Skip to content
Church.wiki
Luke

Luke 21

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino wakati atarira kumusoro akaona vafumi vachikanda zvipo zvavo muchivigiro chezvipo.Select Luke 21:1

2Uye wakaonawo imwe chirikadzi murombo ichikandamo tumari twemhangura tuviri.Select Luke 21:2

3Ndokuti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo yakanda kupfuura vese;Select Luke 21:3

4nokuti avo vese vakanda muzvipo zvaMwari pamuraudziro wavo, asi iye, paurombo hwake wakanda chese chaaiva nacho chaairarama nacho.Select Luke 21:4

5Zvino vamwe vachiri kutaura pamusoro petembere, kuti yakange yakashongedzwa nemabwe akanaka nezvipo, wakati:Select Luke 21:5

6Zvinhu izvi zvamunoona, mazuva achasvika okuti ibwe harizosiiwi pamusoro pebwe, risingazoputsirwi pasi.Select Luke 21:6

7Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, ko zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chii, kana izvozvi zvoitika?Select Luke 21:7

8Iye ndokuti: Chenjerai kuti musatsauswa; nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye: Nguva yaswedera. Naizvozvo musavatevera.Select Luke 21:8

9Zvino kana muchinzwa zvehondo nenyonga-nyonga, musavhunduswa; nokuti zvinhu izvi zvinofanira kutanga kuitika; asi kuguma hakuvipo pakarepo.Select Luke 21:9

10Ipapo wakati kwavari: Rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe.Select Luke 21:10

11Uye kudengenyeka kwenyika kukuru kuchava kunzvimbo dzakasiyana-siyana, nenzara nematenda, uye zvinotyisa nezviratidzo zvikuru zvichabva kudenga zvichavapo.Select Luke 21:11

12Asi mberi kwaizvozvi zvese vachaisa maoko avo pamuri, nekushusha, vachikukumikidzai kumasinagoge nemumatirongo, muchiiswa pamberi pemadzimambo nevabati, nekuda kwezita rangu.Select Luke 21:12

13Uye izvi zvichashandukira kwamuri kuva uchapupu.Select Luke 21:13

14Naizvozvo zviisei mumoyo menyu, kuti murege kufanofunganya zvamuchazvidavirira.Select Luke 21:14

15Nokuti ini ndichakupai muromo nenjere, vavengi venyu vese zvavachakonewa kupikisa kana kuramba.Select Luke 21:15

16Zvino muchatengeswa kunyange nevabereki, nevanakomana vamai venyu, nehama, neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu.Select Luke 21:16

17Uye muchavengwa nevese nekuda kwezita rangu.Select Luke 21:17

18Asi hakungatongoparari ruvhudzi rwemusoro wenyu.Select Luke 21:18

19Mukutsungirira kwenyu wanai mweya yenyu.Select Luke 21:19

20Zvino kana muchiona Jerusarema rakombwa nemauto, zivai ipapo kuti kuparadzwa kwaro kwaswedera.Select Luke 21:20

21Panguva iyo vari muJudhiya ngavatizire kumakomo; nevari mukati maro ngavabude; nevari kumaruwa ngavarege kupinda mariri.Select Luke 21:21

22Nokuti awa mazuva etsividzo, kuti zvinhu zvese zvakanyorwa zvizadziswe.Select Luke 21:22

23Asi vane nhamo vane mimba nevanonwisa mumazuva iwayo! Nokuti kuchavapo kutambudzika kukuru munyika, nehasha pamusoro perudzi urwu.Select Luke 21:23

24Uye vachawa nemuromo wemunondo, nekutapirwa kumarudzi ese; uye Jerusarema richatsikirwa pasi nevechirudzi, kusvikira nguva dzevechirudzi dzazadziswa.Select Luke 21:24

25Zvino zviratidzo zvichavapo pazuva nepamwedzi nepanyeredzi; nepanyika kutambudzika kwemarudzi nekukanganiswa; gungwa nemafungu zvichitinhira,Select Luke 21:25

26vanhu vachapera simba nekutya nekutarisira zvinhu izvo zvinouya panyika; nokuti masimba ekumatenga achazungunuswa.Select Luke 21:26

27Zvino ipapo vachaona Mwanakomana wemunhu achiuya mugore ane simba nekubwinya kukuru.Select Luke 21:27

28Zvino kana zvinhu izvi zvichitanga kuitika, itii tasa, uye musimudze misoro yenyu, nokuti rudzikunuro rwenyu rwaswedera.Select Luke 21:28

29Zvino wakavataurira mufananidzo achiti: Tarirai muonde nemiti yese;Select Luke 21:29

30kana ikozvino yotunga, munozvionera nekuziva kuti zhizha ikozvino rava pedo.Select Luke 21:30

31Saizvozvo imwiwo, kana moona zvinhu izvozvi zvichiitika, zivai kuti ushe hwaMwari hwava pedo.Select Luke 21:31

32Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri, kusvikira zvese zvaitika.Select Luke 21:32

33Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.Select Luke 21:33

34Zvino zvichenjererei, kuti moyo yenyu irege kuremedzwa nekudyisa nekuraradza nekufunganya zveupenyu huno, zuva iro rikusvikirei musingafungiri.Select Luke 21:34

35Nokuti seriva richasvika pamusoro pevese vagere pachiso chenyika yese.Select Luke 21:35

36Naizvozvo rindai panguva yese munyengetere kuti muverengwe makafanira kupukunyuka zvinhu izvi zvese zvichaitika, nekumira pamberi peMwanakomana wemunhu.Select Luke 21:36

37Zvino waidzidzisa masikati mutembere; asi waibuda achipedzera usiku mugomo rinonzi reMiorivhi.Select Luke 21:37

38Vanhu vese ndokuuya kwaari mangwanani-ngwanani mutembere kuti vamunzwe.Select Luke 21:38

Next: Luke 22Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Luke

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.