Skip to content
Church.wiki
Mark

Mark 12

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino wakatanga kutaura kwavari nemifananidzo, achiti: Munhu wakasima munda wemizambiringa, akaisa ruzhowa rwakaukomberedza, akachera pekusvinira waini, akavaka shongwe, akauhaisa* kuvarimi, ndokuenda parwendo.Select Mark 12:1

2Nenguva yakafanira, wakatumira muranda kuvarimi, kuti agamuchire kubva kuvarimi zvechibereko chemunda wemizambiringa.Select Mark 12:2

3Vakamubata vakarova, vakamuendesa asina chinhu.Select Mark 12:3

4Akatumazve kwavari umwe muranda; uyu vakamuposhera mabwe, vakamukuvadza mumusoro, vakamuendesa anyadziswa.Select Mark 12:4

5Zvino wakatumazve umwe; uyu vakamuurayawo; nevamwe vazhinji, vachirova vamwe, nekuuraya vamwe.Select Mark 12:5

6Naizvozvo wakange achine mwanakomana umwe mudikanwi wake, akamutumirawo kwavari pakupedzisira, achiti: Vachakudza mwanakomana wangu.Select Mark 12:6

7Asi varimi ivavo vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai ngatimuurayei, nhaka ichava yedu.Select Mark 12:7

8Vakamutora vakauraya, vakaposhera kunze kwemunda wemizambiringa.Select Mark 12:8

9Naizvozvo mwene wemunda wemizambiringa achaitei? Achauya akaparadza varimi, akapa munda wemizambiringa kune vamwe.Select Mark 12:9

10Ko hamuna kuverenga here rugwaro urwu rwunoti: Ibwe vavaki ravakarasa, ndiro rava musoro wekona;Select Mark 12:10

11izvi zvakaitwa naIshe, uye zvinoshamisa pameso edu?Select Mark 12:11

12Zvino vakatsvaka kumubata, asi vakatya chaunga; nokuti vaiziva kuti wakange ataura mufananidzo uyu akanangana navo. Vakamusiya vakaenda.Select Mark 12:12

13Vakati vatuma kwaari vamwe veVaFarisi neveVaHerodhe, kuti vamubate pakutaura.Select Mark 12:13

14Zvino vakati vauya, vakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechokwadi, hamuna hanya nemunhu; nokuti hamutariri chimiro chemunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi: Zviri pamutemo kupa Kesari mutero here, kana kwete?Select Mark 12:14

15Tipe here, kana tirege kupa? Asi iye wakaziva unyepedzeri hwavo, akati kwavari: Munondiidzirei? Ndivigirei dhenario*, kuti ndione.Select Mark 12:15

16Vakariuisa. Akati kwavari: Mufananidzo uyu nerunyoro urwu ndezvani? Vakati kwaari: ZvaKesari.Select Mark 12:16

17Jesu akapindura akati kwavari: Dzoserai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari. Vakashamisika naye.Select Mark 12:17

18Zvino kwakauya kwaari VaSadhusi, vanoti hakuna kumuka, vakamubvunza vachiti:Select Mark 12:18

19Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera kuti: Kana mukoma wemunhu akafa, akasiya mukadzi, akasasiya vana, kuti munin'ina wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake mbeu.Select Mark 12:19

20Zvino kwakange kune vanakomana vanomwe vemunhu umwe; wekutanga akawana mukadzi, akafa akasasiya mbeu.Select Mark 12:20

21Wechipiri akamutora, akafa, iyewo akasasiya mbeu; newechitatu saizvozvo.Select Mark 12:21

22Nevanomwe vakamutora, vakasasiya mbeu; shure kwevese mukadzi akafawo.Select Mark 12:22

23Naizvozvo pakumuka, kana vachimuka, achava mukadzi wani kwavari? Nokuti vanomwe vakava naye kuita mukadzi.Select Mark 12:23

24Jesu akapindura akati kwavari: Hamuna kurasika here neizvozvi, nokuti hamuzivi magwaro kana simba raMwari?Select Mark 12:24

25Nokuti kana vachimuka kubva kuvakafa, havawanani, kana kuwaniswa, asi vakaita sevatumwa vari kumatenga.Select Mark 12:25

26Zvino maererano nevakafa, kuti vanomutswa, hamuna kurava here mubhuku raMozisi, kuti Mwari wakataura naye sei mugwenzi reminzwa, achiti: Ndiri Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?Select Mark 12:26

27Haasi Mwari wevakafa, asi Mwari wevapenyu; imwi naizvozvo marasika kwazvo.Select Mark 12:27

28Zvino umwe wevanyori wakasvika, wakati anzwa vachirangana, achiziva kuti wakange avapindura zvakanaka, akamubvunza achiti: Ndeupi murairo wekutanga kune yese?Select Mark 12:28

29Jesu akamupindura, achiti: Wekutanga kumirairo yese ndiwoyu: Inzwa Israeri, Ishe Mwari wedu, ndiIshe umwe chete!Select Mark 12:29

30Uye ida Ishe Mwari wako nemoyo wako wese, uye nemweya wako wese, uye nefungwa dzako dzese, uye nesimba rako rese. Uyu murairo wekutanga.Select Mark 12:30

31Newechipiri wakadai ndeuyu: Ida umwe wako sezvaunozvida. Hakuna umwe murairo mukuru kune iyi.Select Mark 12:31

32Zvino munyori akati kwaari: Zvakanaka, Mudzidzisi, mareva zvirokwazvo kuti kuna Mwari umwe chete, uye hakuna umwe kunze kwake;Select Mark 12:32

33nekumuda nemoyo wese, uye nefungwa dzese, uye nemweya wese, uye nesimba rese, nekuda wekwako sezvaunozvida, zvinopfuura zvipiriso zvese zvinopiswa nezvibairo.Select Mark 12:33

34Zvino Jesu wakati achimuona kuti wapindura nenjere, akati kwaari: Hausi kure neushe hwaMwari. Kukasazova nemunhu wakatsunga kumubvunza.Select Mark 12:34

35Zvino Jesu wakati achidzidzisa mutembere, akapindura akati: Vanyori vanoreva sei kuti Kristu Mwanakomana waDhavhidhi?Select Mark 12:35

36Nokuti Dhavhidhi amene wakati neMweya Mutsvene: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.Select Mark 12:36

37Naizvozvo Dhavhidhi amene anomuidza Ishe, ko Mwanakomana wake papi? Chaunga chikuru chikamunzwa nemufaro.Select Mark 12:37

38Zvino wakati kwavari padzidziso yake: Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, nekwaziso pamisika,Select Mark 12:38

39nezvigaro zvemberi mumasinagoge, nezvinzvimbo zvakakwirira pazvirairo;Select Mark 12:39

40vanodya dzimba dzechirikadzi, uye nekunyepedzera vachiita minyengetero mirefu; ivava vachagamuchira kuraswa kukuru kwazvo.Select Mark 12:40

41Jesu akagara pasi akatarisana nechivigiro chezvipo, akatarira kuti chaunga chinokanda sei mari muchivigiro; zvino vafumi vazhinji vakange vachikanda zvizhinji.Select Mark 12:41

42Zvino kwakasvika imwe chirikadzi murombo, ikakanda tumari twemhangura tuviri, ndiro kobiri.Select Mark 12:42

43Akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo yakanda zvizhinji kupfuura vese vakanda muchivigiro chezvipo;Select Mark 12:43

44nokuti vese vakanda pamuraudziro wavo; asi iye paurombo hwake wakanda zvese zvaanazvo, zvese zveupenyu hwake.Select Mark 12:44

Next: Mark 13Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Mark

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.