Matthew 11
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino zvakaitika apo Jesu apedza kuraira vadzidzi vake gumi nevaviri, akabvira ipapo kudzidzisa nekuparidza pamaguta avo.Select Matthew 11:1
2Zvino Johwani wakati anzwa ari mutirongo mabasa aKristu, akatuma vaviri vevadzidzi vake,Select Matthew 11:2
3akati kwaari: Imwi ndimwi anouya here, kana titarisire umwe?Select Matthew 11:3
4Jesu akapindura akati kwavari: Endai munoudza Johwani zvinhu zvamunonzwa nezvamunoona:Select Matthew 11:4
5Mapofu anoonazve, uye mhetamakumbo dzinofamba, vane maperembudzi vanonatswa, nevematsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, nevarombo vanoparidzirwa evhangeri;Select Matthew 11:5
6wakaropafadzwa ani nani asingagumbuswi neni.Select Matthew 11:6
7Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuudza zvaunga pamusoro paJohwani akati: Makange mabuda kurenje kunoonei? Rutsanga rwunozungunuswa nemhepo here?Select Matthew 11:7
8Asi makange mabuda kunoonei? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vanopfeka zvakapfava vari mudzimba dzemadzimambo.Select Matthew 11:8
9Asi makange mabuda kunoonei? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Kunyange anopfuura kwazvo muporofita;Select Matthew 11:9
10nokuti uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, achagadzira nzira yako pamberi pako.Select Matthew 11:10
11Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna kumuka pakati pevakaberekwa nevakadzi mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi. Asi mudikisa muushe hwekumatenga mukuru kwaari.Select Matthew 11:11
12Uye kubva pamazuva aJohwani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwekumatenga hunopambiwa, nevapambi vanohutora nesimba.Select Matthew 11:12
13Nokuti vaporofita vese nemurairo vakaporofita kusvikira kuna Johwani;Select Matthew 11:13
14zvino kana muchida kuzvigamuchira, uyu ndiye Eria wakange achizouya.Select Matthew 11:14
15Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.Select Matthew 11:15
16Asi ndicharifananidza nei zera iri? Rakafanana nevana vagere pamisika, vachidanidzira kushamwari dzavo,Select Matthew 11:16
17vachiti: Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba; takakuririrai, asi hamuna kuchema.Select Matthew 11:17
18Nokuti Johwani wakauya asingadyi kana kunwa, asi vanoti: Ane dhimoni.Select Matthew 11:18
19Mwanakomana wemunhu wakauya achidya, achinwa, zvino vanoti: Tarirai munhu anokara uye munwi wewaini, shamwari yevateresi nevatadzi. Asi njere dzinonzi dzakarurama nevana vadzo.Select Matthew 11:19
20Ipapo akatanga kutsiura maguta makange maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendeuka, akati:Select Matthew 11:20
21Une nhamo, Korazini! Une nhamo, Bhetisaidha! Nokuti dai akaitwa muTire neSidhoni mabasa esimba akaitwa mamuri, vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga nedota.Select Matthew 11:21
22Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kuTire neSidhoni nezuva rekutongwa kupfuura imwi.Select Matthew 11:22
23Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchawisirwa pasi muhadhesi; nokuti dai akaitwa muSodhoma mabasa esimba akaitwa mauri, vangadai vachipo kusvikira zuva rino.Select Matthew 11:23
24Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kunyika yeSodhoma nezuva rekutongwa kupfuura iwe.Select Matthew 11:24
25Nenguva iyo Jesu akapindura akati: Ndinokutendai, Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara, mukazvizarurira vacheche.Select Matthew 11:25
26Hongu Baba, nokuti zvakadaro zvakava zvakanaka pamberi penyu.Select Matthew 11:26
27Zvinhu zvese zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba; hakunazve anoziva Baba kunze kweMwanakomana, uye ani nani Mwanakomana waanenge achida kuzarurira.Select Matthew 11:27
28Uyai kwandiri mese makaneta makaremerwa, uye ini ndichakupai zororo.Select Matthew 11:28
29Torai joko rangu muise pamusoro penyu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro, ndakaderera mumoyo; uye muchawana zororo pamweya yenyu;Select Matthew 11:29
30nokuti joko rangu rakanakisa, nemutoro wangu wakareruka.Select Matthew 11:30
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation