Skip to content
Church.wiki
Mark

Mark 6

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvino wakabvapo, akasvika kunyika yekwake; vadzidzi vake vakamutevera.Select Mark 6:1

2Zvino rava sabata, akatanga kudzidzisa musinagoge; vazhinji vakamunzwa, vakashamisika vachiti: Izvi zvinobvepi kwaari? Injere dzipi dzakapiwa kwaari, kuti nemabasa esimba akadai anoitwa nemaoko ake?Select Mark 6:2

3Uyu haasi muvezi here, mwanakomana waMaria, nemukoma waJakobho, naJose, naJudha, naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here? Vakagumburwa naye.Select Mark 6:3

4Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haangashaiwi kukudzwa, kunze kwemunyika yekwake, nepakati pehama, nemumba make.Select Mark 6:4

5Akasagona kubata chero basa resimba ipapo, kunze kwekuti wakaisa maoko pamusoro pevairwara vashoma, akaporesa.Select Mark 6:5

6Akashamisika nekusatenda kwavo. Uye akapota-pota nemisha achidzidzisa.Select Mark 6:6

7Zvino wakadanira kwaari vanegumi nevaviri, akatanga kuvatuma vaviri-vaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina.Select Mark 6:7

8Akavaraira kuti varege kutora chinhu cherwendo kunze kwemudonzvo chete; kwete chikwama, kwete chingwa, kwete mari mubhanhire.Select Mark 6:8

9Asi vapfeke manyatera, varege kupfeka nguvo refu mbiri.Select Mark 6:9

10Zvino akati kwavari: Pese pamunopinda mumba, mugaremo kusvikira muchibvapo.Select Mark 6:10

11Asi vese vasingakugamuchiriyi kana kukunzwai, kana muchibvapo, zuzai guruva riri pasi petsoka dzenyu, chive chapupu kwavari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvichava nani kuSodhoma kana Gomora nezuva rekutongwa kupfuura guta iro.Select Mark 6:11

12Vakati vabuda, vakaparidza kuti vatendeuke;Select Mark 6:12

13zvino vakabudisa madhimoni mazhinji, vakazodza nemafuta vazhinji vairwara, vachiporesa.Select Mark 6:13

14Mambo Herodhe ndokuzvinzwa, nokuti zita rake rakava pachena, akati: Johwani anobhabhatidza akamutswa kubva kuvakafa, naizvozvo masimba anobata maari.Select Mark 6:14

15Vamwe vakati: NdiEria; nevamwe vakati: Muporofita, kana wakaita seumwe wevaporofita.Select Mark 6:15

16Asi Herodhe wakati anzwa, akati: Uyu ndiJohwani uya wandakagura ini musoro; iye wamuka kubva kuvakafa.Select Mark 6:16

17Nokuti Herodhe pachake wakange atuma vanhu akabata Johwani, akamusunga mutirongo nekuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munin'ina wake; nokuti Herodhe wakange amuwana.Select Mark 6:17

18Nokuti Johwani wakange ati kuna Herodhe: Hauna kutenderwa kuti uve nemukadzi wemunin'ina wako.Select Mark 6:18

19Herodhiasi akamuvenga nechemumoyo, akada kumuuraya, asi wakakonewa;Select Mark 6:19

20nokuti Herodhe aitya Johwani, achiziva kuti murume wakarurama, mutsvene, akamuchengetedza. Zvino paakamunzwa akaita zvinhu zvakawanda, akamunzwa nemufaro.Select Mark 6:20

21Asi zuva rakafanira rakati rasvika, Herodhe nezuva rekuberekwa kwake akaitira chirairo madzishe ake nevatungamiriri vezvuru nevatungamiriri veGarirea,Select Mark 6:21

22zvino mukunda waHerodhiasi uyo paakapinda akatamba, akafadza Herodhe nevakange vagere pakudya naye; mambo akati kumusikana: Kumbira kwandiri chipi zvacho chaunoda ndigokupa.Select Mark 6:22

23Zvino akamupikira achiti: Chero chipi chaunokumbira kwandiri ndichakupa, kusvikira pahafu yeushe hwangu.Select Mark 6:23

24Akabuda akati kuna mai vake: Ndichakumbirei? Vakati: Musoro waJohwani Mubhabhatidzi.Select Mark 6:24

25Pakarepo akakurumidza kupinda kuna mambo, akakumbira achiti: Ndinoda kuti mundipe mundiro ikozvino musoro waJohwani Mubhabhatidzi.Select Mark 6:25

26Mambo akashungurudzika zvikuru, asi nekuda kwemhiko, nekwevakange vagere naye pakudya, wakange asingadi kumurambira.Select Mark 6:26

27Pakarepo mambo akatuma muurai, akaraira kuti musoro wake uuyiswe. Akaenda, akamugura musoro mutirongo,Select Mark 6:27

28akauya nemusoro wake mundiro, akaupa kumusikana, musikana ndokuupa mai vake.Select Mark 6:28

29Vadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakauya vakatora chitunha chake, vakachiisa muguva.Select Mark 6:29

30Zvino vaapositori vakaunganira kuna Jesu, vakamuudza zvese, nezvavakange vaita, nezvavakange vadzidzisa.Select Mark 6:30

31Akati kwavari: Uyai imwi pachenyu mega kunzvimbo yerenje, muzorore zvishoma. Nokuti vaiva vazhinji vaiuya nekuenda, vakasava nemukana kunyange wekudya.Select Mark 6:31

32Vakaenda nechikepe kunzvimbo yerenje vari vega.Select Mark 6:32

33Zvaunga zvikavaona vachienda, uye vazhinji vakamuziva, vakamhanyirako pamwe chete netsoka vachibva pamaguta ese, vakavatangira, vakasangana kwaari.Select Mark 6:33

34Zvino Jesu wakati achibuda, akaona chaunga chikuru, ndokuvanzwira tsitsi, nokuti vakange vakaita semakwai asina mufudzi; akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.Select Mark 6:34

35Zvino nguva yakati yaenda zvikuru, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati: Iyi inzvimbo yerenje, uye nguva yatoenda;Select Mark 6:35

36varegei, kuti vaende kuruwa rwakapoteredza nemisha vanozvitengera zvingwa; nokuti havana chavangadya.Select Mark 6:36

37Akapindura akati kwavari: Vapei imwi kuti vadye. Vakati kwaari: Tingaenda here tinotenga zvingwa zvemadhenario* mazana maviri, tivape vadye?Select Mark 6:37

38Akati kwavari: Mune zvingwa zvingani? Endai munoona. Vakati vaziva vakati: Zvishanu, nehove mbiri.Select Mark 6:38

39Zvino akavaraira kuti vavagarise vese pasi nemapoka-mapoka pauswa unyoro.Select Mark 6:39

40Zvino vakagara pasi nemapoka-mapoka nemazana uye nemakumi mashanu.Select Mark 6:40

41Zvino wakati atora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa kuvadzidzi vake, kuti vazvigadzike pamberi pavo; nehove mbiri akavagovera vese.Select Mark 6:41

42Zvino vakadya vese, vakaguta.Select Mark 6:42

43Vakanunga matengu gumi nemaviri azere nezvimedu, nezvehove.Select Mark 6:43

44Zvino avo vakadya zvingwa vaiva varume vanenge zvuru zvishanu.Select Mark 6:44

45Pakarepo akamanikidza vadzidzi vake kupinda muchikepe, vatungamire kuenda mhiri kuBhetisaidha, iye achirega chaunga chichienda.Select Mark 6:45

46Akati avaoneka, akabva akaenda mugomo kunonyengetera.Select Mark 6:46

47Zvino ava madekwani chikepe chakange chiri pakati pegungwa, iye ari ega panyika.Select Mark 6:47

48Zvino wakavaona vachirwadziwa nekukwasva, nokuti mhepo yakange ichipesana navo; akauya kwavari nenguva inenge seyechina yekurinda yeusiku, achifamba pamusoro pegungwa; ndokuda kuvapfuura.Select Mark 6:48

49Zvino vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti chipoko, vakaridza mhere.Select Mark 6:49

50Nokuti vese vakamuona, vakavhunduka; asi pakarepo akataura navo, akati kwavari: Tsungai moyo, ndini, musatya.Select Mark 6:50

51Akakwira kwavari muchikepe, mhepo ikanyarara; vakakatyamara zvikuru mukati mavo zvisingaverengeki, vakashamisika.Select Mark 6:51

52Nokuti vakange vasina kunzwisisa zvezvingwa, nokuti moyo wavo wakange uri mukukutu.Select Mark 6:52

53Vakati vayambuka, vakasvika kunyika yeGenesareti, vakasungira chikepe pamahombekombe.Select Mark 6:53

54Vakati vabuda muchikepe, pakarepo vakamuziva,Select Mark 6:54

55vakamhanyira munharaunda iyo yese yakapoteredza, vakatanga kutenderera vakatakura vairwara pahwanyanza, kwavainzwa kuti ndiko kwaari.Select Mark 6:55

56Zvino pese paakapinda pamisha kana pamaguta kana paruwa, vakaradzika varwere pamisika, vakamukumbira zvikuru kuti vabate mupendero wenguvo yake chete; uye vese vakamubata vakaponeswa.Select Mark 6:56

Next: Mark 7Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Mark

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.