Skip to content
Church.wiki
Matthew

Matthew 14

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Panguva iyo Herodhe umwe wevatongi vana wakanzwa mukurumbira waJesu,Select Matthew 14:1

2akati kuvaranda vake: Uyu ndiJohwani Mubhabhatidzi; iye wakamuka kuvakafa, naizvozvowo mabasa esimba awa anobata maari.Select Matthew 14:2

3Nokuti Herodhe wakange abata Johwani akamusunga akamuisa mutirongo nekuda kwaHerodhiasi mukadzi waFiripi munin'ina wake.Select Matthew 14:3

4Nokuti Johwani wakange ati kwaari: Hazvitenderwi kwauri kuti uve naye.Select Matthew 14:4

5Zvino achida kumuuraya, akatya chaunga, nokuti vaimutora semuporofita.Select Matthew 14:5

6Asi kwakati kuchichengetedzwa zuva rekuberekwa kwaHerodhe, mukunda waHerodhiasi akatamba pakati pavo, akafadza Herodhe.Select Matthew 14:6

7Naizvozvo wakavimbisa nemhiko kuti achamupa chipi nechipi chaaizokumbira.Select Matthew 14:7

8Zvino iye, wakati amborairwa namai vake, akati: Ndipei pano mundiro musoro waJohwani Mubhabhatidzi.Select Matthew 14:8

9Mambo akashungurudzika, asi nekuda kwemhiko, uye kwevakange vagere naye pakudya, wakaraira kuti apiwe.Select Matthew 14:9

10Akatuma vanhu, akagura Johwani musoro mutirongo.Select Matthew 14:10

11Musoro wake ukauyiswa mundiro, ukapiwa kumusikana, akauisa kuna mai vake.Select Matthew 14:11

12Vadzidzi vake vakauya vakatora mutumbi vakauviga, vakaenda ndokuudza Jesu.Select Matthew 14:12

13Jesu wakati azvinzwa, akabvapo nechikepe, akaenda kunzvimbo yerenje ari ega; asi zvaunga zvakati zvichizvinzwa zvikamutevera netsoka zvichibva mumaguta.Select Matthew 14:13

14Zvino Jesu wakati abuda akaona chaunga chikuru, akavanzwira tsitsi, akaporesa varwere vavo.Select Matthew 14:14

15Zvino ava madekwani, vadzidzi vake vakauya kwaari vachiti: Iyi inzvimbo yerenje, uye ikozvino nguva dzaenda; regai zvaunga zviende, kuti vaende kumisha vanozvitengera kudya.Select Matthew 14:15

16Asi Jesu wakati kwavari: Havafaniri kuenda; vapei imwi kuti vadye.Select Matthew 14:16

17Asi vakati kwaari: Hatina pano kunze kwezvingwa zvishanu nehove mbiri.Select Matthew 14:17

18Iye akati: Uyai nazvo pano pandiri.Select Matthew 14:18

19Akaraira zvaunga kuti zvigare pasi pauswa, zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, ndokumedura akapa zvingwa kuvadzidzi, vadzidzi ndokupa kuzvaunga.Select Matthew 14:19

20Vakadya vese, vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, matengu gumi nemaviri azere.Select Matthew 14:20

21Uye vakange vadya vaiva varume vanenge zvuru zvishanu pasina vakadzi nevana.Select Matthew 14:21

22Pakarepo Jesu wakamanikidza vadzidzi vake kupinda muchikepe, vamutungamirire mhiri, iye acharega zvaunga zvichienda.Select Matthew 14:22

23Zvino wakati arega zvaunga zvichienda, akakwira mugomo ari ega kunonyengetera; akati ava madekwani, wakange ari ega ipapo.Select Matthew 14:23

24Asi chikepe zvino chakange chava pakati pegungwa chichitambudzwa nemafungu; nokuti mhepo yakange ichipikisa.Select Matthew 14:24

25Nenguva yechina yemurindiro yeusiku Jesu akaenda kwavari achifamba pamusoro pegungwa.Select Matthew 14:25

26Zvino vadzidzi vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakavhunduka vachiti: Chipoko; ndokudanidzira nekutya.Select Matthew 14:26

27Asi pakarepo Jesu wakataura navo akati: Tsungai moyo; ndini; musatya.Select Matthew 14:27

28Petro ndokumupindura akati: Ishe, kana muri imwi, ndirairei ndiuye kwamuri pamusoro pemvura.Select Matthew 14:28

29Ndokubva ati: Uya. Petro ndokuburuka muchikepe akafamba pamusoro pemvura, kuenda kuna Jesu.Select Matthew 14:29

30Asi wakati achiona mhepo ine simba, akatya; zvino otanga kunyura, akadanidzira, achiti: Ishe, ndiponesei!Select Matthew 14:30

31Pakarepo Jesu wakatandavadza ruoko, akamubata, akati kwaari: Iwe werutendo rudiki, unokononei?Select Matthew 14:31

32Vakati vapinda muchikepe, mhepo ikanyarara.Select Matthew 14:32

33Vakange vari muchikepe ndokuuya vakamunamata vachiti: Zvirokwazvo muri Mwanakomana waMwari.Select Matthew 14:33

34Vakati vayambuka, vakasvika panyika yeGenesareti.Select Matthew 14:34

35Varume venzvimbo iyo vakati vamuziva vakatuma shoko panyika yese iyo yakapoteredza, vakauisa kwaari vese vairwara.Select Matthew 14:35

36Vakakumbirisa kwaari kuti vabate chete mupendero wenguvo yake; uye vese vakabata vakaporeswa.Select Matthew 14:36

Next: Matthew 15Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Matthew

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.