Luke 19
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino Jesu wakapinda, akagura muJeriko.Select Luke 19:1
2Zvino tarira, murume wainzi Zakewu nezita; iye wakange ari mutungamiriri wevateresi, uye iye waiva mufumi;Select Luke 19:2
3uye wakatsvaka kuona Jesu kuti ndiani; asi wakange asingagoni nekuda kwechaunga, nokuti wakange ane chimiro chifupi.Select Luke 19:3
4Zvino wakamhanyira mberi, akakwira mumuonde wemusikamori kuti amuone; nokuti wakange achizopfuura nenzira iyo.Select Luke 19:4
5Zvino Jesu wakati achisvika panzvimbo iyo, wakatarira kumusoro, akamuona, akati kwaari: Zakewu, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.Select Luke 19:5
6Zvino wakakurumidza kuburuka, akamugamuchira achifara.Select Luke 19:6
7Zvino vakati vazviona vakan'un'una vese vachiti: Wapinda kunogara nemurume mutadzi.Select Luke 19:7
8Asi Zakewu wakamira, akati kuna Ishe: Tarirai, hafu yefuma yangu, Ishe, ndinopa kuvarombo, uye kana ndakatora chinhu kune umwe munhu nekunyengera, ndinodzosera runa.Select Luke 19:8
9Jesu akati kwaari: Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno; nokuti iyewo mwanakomana waAbhurahama.Select Luke 19:9
10Nokuti Mwanakomana wemunhu wakauya kuzotsvaka nekuponesa chakarasika.Select Luke 19:10
11Vakati vanzwa zvinhu izvi, wakawedzera akataura mufananidzo, nokuti wakange ava pedo neJerusarema, uye nekuti vaifunga kuti ushe hwaMwari hwobva hwodoonekereswa.Select Luke 19:11
12Naizvozvo wakati: Umwe munhu ane mbiri wakaenda kunyika iri kure, kunozvigamuchirira ushe agodzoka.Select Luke 19:12
13Zvino wakadana varanda vake gumi, ndokuvapa pondo gumi, ndokuti kwavari: Bhindaukai nayo kusvikira ndichiuya.Select Luke 19:13
14Asi vanhu venyika yake vakange vachimuvenga, vakatuma nhume shure kwake, vachiti: Hatidi uyu kuti atitonge.Select Luke 19:14
15Zvino zvakaitika kuti adzoka agamuchira ushe, wakaraira kuti vaya varanda vaakange apa mari, vadanirwe kwaari, kuti anzwe kuti umwe neumwe wakawana zvakadini nekutengeserana.Select Luke 19:15
16Wekutanga ndokusvika, achiti: Ishe, pondo yenyu yawana pondo gumi.Select Luke 19:16
17Zvino akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka; nokuti wakange wakatendeka pachidiki-diki, uve nesimba pamusoro pemaguta gumi.Select Luke 19:17
18Newechipiri wakasvika, achiti: Ishe, pondo yenyu yawana pondo shanu.Select Luke 19:18
19Akati kwaariwo: Newe, uve pamusoro pemaguta mashanu.Select Luke 19:19
20Zvino umwe wakasvika, achiti: Ishe, tarirai pondo yenyu, yandakange ndakachengeta mumucheka wekumeso;Select Luke 19:20
21nokuti ndakange ndichikutyai, nokuti muri munhu wakaoma; munotora zvamusina kuisa, muchikohwa izvo zvamusina kudzvara.Select Luke 19:21
22Zvino wakati kwaari: Ndichakutonga nezvinobuda mumuromo mako, muranda wakaipa; wakange uchiziva kuti ini ndiri munhu wakaoma, ndichitora zvandisakaisa, nekukohwa izvo zvandisina kudzvara;Select Luke 19:22
23naizvozvo sei usina kuisa mari yangu mubhanga, kuti kana ndouya ndigozoitora pamwe nezvibereko.Select Luke 19:23
24Ndokuti kune vakange vamirepo: Mutorerei pondo mupe kune ane pondo gumi.Select Luke 19:24
25Asi vakati kwaari: Ishe, ane pondo gumi.Select Luke 19:25
26Nokuti ndinoti kwamuri: Anazvo achapiwa; uye asina, kwaari kuchatorwa nezvaanazvo.Select Luke 19:26
27Asi vavengi vangu avo, vakange vasingadi kuti nditonge pamusoro pavo, uisai pano, muvauraye pamberi pangu.Select Luke 19:27
28Zvino wakati areva zvinhu izvi, akapfuurira mberi, achikwira kuJerusarema.Select Luke 19:28
29Zvino zvakaitika oswedera kuBhetifage neBhetaniya pagomo rinonzi reMiorivhi, wakatuma vaviri vevadzidzi vake,Select Luke 19:29
30achiti: Fambai muende mumusha wakatarisana nemwi; kana muchipinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina munhu wakamborigara; murisunungure, mugoriuisa.Select Luke 19:30
31Zvino kana chero munhu akakubvunzai achiti: Munorisunungurirei? Muchataura kwaari kudai: Ishe anorida.Select Luke 19:31
32Avo vakatumwa vakaenda vakanowana sezvaakange ataura kwavari.Select Luke 19:32
33Zvino vakati vachisunungura dhongwana, varidzi varo vakati kwavari: Munosunungurirei dhongwana?Select Luke 19:33
34Ivo ndokuti: Ishe anorida.Select Luke 19:34
35Zvino vakariuisa kuna Jesu; ndokukanda nguvo dzavo pamusoro pedhongwana, vakatasvisa Jesu pariri.Select Luke 19:35
36Zvino achifamba, vakawarira nguvo dzavo munzira.Select Luke 19:36
37Zvino wakati oswedera ikozvino pamateru egomo reMiorivhi, chaunga chese chevadzidzi chikatanga kufara chichirumbidza Mwari nenzwi guru pamusoro pamabasa ese esimba avakange vaona,Select Luke 19:37
38vachiti: Wakaropafadzwa mambo anouya muzita raIshe; rugare kudenga, nekubwinya kumusoro-soro.Select Luke 19:38
39Uye vamwe veVaFarisi vari pakati pechaunga vakati kwaari: Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu.Select Luke 19:39
40Zvino wakapindura akati kwavari: Ndinokuudzai kuti kana ava vakanyarara, mabwe achadanidzira.Select Luke 19:40
41Zvino wakati aswedera, wakaona guta, akachema pamusoro paro,Select Luke 19:41
42achiti: Dai newe waiziva, kunyange pazuva rino rako zvinhu zverugare rwako; asi zvino zvakavanzirwa meso ako.Select Luke 19:42
43Nokuti mazuva achasvika pamusoro pako, apo vavengi vako vachakukandira muchinjiziri wakakupoteredza, vachakukomba, nekukudzvinyidzira pamativi ese,Select Luke 19:43
44uye vachakuputsira pasi iwe nevana vako mukati mako, havangasii mukati mako ibwe pamusoro pebwe; nokuti hauna kuziva nguva yekushanyirwa kwako.Select Luke 19:44
45Zvino wakapinda mutembere, akatanga kudzingira panze vakange vachitengesamo nevaitenga,Select Luke 19:45
46achiti kwavari: Kwakanyorwa kuti: Imba yangu imba yemunyengetero; asi imwi maiita bako remakororo.Select Luke 19:46
47Zvino waidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutembere; asi vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu vakatsvaka kumuparadza.Select Luke 19:47
48Asi havana kuwana zvavangaita, nokuti vanhu vese vakamunamatira vachimunzwa.Select Luke 19:48
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation