Mark 2
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino wakapindazve muKapenaume pashure pemazuva; zvikanzwikwa kuti ari mumba.Select Mark 2:1
2Zvino pakarepo vazhinji vakaungana zvekuti pakange pasisina nzvimbo, kunyange pamukova; akataura shoko kwavari.Select Mark 2:2
3Vakauya kwaari, vakauisa wakange akafa mitezo, akatakurwa nevanhu vana.Select Mark 2:3
4Zvino vakati vasingagoni kusvika pedo naye nekuda kwechaunga, vakapfurunyura denga paakange ari, vakati varidzura vakaburusira hwanyanza hwaakange arere pahuri iye wakange akafa mitezo.Select Mark 2:4
5Jesu wakati aona rutendo rwavo akati kune wakange akafa mitezo: Mwana, zvivi zvako zvakanganwirwa kwauri.Select Mark 2:5
6Zvino vamwe vevanyori vakange vagerepo, vakafunga mumoyo yavo vachiti:Select Mark 2:6
7Uyu anotaurirei kunyomba sezvizvi? Ndiani anogona kukanganwira zvivi kunze kweumwe chete, Mwari?Select Mark 2:7
8Zvino pakarepo Jesu achiziva mumweya wake kuti vanofunga saizvozvo mukati mavo wakati kwavari: Munofungirei zvinhu izvi mumoyo yenyu?Select Mark 2:8
9Chii chakareruka zvikuru, kuti kune wakafa mitezo: Zvivi zvako zvakanganwirwa kwauri; kana kuti: Simuka, utore hwanyanza hwako, ufambe?Select Mark 2:9
10Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba panyika rekukanganwira zvivi (akati kune wakange akafa mitezo):Select Mark 2:10
11Ndinoti kwauri: Simuka utore hwanyanza hwako, uende kumba kwako.Select Mark 2:11
12Zvino pakarepo wakasimuka, akatora hwanyanza, ndokubuda pamberi pavo vese; zvekuti vese vakashamisika, vakarumbidza Mwari, vachiti: Hatina kumbozviona zvakadai.Select Mark 2:12
13Wakabudazve parutivi rwegungwa, chaunga chese chikauya kwaari, akavadzidzisa.Select Mark 2:13
14Wakati achipfuura, akaona Revhi waArifiyosi agere paimba yemutero, akati kwaari: Nditevere. Akasimuka akamutevera.Select Mark 2:14
15Zvino zvakaitika agere pakudya mumba make, kuti vateresi vazhinji nevatadzi vakagarawo pamwe naJesu nevadzidzi vake; nokuti vakange vari vazhinji vakamutevera.Select Mark 2:15
16Zvino vanyori neVaFarisi vakati vamuona achidya nevateresi nevatadzi, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei achidya nekunwa nevateresi nevatadzi?Select Mark 2:16
17Jesu wakati achizvinzwa akati kwavari: Vatano havadi chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi mukutendeuka.Select Mark 2:17
18Uye vadzidzi vaJohwani neveVaFarisi vaitsanya; vakauya vakati kwaari: Nemhaka yeyi vadzidzi vaJohwani neveVaFarisi vachitsanya asi vadzidzi venyu havatsanyi?Select Mark 2:18
19Jesu akati kwavari: Vana veimba yemuchato vanogona kutsanya muwani achiri kwavari here? Kana vachingova nemuwani kwavari, havagoni kutsanya;Select Mark 2:19
20asi mazuva achasvika apo muwani achabviswa kwavari, ipapo mumazuva ayo vachatsanya.Select Mark 2:20
21Uye hakuna anosonera chigamba chemucheka usakaunyana panguvo sharu; kana zvikasadaro chinoiswa chinobvaruka kubva pachiri, chitsva kubva pane chakasakara, buri rikanyanya.Select Mark 2:21
22Uye hakuna anodira waini itsva muhombodo sharu; kana zvikasadaro waini itsva inoparusa hombodo, waini ikateuka nehombodo ikaparara; asi waini itsva inofanira kudirwa muhombodo itsva.Select Mark 2:22
23Zvino zvakaitika kuti achigura nemuminda yezviyo nesabata, vadzidzi vake ndokutanga kutanha hura vachifamba.Select Mark 2:23
24VaFarisi ndokuti kwaari: Tarira, vanoitirei nesabata izvo zvisiri pamutemo?Select Mark 2:24
25Iye akati kwavari: Hamuna kutomboverenga here Dhavhidhi zvaakaita, paakange ashaiwa, ava nenzara, iye nevakange vanaye?Select Mark 2:25
26Kuti wakapinda sei mumba maMwari nenguva yaAbhiatari mupristi mukuru, akadya zvingwa zvekuratidza zvakange zvisiri pamutemo kudyiwa, kunze nevapristi, akapawo kwavari vaiva naye?Select Mark 2:26
27Akati kwavari: Sabata rakaitirwa munhu, kwete munhu kuitirwa sabata.Select Mark 2:27
28Naizvozvo Mwanakomana wemunhu ndiIshe kunyange wesabata.Select Mark 2:28
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation