Matthew 19
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino zvakaitika apo Jesu apedza mashoko awa, akabva kuGarirea, akasvika kumiganhu yeJudhiya mhiri kweJoridhani.Select Matthew 19:1
2Zvaunga zvikuru zvikamutevera, akazviporesapo.Select Matthew 19:2
3VaFarisi vakauyawo kwaari, vachimuidza vachiti kwaari: Zvinotenderwa here kumunhu kuramba mukadzi wake nemhaka ipi neipi?Select Matthew 19:3
4Akapindura, akati kwavari: Hamuna kurava here, kuti iye wakavaita kubva pakutanga wakavaita murume nemukadzi?Select Matthew 19:4
5Akati: Nekuda kwaizvozvi munhu achasiya baba namai, uye achanamatira kumukadzi wake; avo vaviri vachava nyama imwe.Select Matthew 19:5
6Naizvozvo havachisiri vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo izvo Mwari zvaakabatanidza munhu ngaarege kuparadzanisa.Select Matthew 19:6
7Vakati kwaari: Mozisi wakagorairei kupa rugwaro rwekurambana, nekumuramba?Select Matthew 19:7
8Akati kwavari: Nekuda kweukukutu hwemoyo yenyu Mozisi wakakutenderai kuramba vakadzi venyu; asi kubva pakutanga zvakange zvisina kudaro.Select Matthew 19:8
9Asi ndinoti kwamuri: Ani nani anoramba mukadzi wake, kunze kwemhaka yeupombwe, akawana umwe, anopomba; neanowana wakarambwa anopomba.Select Matthew 19:9
10Vadzidzi vake vakati kwaari: Kana nyaya yemunhu nemukadzi yakadaro, hazvibatsiri kuwana.Select Matthew 19:10
11Asi akati kwavari: Vese havagamuchiri shoko iri, kunze kwevakaripiwa.Select Matthew 19:11
12Nokuti kune vatenwa, vakaberekwa vakadaro kubva mudumbu ramai; uye kune vatenwa, vakaitwa vatenwa nevanhu; uye kune vatenwa vakazviita vatenwa nekuda kweushe hwekumatenga. Anogona kugamuchira izvi, ngaagamuchire.Select Matthew 19:12
13Zvino kwakauyiswa kwaari vana vadiki, kuti aise maoko pamusoro pavo, anyengetere; asi vadzidzi vakavatsiura.Select Matthew 19:13
14Asi Jesu wakati: Tenderai vana vadiki, musavadzivisa kuuya kwandiri; nokuti ushe hwekumatenga ndehwevakadai.Select Matthew 19:14
15Akaisa maoko pamusoro pavo, akabvapo.Select Matthew 19:15
16Zvino tarira, kwakaswedera umwe akati kwaari: Mudzidzisi wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi kuti ndive neupenyu husingaperi?Select Matthew 19:16
17Akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, ndiye Mwari. Asi kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mirairo.Select Matthew 19:17
18Akati kwaari: Ipi? Jesu ndokuti: Usauraya, usapomba, usaba, usapupura nhema,Select Matthew 19:18
19kudza baba vako namai, uye, ude umwe wako sezvaunozvida iwe.Select Matthew 19:19
20Jaya rikati kwaari: Izvozvi zvese ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu; ndichiri kushaiwei?Select Matthew 19:20
21Jesu akati kwariri: Kana uchida kuva wakaperera, enda utengese zvaunazvo upe varombo, uye uchava nefuma kudenga; ugouya pano unditevere.Select Matthew 19:21
22Asi jaya rakati ranzwa shoko iro rikaenda richishungurudzika; nokuti rakange rine nhumbi zhinji.Select Matthew 19:22
23Jesu akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mufumi ucharemerwa kupinda muushe hwekumatenga.Select Matthew 19:23
24Ndinotizve kwamuri: Zvakarerukira kamera kudarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.Select Matthew 19:24
25Vadzidzi vake vakati vazvinzwa, vakashamisika kwazvo, vachiti: Saka ndiani angagona kuponeswa?Select Matthew 19:25
26Asi Jesu wakatarira akati kwavari: Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvese zvinobvira.Select Matthew 19:26
27Ipapo Petro akapindura, akati kwaari: Tarirai, isu takasiya zvese, tikakuteverai; zvino tichava nei?Select Matthew 19:27
28Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Imwi makanditevera, pakuberekwa kutsva kana Mwanakomana wemunhu agara pachigaro cheushe chekubwinya kwake, imwiwo muchagara pazvigaro zveushe gumi nezviviri, muchitonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri.Select Matthew 19:28
29Uye umwe neumwe wakasiya dzimba, kana vanin'ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwezita rangu, uchagamuchira zvine zana, akagara nhaka yeupenyu husingaperi.Select Matthew 19:29
30Asi vazhinji vekutanga vachava vekupedzisira, nevekupedzisira vekutanga.Select Matthew 19:30
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation