Skip to content
Church.wiki
Mark

Mark 4

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino wakatangazve kudzidzisa parutivi rwegungwa; kukaungana kwaari chaunga chikuru zvekuti wakapinda muchikepe akagara mugungwa; uye chaunga chese chakange chiri pagungwa panyika.Select Mark 4:1

2Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati kwavari padzidziso yake:Select Mark 4:2

3Inzwai; tarirai, mukushi wakabuda kunokusha.Select Mark 4:3

4Zvino zvakaitika pakukusha, imwe yakawira parutivi rwenzira; shiri dzekudenga dzikauya dzikaidya dzikaipedza.Select Mark 4:4

5Asi imwe yakawira panzvimbo dzine mabwe, payakange isina ivhu zhinji; pakarepo ikamera, nokuti yakange isina udziku hwevhu;Select Mark 4:5

6asi zuva rakati rabuda, yakapiswa, uye nokuti yakange isina mudzi, yakasvava.Select Mark 4:6

7Uye imwe yakawira paminzwa, minzwa ikakura ikaivhunga, ikasabereka chibereko.Select Mark 4:7

8Uye imwe yakawira muvhu rakanaka; ikabereka chibereko chakakura ikawedzera, ikabereka, imwe makumi matatu, neimwe makumi matanhatu, neimwe zana.Select Mark 4:8

9Ndokuti kwavari: Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.Select Mark 4:9

10Zvino wakati ava ega, vakange vakamukomba nevanegumi nevaviri vakamubvunza zvemufananidzo.Select Mark 4:10

11Uye akati kwavari: Kwamuri kwakapiwa kuziva chakavanzika cheushe hwaMwari; asi kune avo vari kunze, zvese zvinoitwa nemifananidzo;Select Mark 4:11

12kuti vachiona vaone asi varege kuonesesa, vachinzwa vanzwe asi vasinganzwisisi, zvimwe chero nguva varege kutendeuka, vakanganwirwe zvivi.Select Mark 4:12

13Zvino akati kwavari: Hamuzivi mufananidzo uyu here? Zvino muchaziva sei mifananidzo yese?Select Mark 4:13

14Mukushi unokusha shoko.Select Mark 4:14

15Zvino ava ndivo veparutivi rwenzira, apo panokushwa shoko, uye kana vachirinzwa, pakarepo Satani anouya ndokubvisa shoko rakakushwa mumoyo yavo.Select Mark 4:15

16Uye saizvozvo ava ndivo vakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ivo kana vanzwa shoko, pakarepo vanorigamuchira nemufaro,Select Mark 4:16

17asi havana mudzi mavari, asi ndevenguva; pashure kana matambudziko kana kushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa.Select Mark 4:17

18Zvino ava ndivo vanokushwa muminzwa, vanonzwa shoko,Select Mark 4:18

19asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma neruchiva pamusoro pezvimwe zvinhu zvichipinda, zvichivhunga shoko, rova risingabereki.Select Mark 4:19

20Naava ndivo vakakushwa muvhu rakanaka, ndivo vanonzwa shoko, ndokugamuchira, vagobereka chibereko, umwe makumi matatu, uye umwe makumi matanhatu, uye umwe zana.Select Mark 4:20

21Zvino wakati kwavari: Mwenje unouiswa kuti uiswe pasi pedengu kana pasi pemubhedha here? Kwete kuti uiswe pachigadziko chemwenje here?Select Mark 4:21

22Nokuti hapana chakavigwa chisingazovhundunurwi, kana chakachengetwa chakavanda, asi kuti zvibude pachena.Select Mark 4:22

23Kana munhu ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.Select Mark 4:23

24Zvino wakati kwavari: Chenjererai zvamunonzwa; nechiyero chamunoyera nacho chichayerwa kwamuri, nekwamuri imwi munonzwa, chichawedzerwa.Select Mark 4:24

25Nokuti ani nani anacho achapiwa; asi asina achatorerwa kunyange nechaanacho.Select Mark 4:25

26Zvino akati: Hwakadaro ushe hwaMwari, sezvinonzi munhu anokusha mbeu muvhu.Select Mark 4:26

27Zvino orara nekumuka usiku nemasikati, mbeu inomera ichikura iye asingazivi kuti sei.Select Mark 4:27

28Nokuti ivhu rinozviberekera chibereko pacharo, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura.Select Mark 4:28

29Asi kana chibereko chaibva, pakarepo anotuma jeko nokuti kukohwa kwasvika.Select Mark 4:29

30Zvino wakati: Tichafananidza nei ushe hwaMwari? Kana tingahuenzanisa nemuenzaniso upi?Select Mark 4:30

31Setsanga yemasitadha*, iyo kana ichidzvarwa muvhu, idikisa kumbeu dzese dzepanyika;Select Mark 4:31

32asi kana yadzvarwa, inokura ichiva huru kumiriwo yese, ichiita matavi makuru zvekuti shiri dzekudenga dzinogona kuvakira pasi pemumvuri wawo.Select Mark 4:32

33Zvino nemifananidzo mizhinji yakadaro wakataura shoko kwavari, sepavaigona kunzwa napo.Select Mark 4:33

34Asi kunze kwemufananidzo haana kutaura kwavari; asi vava vega, wakadudzira vadzidzi vake zvese.Select Mark 4:34

35Zvino nezuva iro ava madekwani, wakati kwavari: Ngatiyambukire mhiri.Select Mark 4:35

36Vakarega chaunga chichienda, vakaenda naye akangodaro muchikepe. Zvino kwaivawo nemamwe magwa naye.Select Mark 4:36

37Zvino kwakamuka dutu guru remhepo, mafungu akazvirovera muchikepe, zvekuti chakange zvino chozadzwa.Select Mark 4:37

38Asi iye wakange ari shure muchikepe arere pamutsago; vakamumutsa, vakati kwaari: Mudzidzisi, hamuna hanya kuti toparara here?Select Mark 4:38

39Akamuka akatsiura mhepo, akati kugungwa: Nyarara, gadzikana! Mhepo ikamira, kukava nekudzikama kukuru.Select Mark 4:39

40Ndokuti kwavari: Munotyirei zvakadaro? Hamuna rutendo sei?Select Mark 4:40

41Vakatya nekutya kukuru, vakati umwe kune umwe: Zvino ndiani uyu, kuti kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera?Select Mark 4:41

Next: Mark 5Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Mark

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.