Skip to content
Church.wiki
Matthew

Matthew 16

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1VaFarisi neVaSadhusi ndokuuya vachimuidza, vakamukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga.Select Matthew 16:1

2Asi wakapindura akati kwavari: Kana ava madekwani munoti: Kunze kwakanaka; nokuti denga rakatsvuka.Select Matthew 16:2

3Uye mangwanani munoti: Nhasi kunze kwakaipa; nokuti denga rakatsvuka richikwidibira. Vanyepedzeri, munoziva kuparadzanisa mamiriro edenga, asi hamugoni kuparadzanisa zviratidzo zvenguva here?Select Matthew 16:3

4Zera rakaipa uye rinofeva richitsvaka chiratidzo; asi haripiwi chiratidzo, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita. Ndokuvasiya, akaenda.Select Matthew 16:4

5Zvino vadzidzi vakati vasvika mhiri, vakakanganwa kutora zvingwa.Select Matthew 16:5

6Zvino Jesu akati kwavari: Onai mungwarire mbiriso yeVaFarisi neVaSadhusi.Select Matthew 16:6

7Vakarangana pakati pavo vachiti: Unodaro nokuti hatina kutora zvingwa.Select Matthew 16:7

8Zvino Jesu azviziva akati kwavari: Imwi verutendo rudiki, nemhaka yei muchirangana pakati penyu kuti hamuna kutora zvingwa?Select Matthew 16:8

9Muchigere kunzwisisa here, kana kurangarira zvingwa zvishanu zvevanezvuru zvishanu, uye matengu mangani amakanonga?Select Matthew 16:9

10Kana zvingwa zvinomwe zvevanezvuru zvina, uye matengu mangani amakanonga?Select Matthew 16:10

11Hamunzwisisi sei, kuti handina kutaura kwamuri pamusoro pezvingwa kuti mungwarire mbiriso yeVaFarisi neVaSadhusi?Select Matthew 16:11

12Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yechingwa, asi dzidziso yeVaFarisi neVaSadhusi.Select Matthew 16:12

13Jesu wakati asvika kumativi eKesariya yeFiripi, akabvunza vadzidzi vake, achiti: Vanhu vanoti ini Mwanakomana wemunhu ndini ani?Select Matthew 16:13

14Ndokubva vati: Vamwe vanoti Johwani Mubhabhatidzi, uye vamwe Eria, vamwewo Jeremiya, kana umwe wevaporofita.Select Matthew 16:14

15Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani?Select Matthew 16:15

16Zvino Simoni Petro akapindura akati: Ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.Select Matthew 16:16

17Jesu akapindura akati kwaari: Wakaropafadzwa, Simoni mwanakomana waJona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzarurira izvozvo, asi Baba vangu vari kumatenga.Select Matthew 16:17

18Neni ndinoti kwauri: Ndiwe Petro, uye pamusoro peruware urwu ndichavaka kereke yangu, nemasuwo egehena* haangaikundi.Select Matthew 16:18

19Uye ndichapa kwauri kiyi dzeushe hwekumatenga; uye chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kumatenga; nechipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kumatenga.Select Matthew 16:19

20Ipapo akarairisa vadzidzi vake kuti varege kuudza munhu kuti ndiye Jesu iye Kristu.Select Matthew 16:20

21Kubva panguva iyo Jesu wakatanga kuratidza kuvadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusarema, uye kutambudzika zvizhinji zvichibva kuvakuru nevapristi vakuru nevanyori, nekuurawa, nekumutswa nezuva retatu.Select Matthew 16:21

22Petro akamutora parutivi, akatanga kumutsiura akati: Ngazvirege kutongoitika kwamuri, Ishe; izvi hazvingatongoitiki kwamuri.Select Matthew 16:22

23Asi iye wakatendeuka akati kuna Petro: Ibva shure kwangu, Satani! Uri chigumbuso kwandiri; nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu.Select Matthew 16:23

24Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake: Kana ani nani achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.Select Matthew 16:24

25Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo; asi ani nani anorasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu achahuwana.Select Matthew 16:25

26Nokuti munhu anobatsirwei kana akawana nyika yese, akarasikirwa nemweya wake? Kana munhu achapei chive muripo wemweya wake?Select Matthew 16:26

27Nokuti Mwanakomana wemunhu achauya mukubwinya kwaBaba vake nevatumwa vake, ipapo achapa mubairo umwe neumwe zvichienderana nebasa rake.Select Matthew 16:27

28Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kune vamire pano, vasingatongoraviri rufu kusvikira vaona Mwanakomana wemunhu achiuya muushe hwake.Select Matthew 16:28

Next: Matthew 17Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Matthew

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.