Skip to content
Church.wiki
Luke

Luke 5

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino zvakaitika kuti chaunga chakati chichimumbandidzira kuti vanzwe shoko raMwari, iye akamira parutivi rwegungwa reGenesareti;Select Luke 5:1

2akaona zvikepe zviviri zvimire parutivi rwegungwa; asi varedzi vakange vabuda mazviri vachisuka mimbure.Select Luke 5:2

3Akapinda mune chimwe chezvikepe chaiva chaSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pavhu zvishoma. Ndokubva agara pasi, akadzidzisa zvaunga ari muchikepe.Select Luke 5:3

4Zvino wakati amira kutaura, akati kuna Simoni: Pinda kwakadzika udzikise mimbure yenyu kuti ubate.Select Luke 5:4

5Simoni akapindura, akati kwaari: Tenzi, tafondoka usiku hwese, tikasabata chinhu, asi zvamadaro, ndichadzikisa mumbure.Select Luke 5:5

6Vakati vaita izvozvi, vakakomba dutu rehove zhinji; mumbure wavo ukange wobvaruka.Select Luke 5:6

7Vakaninira vamwe vavo vakange vari mune chimwe chikepe, kuti vauye vazovabatsira; vakauya vakazadza zvikepe zviri zviviri, zvekuti zvakatanga kunyura.Select Luke 5:7

8Zvino Simoni Petro wakati achiona, akawira pasi pamabvi aJesu, achiti: Ibvai kwandiri, Ishe, nokuti ndiri munhu mutadzi.Select Luke 5:8

9Nokuti kushamisika kwakange kwamubata, nevese vakange vanaye, nekubatwa kwehove dzavakange vabata;Select Luke 5:9

10saizvozvowo Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhi, vaiva vadyidzani naSimoni. Jesu ndokuti kuna Simoni: Usatya, kubva zvino ucharedza vanhu.Select Luke 5:10

11Zvino, vakati vaisa zvikepe kunyika, vakasiya zvese vakamutevera.Select Luke 5:11

12Zvino zvakaitika, ari kune rimwe remaguta, tarira, murume azere maperembudzi; wakati achiona Jesu akawa nechiso, ndokumugombetedza, achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.Select Luke 5:12

13Ndokubva atandavadza ruoko, akamubata, achiti: Ndinoda, chinatswa. Pakarepo maperembudzi akabva kwaari.Select Luke 5:13

14Iye akamuraira kuti asaudza munhu; akati: Asi enda unozviratidza kumupristi, ubaire pakunatswa kwako, Mozisi sezvaakaraira, chive chapupu kwavari.Select Luke 5:14

15Asi shoko pamusoro pake rakanyanya kupararira; zvaunga zvikuru zvikaungana kuzonzwa, nekuporeswa naye pazvifo zvavo.Select Luke 5:15

16Asi iye waienda kumarenje achinonyengetera.Select Luke 5:16

17Zvino zvakaitika nerimwe remazuva, iye paakange achidzidzisa; zvino VaFarisi nevadzidzisi vemurairo vakange vagerepo, vaibva kumisha yese yeGarirea neJudhiya neJerusarema; nesimba raIshe rakange riripo kuvaporesa.Select Luke 5:17

18Uye tarira, varume vakange vakatakura munhu pahwanyanza wakange akafa mitezo; vakatsvaka kumupinza vaise pamberi pake.Select Luke 5:18

19Zvino, vakati vachishaiwa pavangamupinza napo nekuda kwechaunga, vakakwira padenga peimba, vakamuburusira pasi nemumapfuriro pamwe nehwanyanza hwake, pakati pamberi paJesu.Select Luke 5:19

20Iye wakati aona rutendo rwavo, akati kwaari: Munhu, zvivi zvako wazvikanganwirwa.Select Luke 5:20

21Zvino vanyori neVaFarisi vakatanga kufunga, vachiti: Ndiani uyu anotaura kunyomba? Ndiani anogona kukanganwira zvivi, kunze kwaMwari ega?Select Luke 5:21

22Zvino Jesu paakaziva mifungo yavo, akapindura, akati kwavari: Munofungei mumoyo yenyu?Select Luke 5:22

23Chii chakareruka, kuti: Zvivi zvako wazviregererwa; kana kuti: Simuka, ufambe?Select Luke 5:23

24Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba panyika rekuregerera zvivi (akati kune wakange akafa mitezo): Ndinoti kwauri: Simuka, utore hwanyanza hwako, uende kumba kwako.Select Luke 5:24

25Pakarepo akasimuka pamberi pavo, akatora chaakange arere pachiri, akaenda kumba kwake, achirumbidza Mwari.Select Luke 5:25

26Kuvhiringidzika kukabata vese, vakarumbidza Mwari, vakazadzwa nekutya, vachiti: Taona chisionekwe nhasi.Select Luke 5:26

27Zvino shure kwezvinhu izvi wakabuda, akaona muteresi, wainzi Revhi, agere paimba yemutero, akati kwaari: Nditevere.Select Luke 5:27

28Ndokubva asiya zvese, akasimuka akamutevera.Select Luke 5:28

29Revhi ndokumuitira mabiko makuru mumba make; kukavapo chaunga chikuru chevateresi nevamwe vakange vagere navo pakudya.Select Luke 5:29

30Asi vanyori vavo neVaFarisi vakanyunyutira vadzidzi vake, vachiti: Nemhaka yei muchidya nekunwa nevateresi nevatadzi?Select Luke 5:30

31Jesu achipindura akati kwavari: Vatano havadi murapi, asi avo vanorwara.Select Luke 5:31

32Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi vauye mukutendeuka.Select Luke 5:32

33Zvino vakati kwaari: Nemhaka yei vadzidzi vaJohwani vachitsanya kazhinji, vachiita minyengetero, uye saizvozvo veVaFarisi, asi venyu vanodya nekunwa?Select Luke 5:33

34Asi wakati kwavari: Munogona kutsanyisa vana veimba yemuchato muwani achiri kwavari here?Select Luke 5:34

35Asi mazuva achasvika, apo muwani achabviswa kwavari, ipapo vachatsanya nemazuva iwayo.Select Luke 5:35

36Akataurawo mufananidzo kwavari, akati: Hakuna munhu anoisa chigamba chemucheka mutsva panguvo sharu; kana zvikasadaro naichowo chitsva chinobvarura, nechigamba chemucheka mutsva hachipindirani nesharu.Select Luke 5:36

37Uye hakuna munhu anodira waini itsva muhombodo sharu; kana zvikasadaro, waini itsva ichaparusa hombodo iyo ikateuka, uye hombodo dzikaparara.Select Luke 5:37

38Asi waini itsva inofanira kuiswa muhombodo itsva, zvichengetedzeke zviri zviviri.Select Luke 5:38

39Uye hakuna munhu anoti anwa waini sharu pakarepo akashuva itsva; nokuti anoti: Sharu iri nani.Select Luke 5:39

Next: Luke 6Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Luke

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.