Luke 18
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino wakavaudzawo mufananidzo kuti vanofanira kunyengetera nguva dzese, uye vasaora moyo,Select Luke 18:1
2achiti: Kwaiva mune rimwe guta neumwe mutongi, wakange asingatyi Mwari, uye asingaremekedzi munhu;Select Luke 18:2
3zvino kwakange kune chirikadzi muguta iro, yakange ichiuya kwaari, ichiti: Ndiruramisirei kumuvengi wangu.Select Luke 18:3
4Asi wakange asingadi kwenguva; asi pashure pezvinhu izvi wakati mukati make: Kunyange ndisingatyi Mwari, uye ndisingaremekedzi munhu;Select Luke 18:4
5asi nokuti chirikadzi iyi inonditambudza, ndichairuramisira, zvimwe pakupedzisira ingasvika pakunditsamwisa kwazvo.Select Luke 18:5
6Ishe ndokuti: Inzwai mutongi asakarurama zvaanoreva.Select Luke 18:6
7Ko Mwari haangaruramisiri here vakasanangurwa vake, vanodana kwaari masikati neusiku, kunyange achivanonokera?Select Luke 18:7
8Ndinoti kwamuri: Achakurumidza kuvaruramisira. Asi kana Mwanakomana wemunhu achisvika, achawana rutendo panyika here?Select Luke 18:8
9Zvino wakareva mufananidzo uyu kune vamwewo vaizvivimba kuti vakarurama, vachizvidza vamwe, akati:Select Luke 18:9
10Vanhu vaviri vakakwira kutembere kunonyengetera; umwe muFarisi, uye umwe muteresi.Select Luke 18:10
11MuFarisi wakamira akazvinyengeterera zvinhu izvi, akati: Mwari, ndinokutendai kuti handina kufanana nevamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana kunyange semuteresi uyu.Select Luke 18:11
12Ndinotsanya kaviri pavhiki, ndinopa chegumi chezvese zvandinowana.Select Luke 18:12
13Asi muteresi amire kure wakasada kunyange kusimudzira meso kudenga, asi wakarova pachifuva chake, achiti: Mwari, ndinzwirei tsitsi ini mutadzi.Select Luke 18:13
14Ndinoti kwamuri: Uyu wakaburukira kumba kwake anzi wakarurama pane uya; nokuti umwe neumwe anozvikwiridzira achaninipiswa, uye anozvininipisa achakwiridzirwa.Select Luke 18:14
15Zvino vakauisa kwaari vachechewo, kuti avabate; asi vadzidzi vakati vachizviona, vakavatsiura.Select Luke 18:15
16Asi Jesu wakadanira ivo vacheche kwaari akati: Tenderai vacheche vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndehwevakadai.Select Luke 18:16
17Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani asingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahuri.Select Luke 18:17
18Zvino umwe mutungamiriri wakamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndiitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?Select Luke 18:18
19Jesu ndokuti kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, Mwari.Select Luke 18:19
20Mirairo unoiziva, inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.Select Luke 18:20
21Iye ndokuti: Izvi zvese ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.Select Luke 18:21
22Zvino Jesu wakati achinzwa zvinhu izvi akati kwaari: Uchiri kushaiwa chinhu chimwe; tengesa zvese zvaunazvo, ugovere varombo, uye uchava nefuma yakakosha kudenga; ugouya pano wonditevera.Select Luke 18:22
23Zvino wakati anzwa zvinhu izvi, akashungurudzika zvikuru; nokuti wakange akafuma zvikuru.Select Luke 18:23
24Zvino Jesu wakati achiona kuti washungurudzika zvikuru akati: Zvicharemera sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari.Select Luke 18:24
25Nokuti zvakareruka kuti kamera ripinde richidarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.Select Luke 18:25
26Zvino avo vakanzwa, vakati: Zvino ndiani anogona kuponeswa?Select Luke 18:26
27Asi iye akati: Zvinhu zvisingagoneki nevanhu, zvinogoneka naMwari.Select Luke 18:27
28Petro ndokuti: Tarirai, isu takasiya zvese, tikakuteverai.Select Luke 18:28
29Zvino akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vabereki, kana madzikoma nevanin'ina, kana mukadzi, kana vana, nekuda kweushe hwaMwari,Select Luke 18:29
30asingazogamuchiri zvakapetwa kazhinji nenguva ino, nemunguva inouya upenyu husingaperi.Select Luke 18:30
31Zvino wakatora vanegumi nevaviri, akati kwavari: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye zvinhu zvese zvakanyorwa nevaporofita maererano neMwanakomana wemunhu zvichazadziswa.Select Luke 18:31
32Nokuti achakumikidzwa kune vechirudzi, agosekwa, nekuitirwa zvakaipa, nekupfirwa,Select Luke 18:32
33uye vachamurova netyava uye vachamuuraya; uye pazuva retatu achamukazve.Select Luke 18:33
34Asi ivo havana kunzwisisa chinhu chimwe cheizvozvi, uye shoko iri rakange rakavanzwa kwavari, uye havana kunzwisisa zvinhu zvakarehwa.Select Luke 18:34
35Zvino zvakaitika oswedera Jeriko, rimwe bofu raigara padivi penzira richipemha;Select Luke 18:35
36rakati richinzwa chaunga chichipfuura, rikabvunza kuti chinyi ichi.Select Luke 18:36
37Zvino vakariudza kuti: Jesu weNazareta anopfuura.Select Luke 18:37
38Zvino rakadanidzira richiti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!Select Luke 18:38
39Zvino vakange vakatungamira vakaritsiura kuti rinyarare; asi iro rakanyanyisa kudanidzira, richiti: Mwanakomana waDhavidhi, ndinzwirei tsitsi!Select Luke 18:39
40Zvino Jesu wakamira, akaraira kuti riuyiswe kwaari; zvino rakati raswedera akaribvunza,Select Luke 18:40
41achiti: Unoda kuti ndikuitirei? Zvino rakati: Ishe, kuti ndionezve.Select Luke 18:41
42Jesu ndokuti kwaari: Chionazve! Rutendo rwako rwakuponesa.Select Luke 18:42
43Pakarepo rikaonazve, rikamutevera, richirumbidza Mwari; vanhu vese vakati vachizviona vakarumbidza Mwari.Select Luke 18:43
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation