaropafadzwa chibereko chedumbu rako!Select Luke 1:42

43Ko zvandibvira nepi, kuti mai vaIshe wangu vauye kwandiri?Select Luke 1:43

44Nokuti tarira, inzwi rekukwazisa kwako rangoti richisvika munzeve dzangu, mwana watamba mudumbu rangu nemufaro.Select Luke 1:44

45Uye wakaropafadzwa anotenda, nokuti zvakataurwa naIshe kwaari zvichazadziswa.Select Luke 1:45

46Maria akati: Moyo wangu unokudza Ishe,Select Luke 1:46

47nemweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu;Select Luke 1:47

48nokuti wakatarira kuninipiswa kwemurandakadzi wake; nokuti tarira, kubva zvino mazera ese achati ndakaropafadzwa.Select Luke 1:48

49Nokuti ane masimba wakandiitira zvinhu zvikuru; nezita rake idzvene.Select Luke 1:49

50Netsitsi dzake dziri kuna avo vanomutya kubva kumazera kusvika kumazera.Select Luke 1:50

51Wakaita zvine simba neruoko rwake; wakaparadzira vanozvikudza mundangariro dzemoyo yavo.Select Luke 1:51

52Wakaburusa vane masimba pazvigaro zvoushe, akasimudza vakaderera.Select Luke 1:52

53Vane nzara wakavagutsa nezvinhu zvakanaka, asi vafumi wakavaendesa vasina chinhu.Select Luke 1:53

54Wakabatsira Israeri muranda wake kuti arangarire tsitsi,Select Luke 1:54

55sezvaakataura kumadzibaba edu, kuna Abhurahama nekumbeu yake kusvikira rinhi narinhi.Select Luke 1:55

56Maria akagara naye mwedzi inenge mitatu, akadzokera kumba kwake.Select Luke 1:56

57Zvino nguva yaErizabheti yekusununguka kwake yakazara; akabereka mwanakomana.Select Luke 1:57

58Zvino vavakidzani nehama dzake vakati vanzwa kuti Ishe wakange amuitira tsitsi dzake huru, vakafara naye.Select Luke 1:58

59Zvino zvakaitika kuti nezuva rerusere vakauya kuzodzingisa mucheche, vakamutumidza maererano nezita rababa vake Zakaria.Select Luke 1:59

60Asi mai vake vakapindura vakati: Kwete, asi achanzi Johwani.Select Luke 1:60

61Vakati kwaari: Hakuna munhu kuhama dzako anodaidzwa nezita iri.Select Luke 1:61

62Vakataura nemaoko kuna baba vake, kuti vanoda kuti anzi ani.Select Luke 1:62

63Vakakumbira chinyorero, vakanyora vachiti: NdiJohwani zita rake; vakashamisika vese.Select Luke 1:63

64Muromo wake ukazarurwa pakarepo, nerurimi rwake rukasununguka, akataura, achirumbidza Mwari.Select Luke 1:64

65Kutya kukawira vese vaigara vakavakomba; nemashoko awa ese akataurwa kunyika yese yezvikomo yeJudhiya.Select Luke 1:65

66Zvino vese vakanzwa, vakazviisa mumoyo mavo, vachiti: Mucheche uyu achazova ani? Uye ruoko rwaIshe rwakava naye.Select Luke 1:66

67Zvino Zakaria baba vake vakazadzwa neMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti:Select Luke 1:67

68Ngaarumbidzwe Ishe Mwari waIsraeri, nokuti wakashanyira nekuita rudzikunuro kuvanhu vake;Select Luke 1:68

69akatisimudzira runyanga rweruponeso mumba maDhavhidhi muranda wake;Select Luke 1:69

70sezvaakataura nemuromo wevaporofita vake vatsvene, vakange varipo kubva pasichigare;Select Luke 1:70

71ruponeso pamhandu dzedu, neparuoko rwavese vanotivenga;Select Luke 1:71

72kuitira madzibaba edu tsitsi, nekurangarira sungano yake tsvene,Select Luke 1:72

73mhiko yaakapika kuna Abhurahama baba vedu;Select Luke 1:73

74kutipa, kuti tasunungurwa muruoko rwevavengi vedu, timushumire tisingatyi;Select Luke 1:74

75muutsvene nekururama pamberi pake mazuva ese eupenyu hwedu.Select Luke 1:75

76Newe mucheche, uchanzi muporofita weWekumusoro-soro, nokuti uchatungamira pamberi pechiso chaIshe, kugadzirira nzira dzake;Select Luke 1:76

77kupa ruzivo rweruponeso kuvanhu vake mukanganwiro yezvivi zvavo;Select Luke 1:77

78netsitsi dzemoyo dzaMwari wedu, mauri mambakwedza anobva kumusoro anotishanyira;Select Luke 1:78

79kuvhenekera vagere murima nemumvuri worufu, nekururamisa tsoka dzedu munzira yerugare.Select Luke 1:79

80Mucheche akakura, akasimba mumweya, akava mumarenje, kusvikira zuva rekuratidzwa kwake kuna Israeri.Select Luke 1:80

Next: Luke 2Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Luke

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.