Skip to content
Church.wiki
Luke

Luke 16

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino wakataurawo kuvadzidzi vake achiti: Kwakange kune umwe munhu mufumi, waiva nemutariri; iye wakapomerwa kwaari seanoparadza nhumbi dzake.Select Luke 16:1

2Zvino wakamudana akati kwaari: Chii ichi chandinonzwa nezvako? Rondedzera nezveutariri hwako; nokuti hauchazogoni kuva mutariri.Select Luke 16:2

3Zvino mutariri wakati mukati make: Ndichaitei, sezvo ishe wangu wonditorera utariri? Handigoni kuchera, kupemha ndinonyara.Select Luke 16:3

4Ndaziva zvandichaita, kuti kana ndabudiswa pautariri, vandigamuchire mudzimba dzavo.Select Luke 16:4

5Zvino wakadanira kwaari umwe neumwe wavakange vane chikwereti kuna ishe wake, akati kune wekutanga: Une chikwereti chakadini kuna ishe wangu?Select Luke 16:5

6Iye ndokuti: Zviyero zana zvemafuta. Ndokuti kwaari: Tora rugwaro rwako, ugare pasi nekukurumidza unyore makumi mashanu.Select Luke 16:6

7Ndokuti kune umwe: Newe, une chikwereti chakadini? Iye ndokuti: Zviyero zana zvezviyo. Akati kwaari: Tora rugwaro rwako, unyore makumi masere.Select Luke 16:7

8Zvino ishe wakarumbidza mutariri asakarurama, nokuti wakange aita nekuchenjera; nokuti vana venyika ino vakachenjera pazera ravo kukunda vana vechiedza.Select Luke 16:8

9Neni ndinoti kwamuri: Muzviitire shamwari nafuma wekusakarurama, kuti kana musingachagoni, vakugamuchirei mudzimba dzekusingaperi.Select Luke 16:9

10Wakatendeka pachidikisa wakatendekawo pachikuru, neusakarurama pachidikisa haana kururamawo pachikuru.Select Luke 16:10

11Naizvozvo kana musina kutendeka pana fuma usakarurama, ndiani achakubatisai chinhu chechokwadi?Select Luke 16:11

12Uye kana musina kutendeka pane cheumwe, ndiani achakupai chenyu?Select Luke 16:12

13Hakuna muranda anogona kubatira madzitenzi maviri; nokuti zvimwe achavenga umwe, ndokuda umwe; kana kuti achanamatira kune umwe, agozvidza umwe. Hamugoni kubatira Mwari nafuma.Select Luke 16:13

14Zvino neVaFarisi vakange vari vadi vemari, vakanzwa zvinhu izvi zvese, vakamuseka.Select Luke 16:14

15Zvino wakati kwavari: Imwi ndimwi vanozviruramisa pamberi pevanhu, asi Mwari anoziva moyo yenyu; nokuti icho chinokwiridzirwa pakati pevanhu, chinyangadzo pamberi paMwari.Select Luke 16:15

16Murairo nevaporofita zvaivapo kusvikira kuna Johwani; kubva ipapo ushe hwaMwari hunoparidzwa, uye umwe neumwe anosenerera mahuri.Select Luke 16:16

17Asi zvakareruka kuti denga nenyika zvipfuure, pakuti chidodzi chimwe chemurairo chiwe.Select Luke 16:17

18Ani nani anoramba mukadzi wake akawana umwe anoita upombwe; uye ani nani anowana wakarambwa kumurume anoita upombwe.Select Luke 16:18

19Kwakange kune umwe munhu mufumi, waipfeka zvine ruvara rwehute nemicheka yakaisvonaka, nekufara paumbozha mazuva ese.Select Luke 16:19

20Zvino kwakange kune umwe mupemhi wainzi Razaro, wakange akaiswa pasuwo rake azere maronda,Select Luke 16:20

21uye waishuva kugutswa nezvimedu zvaiwa patafura yemufumi; asi kunyange imbwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake.Select Luke 16:21

22Zvino zvakaitika kuti mupemhi wakafa, akatakurirwa nevatumwa kuchifuva chaAbhurahama; mufumi akafawo, akavigwa.Select Luke 16:22

23Zvino ari muhadhesi* wakasimudza meso ake, ari pamarwadzo, akaona Abhurahama ari kure, naRazaro ari pachifuva chake.Select Luke 16:23

24Iye ndokudanidzira akati: Baba Abhurahama, ndinzwirei tsitsi, mutume Razaro, kuti anyike muromo wemunwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu; nokuti ndinorwadziswa mumurazvo uyu.Select Luke 16:24

25Asi Abhurahama wakati: Mwana, rangarira kuti iwe muupenyu hwako wakagamuchira zvakanaka zvako, saizvozvo naRazaro zvakaipa; asi zvino iye anonyaradzwa, uye iwe unorwadziwa.Select Luke 16:25

26Uye pamusoro peizvi zvese, pakati pedu nemwi pane mukaha mukuru wakaiswa, kuti vanoda kuyambuka kubva kuno vachiuya kwamuri vakonewe, neveko varege kuyambukira kwatiri.Select Luke 16:26

27Iye ndokuti: Naizvozvo ndinokukumbirisai, baba, kuti mumutumire kuimba yababa vangu,Select Luke 16:27

28nokuti ndine vanakomana vamai vangu vashanu, kuti anyatsovapupurira, zvimwe ivowo vangauya panzvimbo ino yemarwadzo.Select Luke 16:28

29Abhurahama akati kwaari: Mozisi nevaporofita vanavo; ngavanzwe ivo.Select Luke 16:29

30Iye ndokuti: Kwete, baba Abhurahama; asi kana umwe akaenda kwavari kubva kuvakafa, vachatendeuka.Select Luke 16:30

31Asi wakati kwaari: Kana vasingateereri Mozisi nevaporofita, havangatendiswi kunyange kana umwe akamuka kubva kuvakafa.Select Luke 16:31

Next: Luke 17Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Luke

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.