Luke 24
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino nemusi wekutanga wevhiki, mambakwedza, vakauya kuguva, vakatakura zvinonhuhwira zvavakange vagadzirira, nevamwe vanavo.Select Luke 24:1
2Zvino vakawana ibwe rakakunguruswa kubva paguva.Select Luke 24:2
3Vakabva vapinda vakasawana mutumbi waIshe Jesu.Select Luke 24:3
4Zvino vakati vakakanganiswa kwazvo nazvo, zvino tarira, varume vaviri vakamira navo vakapfeka nguvo dzinopenya;Select Luke 24:4
5zvino vachiri kutya, ndokukotamisa zviso pasi, varume vakati kwavari: Munotsvakirei mupenyu pavakafa?Select Luke 24:5
6Haasi pano, asi wamuka; rangarirai kuti wakataura sei kwamuri achiri muGarirea,Select Luke 24:6
7achiti: Mwanakomana wemunhu anofanira kukumikidzwa mumaoko evanhu vezvivi, nekurovererwa pamuchinjikwa, uye pazuva retatu amukezve.Select Luke 24:7
8Zvino vakarangarira mashoko ake.Select Luke 24:8
9Zvino vakadzoka vachibva kuguva, vakaudza zvinhu izvi zvese kuvanegumi neumwe nekune vamwe vese.Select Luke 24:9
10Vaiva Maria Magidharini naJohwana naMaria mai vaJakobho, nevamwe vavaiva navo, vakaudza vaapositori zvinhu izvi.Select Luke 24:10
11Zvino mashoko avo akaonekera sekutaura kusina maturo pamberi pavo, uye havana kuvatenda.Select Luke 24:11
12Asi Petro wakasimuka akamhanyira kuguva; akakotama ndokutarira, akaona micheka yerineni yakaradzikwa yega; ndokuenda, ashamisika mukati make nezvakange zvaitika.Select Luke 24:12
13Zvino tarira, pazuva iroro vaviri vavo vaifamba vachienda kumusha wainzi Emausi, wakange uri masitadhia* makumi matanhatu kubva kuJerusarema.Select Luke 24:13
14Zvino ivo vaitaurirana pamusoro pezvinhu izvi zvese zvakange zvaitika.Select Luke 24:14
15Zvino zvakaitika kuti vachitaurirana nekubvunzana, Jesu amene wakaswedera akafamba navo,Select Luke 24:15
16asi meso avo akange abatwa kuti vasamuziva.Select Luke 24:16
17Zvino wakati kwavari: Mashoko ei awa amunokurukurirana muchifamba, uye makasuruvara?Select Luke 24:17
18Umwe, wainzi Kiriyopasi, ndokupindura akati kwaari: Ndiwe wega mutorwa muJerusarema, uye hauziva zvakaitikamo mumazuva ano here?Select Luke 24:18
19Zvino akati kwavari: Zvinhui? Ivo vakati kwaari: Zviri maererano naJesu weNazareta, waiva murume muporofita ane simba pachiito nepashoko pamberi paMwari nevanhu vese;Select Luke 24:19
20uye kuti vapristi vakuru nevatongi vedu vakamukumikidza sei kuti atongerwe rufu, uye vakamuroverera pamuchinjikwa.Select Luke 24:20
21Asi isu taivimba kuti ndiye waizodzikunura Israeri. Asiwo kunze kweizvi zvese, nhasi izuva retatu kubva zvaitika zvinhu izvi.Select Luke 24:21
22Asi vamwewo vakadzi vekwedu vatishamisa, vanga vafumira kuguva;Select Luke 24:22
23zvino vati vasingawani mutumbi wake, vauya vachiti vaona chiratidzo chevatumwawo, vati mupenyu.Select Luke 24:23
24Uye vamwe vevaiva nesu vaenda kuguva, vakawanawo zvakadaro vakadziwo sezvavakange vareva; asi iye havana kumuona.Select Luke 24:24
25Zvino iye akati kwavari: Haiwa imwi vekusanzwisisa, uye mune moyo ine chinono kutenda zvese vaporofita zvavakataura!Select Luke 24:25
26Ko Kristu wakange asingafaniri kutambudzika nezvinhu izvi, ndokupinda pakubwinya kwake here?Select Luke 24:26
27Ndokutanga kuna Mozisi nekuvaporofita vese, akadudzira kwavari mumagwaro ese zvinhu zviri maererano naye.Select Luke 24:27
28Zvino vakaswedera kumusha kwavakange vachienda; iye ndokuita sewopfuurira.Select Luke 24:28
29Asi vakamumanikidza, vachiti: Garai nesu, nokuti koda kuvira, uye zuva ranyura. Ndokupinda kunogara navo.Select Luke 24:29
30Zvino zvakaitika agere navo pakudya, wakatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa kwavari.Select Luke 24:30
31Zvino meso avo ndokuzarurwa, ndokumuziva; iye ndokunyangarika kwavari.Select Luke 24:31
32Zvino vakataurirana vachiti: Moyo wedu wanga usingapisi mukati medu here paanga achitaura nesu munzira, nepaanga achitizarurira magwaro?Select Luke 24:32
33Zvino vakasimuka neawa iroro, vakadzokera kuJerusarema, vakawana vanegumi neumwe vakaungana nevaiva navo,Select Luke 24:33
34vachiti: Ishe wamuka zvirokwazvo, waonekwa naSimoni.Select Luke 24:34
35Ivo vakarondedzera zvinhu zvakaitika munzira, uye kuti wakazikanwa navo sei pakumedura chingwa.Select Luke 24:35
36Zvino vakati vachataura zvinhu izvozvi, Jesu amene wakamira pakati pavo, akati kwavari: Rugare kwamuri.Select Luke 24:36
37Asi vakavhunduswa, vakatya, vakafunga kuti vaona mweya.Select Luke 24:37
38Zvino akati kwavari: Munonetsekerei, uye mifungo inomukirei mumoyo yenyu?Select Luke 24:38
39Tarirai maoko angu netsoka dzangu, kuti ndini ndomene. Ndibatei, muone, nokuti mweya hauna nyama nemafupa, sezvamunoona ndinazvo.Select Luke 24:39
40Zvino wakati areva izvi akavaratidza maoko netsoka.Select Luke 24:40
41Zvino vakati vachigere kutenda nekuda kwekufara vachishamisika, akati kwavari: Mune chinodyika pano here?Select Luke 24:41
42Zvino vakamupa nhindi yehove yakagochwa neyezinga reuchi.Select Luke 24:42
43Iye ndokutora akadya pamberi pavo.Select Luke 24:43
44Zvino wakati kwavari: Awa mashoko andakataura kwamuri ndichiri nemwi, kuti zvinhu zvese zvinofanira kuzadziswa, zvakanyorwa pamurairo waMozisi, nepavaporofita nepaMapisarema maererano neni.Select Luke 24:44
45Ipapo akazarura kunzwisisa kwavo, kuti vanzwisise magwaro.Select Luke 24:45
46Ndokuti kwavari: Zvakanyorwa saizvozvi, saizvozvowo zvakafanira Kristu kutambudzika, nekumuka kubva kuvakafa zuva retatu,Select Luke 24:46
47uye kuti kutendeuka nekanganwiro yezvivi zviparidzirwe marudzi ese muzita rake, kutanga paJerusarema.Select Luke 24:47
48Uye imwi muri zvapupu zvezvinhu izvi.Select Luke 24:48
49Zvino tarirai, ini ndinotuma chivimbiso chaBaba vangu pamusoro penyu; asi imwi garai muguta reJerusarema, kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.Select Luke 24:49
50Zvino akavatungamirira kunze kusvikira Bhetaniya, ndokusimudza maoko ake akavaropafadza.Select Luke 24:50
51Zvino zvakaitika achavaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga.Select Luke 24:51
52Zvino vakamunamata, vakadzokera kuJerusarema vane mufaro mukuru;Select Luke 24:52
53uye vakagara nguva dzese mutembere, vachirumbidza nekutenda Mwari. Ameni.Select Luke 24:53
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation