Skip to content
Church.wiki
Matthew

Matthew 18

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Nenguva iyo vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti: Ko ndiani mukurusa paushe hwekumatenga?Select Matthew 18:1

2Jesu akadanira kwaari mucheche akamumisa pakati pavo.Select Matthew 18:2

3Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana musingashandurwi mukava sevacheche, hamungatongopindi muushe hwekumatenga.Select Matthew 18:3

4Naizvozvo ani nani anozvininipisa semucheche uyu ndiye mukurusa muushe hwekumatenga.Select Matthew 18:4

5Zvino ani nani anogamuchira mucheche umwe wakadai muzita rangu anogamuchira ini.Select Matthew 18:5

6Asi ani nani anogumbusa umwe wevacheche ava vanotenda kwandiri, zvaiva nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe kupoteredza pamutsipa wake, anyudzwe mukudzika kwegungwa.Select Matthew 18:6

7Ine nhamo nyika nemhaka yezvigumbuso! Nokuti kunodikanwa kuti zvigumbuso zviuye; asi une nhamo munhu uyo chigumbuso wachinouya naye!Select Matthew 18:7

8Zvino kana ruoko rwako kana rutsoka rwako zvichikugumbusa, uzvigure urase kubva kwauri; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri mhetamakumbo kana uri chirema pakuti une maoko maviri kana tsoka mbiri ukandirwe mumoto wekusingaperi.Select Matthew 18:8

9Kana ziso rako richikugumbusa, uridzure urase kubva kwauri; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu une ziso rimwe pakuti une meso maviri ukandirwe mugehena remoto.Select Matthew 18:9

10Chenjerai musazvidza umwe wevadiki ava, nokuti ndinoti kwamuri: Kumatenga vatumwa vavo vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kumatenga.Select Matthew 18:10

11Nokuti Mwanakomana wemunhu wakauya kuzoponesa chakange chakarasika.Select Matthew 18:11

12Munofunga sei? Kana umwe munhu ane makwai zana, rimwe rawo rikarasika, haangasii here makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, akaenda kumakomo kunotsvaka rakarasika?Select Matthew 18:12

13Kana zvikaitika kuti ariwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Anorifarira kupfuura makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurasika.Select Matthew 18:13

14Saizvozvo hakusi kuda kwaBaba venyu vari kumatenga, kuti umwe wevadiki ava aparare.Select Matthew 18:14

15Asi kana umwe wako akutadzira, enda umudzore pakati pako naye mega; kana akakunzwa, wawana umwe wako.Select Matthew 18:15

16Asi kana asinganzwi, tora umwe kana vamwe vaviri newe, kuti nemuromo wezvapupu zviviri kana zvitatu shoko rese risimbiswe.Select Matthew 18:16

17Kana asina hanya nekuvanzwa, uudze kereke; asi kana asina hanya nekunzwa kerekewo, ngaave kwauri semuhedheni nemuteresi.Select Matthew 18:17

18Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchasunga panyika, chichasungwa kudenga; uye chipi nechipi chamunosunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.Select Matthew 18:18

19Zvekare ndinoti kwamuri: Kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechinhu chipi nechipi chavanokumbira, chichaitwa kwavari naBaba vangu vari kumatenga.Select Matthew 18:19

20Nokuti apo vaviri kana vatatu vakaungana muzita rangu, ipapo ndiripo pakati pavo.Select Matthew 18:20

21Zvino Petro wakauya kwaari akati: Ishe, umwe wangu uchanditadzira kangani, ndichimukanganwira? Kusvikira kanomwe here?Select Matthew 18:21

22Jesu akati kwaari: Handiti kwauri: Kusvikira kanomwe; asi: Kusvikira makumi manomwe akapamhidzirwa kanomwe.Select Matthew 18:22

23Naizvozvo ushe hwekumatenga hunofananidzwa neumwe mambo, wakange achida kugadzirisa zvemari nevaranda vake.Select Matthew 18:23

24Zvino wakati achitanga kugadzirisa zvemari, umwe akauyiswa kwaari wakange ane chikwereti chematarenda* gumi rezvuru.Select Matthew 18:24

25Asi zvaakange asina chaangaripa nacho, ishe wake akaraira kuti atengeswe pamwe nemukadzi wake nevana, nezvese zvaakange anazvo, kuti muripo uitwe.Select Matthew 18:25

26Naizvozvo muranda wakawira pasi, akamunamata, achiti: Ishe, ivai nemoyo murefu neni, ndichakuripirai zvese.Select Matthew 18:26

27Zvino ishe wemuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamukanganwira chikwereti.Select Matthew 18:27

28Asi muranda uyo wakati achibuda, akawana umwe wevaranda vaibata pamwe naye, wakange ane ngava kwaari remadhenario* zana; akamubata, akamudzipa, akati: Ndiripe zvaunofanira.Select Matthew 18:28

29Zvino muranda waibata pamwe naye akawira pasi patsoka dzake akamugombetedza achiti: Uve nemoyo murefu neni, ndichakuripira zvese.Select Matthew 18:29

30Asi iye haana kuda, asi wakaenda, akamukanda mutirongo, kusvikira aripa chikwereti.Select Matthew 18:30

31Zvino varanda vaibata pamwe naye vakati vachiona zvakange zvaitika, vakashungurudzika kwazvo, vakaenda vakaudza ishe wavo zvese zvakaitika.Select Matthew 18:31

32Zvino ishe wake wakati amudanira kwaari akati kwaari: Iwe muranda wakaipa, ndakakukanganwira chikwereti icho chose, nokuti wakandigombetedza.Select Matthew 18:32

33Ko newe hausaifanira kunzwira tsitsi here umwe muranda unobata pamwe newe, seniwo ndakakunzwira tsitsi?Select Matthew 18:33

34Zvino ishe wake akatsamwa, akamukumikidza kuvarwadzisi, kusvikira aripa zvese zvakafanira kwaari.Select Matthew 18:34

35Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitiraiwo, kana musingakanganwiri umwe neumwe umwe wake zvitadzo zvavo nemoyo yenyu yese.Select Matthew 18:35

Next: Matthew 19Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Matthew

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.