Skip to content
Church.wiki
Luke

Luke 15

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino kwakaswedera kwaari vateresi nevatadzi vese, kuzomunzwa.Select Luke 15:1

2VaFarisi nevanyori vakatsutsumwa vachiti: Uyu anogamuchira vatadzi, achidya navo.Select Luke 15:2

3Zvino wakavaudza mufananidzo uyu, achiti:Select Luke 15:3

4Ndeupi munhu kwamuri angati ane makwai zana, kana arasikirwa nerimwe rawo, asingasii makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe murenje, akatevera rakarasika kusvikira ariwana?Select Luke 15:4

5Uye kana ariwana, anoriisa pamafudzi ake achifara.Select Luke 15:5

6Zvino kana asvika kumusha, anodana pamwe shamwari nevavakidzani, achiti kwavari: Farai neni, nokuti ndawana gwai rangu rakange rarasika.Select Luke 15:6

7Ndinoti kwamuri: Saizvozvo mufaro uchava kudenga pamusoro pemutadzi umwe anotendeuka, kupfuura pamusoro pevakarurama makumi mapfumbamwe nevapfumbamwe, vasingatsvaki kutendeuka.Select Luke 15:7

8Kana ndeupi mukadzi ane makobiri gumi, kana arasikirwa nekobiri rimwe, asingatungidzi mwenje, akatsvaira imba, akatsvakisisa kusvikira ariwana?Select Luke 15:8

9Uye kana ariwana, anodana shamwari nevavakidzani pamwe, achiti: Farai neni, nokuti ndawana kobiri randanga ndarasikirwa naro.Select Luke 15:9

10Saizvozvo, ndinokutaurirai, kuti mufaro uripo pamberi pevatumwa vaMwari pamusoro pemutadzi umwe anotendeuka.Select Luke 15:10

11Zvino wakati: Umwe munhu aiva ane vanakomana vaviri;Select Luke 15:11

12mudiki wavo ndokuti kuna baba: Baba, ndipei mugove wenhumbi wakanangana neni. Akavagovera nhumbi dzake.Select Luke 15:12

13Pasina kupfuura mazuva mazhinji, mwanakomana mudiki wakaunganidza zvese pamwe, akasimuka akaenda kunyika iri kure; uye akaparadza ikoko nhaka yake, achirarama neunzenza.Select Luke 15:13

14Zvino wakati aparadza zvese, kwakauya nzara huru panyika iyo, iye akatanga kushaiwa.Select Luke 15:14

15Zvino wakaenda, akanozvibatanidza neumwe wezvizvarwa zvenyika iyo; akamutumira kuminda yake kunofudza nguruve.Select Luke 15:15

16Wakange achishuva kugutsa dumbu rake nemateko nguruve adzaidya; asi hakuna munhu waimupa.Select Luke 15:16

17Zvino wakati apengenuka, akati: Varikichi vazhinji sei vababa vangu vane zvingwa zvakawandisisa, asi ini ndofa nenzara.Select Luke 15:17

18Ndichasimuka ndiende kuna baba vangu, ndigoti kwavari: Baba, ndakatadzira kudenga, nepamberi penyu;Select Luke 15:18

19uye handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu; ndiitei seumwe wevarikichi venyu.Select Luke 15:19

20Akasimuka akaenda kuna baba vake. Asi wakati achiri kure, baba vake vakamuona, vakanzwa tsitsi, vakamhanya ndokuwira pahuro pake, nekumutsvoda.Select Luke 15:20

21Zvino mwanakomana akati kwavari: Baba, ndakatadzira kudenga nepamberi penyu, uye handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.Select Luke 15:21

22Asi baba vakati kuvaranda vavo: Budai nenguvo refu yakanakisisa mumupfekedze, muise mhete paruoko rwake, nemanyatera patsoka;Select Luke 15:22

23muuye nemhuru yakakodzwa, mubaye, uye ngatidye tifare;Select Luke 15:23

24nokuti uyu mwanakomana wangu wakange afa, zvino wararamazve; wakange arasika, asi wawanikwa; zvino vakatanga kufara.Select Luke 15:24

25Zvino mwanakomana wake mukuru wakange ari kumunda; zvino wakati achisvika, oswedera paimba, akanzwa mumhanzi nekutamba.Select Luke 15:25

26Zvino wakadanira kwaari umwe wevaranda, akabvunza kuti izvi zvinorevei.Select Luke 15:26

27Zvino akati kwaari: Munin'ina wako wasvika; zvino baba vako vabaya mhuru yakakodzwa, nokuti vamugamuchira ari mutano.Select Luke 15:27

28Asi wakatsamwa, akasada kupinda; naizvozvo baba vake vakabuda, vakamukumbirisa.Select Luke 15:28

29Asi iye wakapindura akati kuna baba: Tarirai, makore mazhinji akadai ndakakubatirai, handina kutongodarika murairo wenyu, asi hamuna kutongondipa mbudzana, kuti ndifare neshamwari dzangu.Select Luke 15:29

30Asi mangoti mwanakomana wenyu uyu wakaparadza nhumbi dzenyu nezvifeve achisvika, mamubaira mhuru yakakodzwa.Select Luke 15:30

31Vakati kwaari: Mwana, iwe uneni nguva dzese, uye zvese zvangu ndezvako.Select Luke 15:31

32Asi kwaifanira kuti kupemberwe nekufarwa, nokuti munin'ina wako uyu wakange afa, wararamazve; wakange arasika, wawanikwa.Select Luke 15:32

Next: Luke 16Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Luke

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.