Luke 14
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino zvakaitika pakupinda kwake mumba meumwe wevakuru kuVaFarisi kuzodya chingwa nesabata, kuti ivo vakamucherekedza.Select Luke 14:1
2Zvino tarira, kwakange kune umwe munhu pamberi pake waiva nerukandwe.Select Luke 14:2
3Jesu ndokupindura akataura kunyanzvi dzemutemo neVaFarisi, achiti: Zviri pamutemo here kuporesa nesabata?Select Luke 14:3
4Asi vakanyarara. Zvino akamubata akamuporesa ndokurega achienda.Select Luke 14:4
5Akavapindura achiti: Ndiani wenyu, ungati ane mbongoro kana nzombe ikawira mugomba, akasaisimudza pakarepo nezuva resabata?Select Luke 14:5
6Vakasagona kumupindurazve pamusoro pezvinhu izvi.Select Luke 14:6
7Zvino wakataura mufananidzo kune vakakokwa, achiona kuti vanosarudza sei zvigaro zvepamusoro, akati kwavari:Select Luke 14:7
8Kana wakokwa neumwe munhu kumuchato, usagara pachigaro chepamusoro; zvimwe umwe anokudzwa kupfuura iwe wakokwa naye,Select Luke 14:8
9zvino wakakukoka iwe naiye asvike ati kwauri: Dziurira uyu; ipapo uchatanga kutora nzvimbo yepasisa nenyadzi.Select Luke 14:9
10Asi kana wakokwa, enda ugare panzvimbo yepasisa, kuti kana uyo wakakukoka achisvika, angati kwauri: Shamwari, kwira kumusoro; zvino uchava nerukudzo pamberi pevagere pakudya newe.Select Luke 14:10
11Nokuti ani nani anozvikwiridzira, achaninipiswa; neanozvininipisa achakwiridzirwa.Select Luke 14:11
12Ipapo akatiwo kune wakamukoka: Kana waita chisvusvuro kana chirairo, usadana shamwari dzako, kana vanakomana vamai vako, kana hama dzako, kana vavakidzani vafumi, zvimwe ivowo vangazokukokazve, ugoripirwa.Select Luke 14:12
13Asi kana waita mabiko, dana varombo, vanokamhina, mhetamakumbo, mapofu;Select Luke 14:13
14uye ucharopafadzwa, nokuti havana zvokukuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwevakarurama.Select Luke 14:14
15Umwe wevakange vagere naye pakudya wakati achinzwa zvinhu izvi, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo achadya chingwa paushe hwaMwari.Select Luke 14:15
16Asi akati kwaari: Umwe munhu wakaita chirairo chikuru, akakokera vazhinji.Select Luke 14:16
17Akatuma muranda wake nenguva yekuraira kuti ati kune vakange vakakokwa: Uyai, nokuti zvese zvagadzirwa zvino.Select Luke 14:17
18Zvino vese vakatanga umwe neumwe kuzvikumbirira ruregerero. Wekutanga akati kwaari: Ndatenga munda, ndinofanira kuenda ndinomuona; ndinokukumbira, ini undiregerere.Select Luke 14:18
19Uye umwe akati: Ndatenga zvipani zvishanu zvenzombe, ndinoenda kunodziidza; ndinokumbira, ini undiregerere.Select Luke 14:19
20Uye umwe akati: Ndawana mukadzi, naizvozvo handigoni kuuya.Select Luke 14:20
21Zvino muranda uyo wakauya akapira zvinhu izvi ishe wake. Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Buda nekukurumidza uende kumigwagwa nemunzira dzemuguta, upinze pano varombo, nevanokamhina, nemhetamakumbo, nemapofu.Select Luke 14:21
22Muranda ndokuti: Ishe, zvaitwa sezvamaraira, asi nzvimbo ichipo.Select Luke 14:22
23Ishe akati kumuranda: Buda kumigwagwa nekuuzhowa, ugombedzere vapinde, kuti imba yangu izadzwe.Select Luke 14:23
24Nokuti ndinoti kwamuri: Hakuna umwe kune varume avo vakakokwa acharavira chirairo changu.Select Luke 14:24
25Zvino zvaunga zvikuru zvaifamba naye; akatendeuka akati kwavari:Select Luke 14:25
26Kana ani nani achiuya kwandiri, akasavenga baba vake namai, nemukadzi, nevana, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, hongu, kunyange neupenyu hwake, haagoni kuva mudzidzi wangu.Select Luke 14:26
27Zvino ani nani asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera, haagoni kuva mudzidzi wangu.Select Luke 14:27
28Nokuti ndiani wenyu, anoti achida kuvaka shongwe, asingatangi agara pasi, akaverenga madhuriro, kana ane zvekupedzesa?Select Luke 14:28
29Kuti zvimwe ateya nheyo akasagona kupedza, vese vanoona vanotanga kumuseka,Select Luke 14:29
30vachiti: Uyu munhu akatanga kuvaka, asi akakoniwa kupedzisa.Select Luke 14:30
31Kana ndeupi mambo, kana achienda kuhondo akamirisana neumwe mambo, asingatangi agara pasi, akafungisisa kuti angagona here nezvuru gumi kusangana neanouya akapikisana naye nezvuru makumi maviri?Select Luke 14:31
32Asi kana zvisakadaro, iye achiri kure, anotuma nhume, akumbire zverugare.Select Luke 14:32
33Saka saizvozvo, ani nani kwamuri asingasii zvese zvaanazvo, haagoni kuva mudzidzi wangu.Select Luke 14:33
34Munyu wakanaka; asi kana munyu warasa kuvava, ucharungwa nei?Select Luke 14:34
35Hauchina kufanira kunyange pamunda, kana padutu remupfudze; vanourasira kunze. Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.Select Luke 14:35
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation