Skip to content
Church.wiki
Luke

Luke 17

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino wakati kuvadzidzi: Hazvigoneki kuti zvigumbuso zvisauya; asi ane nhamo wazvinouya kubudikidza naye.Select Luke 17:1

2Zvaiva nani kwaari kuti guyo rinorema risungirirwe kupoteredza mutsipa wake, ndokukandirwa mugungwa, pakuti agumbuse umwe wevadiki ava.Select Luke 17:2

3Muzvichenjerere imwi. Zvino kana umwe wako akakutadzira, mutsiure; uye kana akatendeuka, mukanganwire.Select Luke 17:3

4Uye kana akutadzira kanomwe pazuva, akadzoka kwauri kanomwe pazuva, achiti: Ndatendeuka; uchamukanganwira.Select Luke 17:4

5Zvino vaapositori vakati kuna Ishe: Wedzerai kwatiri rutendo.Select Luke 17:5

6Ishe ndokuti: Kana maiva nerutendo rwakaita setsanga yemasitadha, maiti kumuhabhurosi uyu: Dzurwa, usimwe mugungwa; uye waikuteererai.Select Luke 17:6

7Asi ndeupi kwamuri ane muranda anorima kana kufudza, achati pakarepo achipinda achibva kumunda: Swedera ugare pakudya?Select Luke 17:7

8Asi angarega here kuti kwaari: Gadzira zvandingaraira, uye uzvisunge chiuno, undishandire, kusvikira ndadya, ndikanwa; zvino mushure meizvozvi iwe udye nekunwa?Select Luke 17:8

9Anotenda muranda uyo nokuti wakaita zvarairwa here? Handifungi.Select Luke 17:9

10Saizvozvo nemwi, kana maita zvese zvamakarairwa, muti: Tiri varanda pasina, nokuti taita zvataifanira kuita.Select Luke 17:10

11Zvino zvakaitika pakuenda kwake kuJerusarema, kuti iye wakapfuura nepakati peSamaria neGarirea.Select Luke 17:11

12Zvino wakati achipinda mune umwe musha, varume gumi vaiva nemaperembudzi vakasangana naye, vamire kure.Select Luke 17:12

13Zvino ivo vakasimudza inzwi, vachiti: Jesu, Tenzi, tinzwirei tsitsi!Select Luke 17:13

14Zvino wakati achivaona, akati kwavari: Endai munozviratidza kuvapristi. Zvino zvakaitika kuti vachienda, vakanatswa.Select Luke 17:14

15Zvino umwe wavo paakaona kuti aporeswa, wakadzoka achikudza Mwari nenzwi guru;Select Luke 17:15

16ndokuwira pasi nechiso patsoka dzake, achimuvonga; zvino iye wakange ari muSamaria.Select Luke 17:16

17Asi Jesu wakapindura akati: Vanga vasiri gumi here vanatswa? Ko vapfumbamwe varipi?Select Luke 17:17

18Hapana kuwanikwa vadzokera kuzopa Mwari rukudzo, kunze kweuyu mutorwa.Select Luke 17:18

19Zvino akati kwaari: Simuka, enda; rutendo rwako rwakuponesa.Select Luke 17:19

20Zvino wakati achibvunzwa neVaFarisi, kuti ushe hwaMwari hunosvika rinhi, akavapindura akati: Ushe hwaMwari hahuuyi nekuonekwa;Select Luke 17:20

21uye havangati: Tarirai pano; kana: Tarira uko. Nokuti tarirai, ushe hwaMwari huri mukati menyu.Select Luke 17:21

22Zvino wakati kuvadzidzi: Mazuva achasvika amuchashuva kuona rimwe ramazuva eMwanakomana wemunhu, asi hamungarioni.Select Luke 17:22

23Zvino vachati kwamuri: Tarirai pano; kana: Tarirai uko; regai kuenda, kana kutevera.Select Luke 17:23

24Nokuti semheni inopenya ichibva kune rumwe rutivi pasi pedenga ichivhenekera kusvikira kune rumwe rutivi pasi pedenga, saizvozvo zvichaitawo Mwanakomana wemunhu nezuva rake.Select Luke 17:24

25Asi kutanga anofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji, nekurambwa nezera iri.Select Luke 17:25

26Uye sezvazvakange zvakaita mumazuva aNowa, ndizvo zvazvichavawo mumazuva eMwanakomana wemunhu.Select Luke 17:26

27Vaidya, vainwa, vaiwana, vachiwaniswa, kusvikira zuva iro Nowa raakapinda naro muareka, mafashame akasvika, ndokuvaparadza vese.Select Luke 17:27

28Saizvozvowo sezvazvakange zvakaita mumazuva aRoti; vaidya, vainwa, vaitenga, vaitengesa, vaidzvara, vaivaka;Select Luke 17:28

29asi nemusi Roti waakabuda muSodhoma, kwakanaya moto nesarufa zvichibva kudenga, zvikaparadza vese.Select Luke 17:29

30Zvichava seizvi nezuva Mwanakomana wemunhu raachabudiswa pachena naro.Select Luke 17:30

31Muzuva iro, uyo achava pamusoro pedenga reimba, nenhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka kundodzitora; neari kumunda saizvozvo ngaarege kudzokera zvinhu zviri shure.Select Luke 17:31

32Yeukai mukadzi waRoti.Select Luke 17:32

33Ani nani anotsvaka kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, uye ani nani anorasikirwa nahwo achahuraramisa.Select Luke 17:33

34Ndinoti kwamuri: Muusiku uhwo kuchava nevaviri pamubhedha umwe; umwe achatorwa, uye umwe achasiiwa.Select Luke 17:34

35Vaviri vachava vachikuya pamwe, umwe achatorwa, uye umwe achasiiwa.Select Luke 17:35

36Vaviri vachava mumunda; umwe achatorwa, uye umwe asiiwe.Select Luke 17:36

37Zvino vakapindura vakati kwaari: Kupi Ishe? Ndokuti kwavari: Pane mutumbi, ndipo pachaunganidzwa magora.Select Luke 17:37

Next: Luke 18Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Luke

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.