Matthew 2
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino Jesu wakati aberekwa muBhetirehemu reJudhiya, pamazuva aHerodhe mambo, tarira, kwakauya vachenjeri vachibva kumabvazuva kuJerusarema,Select Matthew 2:1
2vachiti: Uripi iye wakazvarwa Mambo weVaJudha? Nokuti taona nyeredzi yake kumabvazuva, tauya kuzomunamata.Select Matthew 2:2
3Zvino Herodhe mambo wakati anzwa, akashushikana, neJerusarema rese naye.Select Matthew 2:3
4Zvino wakati aunganidza vapristi vakuru vese nevanyori vevanhu, akabvunza kwavari kuti Kristu uchazvarirwa kupi.Select Matthew 2:4
5Zvino vakati kwaari: MuBhetirehemu reJudhiya; nokuti zvakanyorwa saizvozvi nemuporofita zvichinzi:Select Matthew 2:5
6Newe Bhetirehemu nyika yaJudha, hausi mudikisa kuvatongi vaJudha; nokuti kwauri kuchabuda mutungamiriri, achafudza vanhu vangu Israeri.Select Matthew 2:6
7Zvino Herodhe, wakati adana vachenjeri muchivande, akabvunzisisa kwavari nguva yakaonekwa nyeredzi.Select Matthew 2:7
8Akavatuma kuBhetirehemu, akati: Endai munobvunzisisa zvemucheche; kana mamuwana mundisume, kuti ini ndiuyewo ndimunamate.Select Matthew 2:8
9Vakati vanzwa mambo, vakabva; zvino tarira, nyeredzi yavakaona kumabvazuva yakavatungamirira, kusvikira yasvika ikamira pamusoro pepakange pane mucheche.Select Matthew 2:9
10Vakati vaona nyeredzi vakafara nemufaro mukuru kwazvo.Select Matthew 2:10
11Vakati vapinda mumba, vakaona mucheche naMaria mai vake, vakawira pasi vakamunamata; zvino vakati vazarura fuma yavo, vakamupemberera nezvipo, goridhe, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, nemura*.Select Matthew 2:11
12Vakati vanyeverwa naMwari muchiroto, kuti varege kudzokera kuna Herodhe, vakabva vakaenda kunyika yavo neimwe nzira.Select Matthew 2:12
13Vakati vaenda, tarira, mutumwa waIshe anoonekwa kuna Josefa muchiroto, achiti: Muka utore mucheche namai vake, utizire kuEgipita, uveko kusvikira ndichikuudza; nokuti Herodhe achatsvaka mucheche kuti amuparadze.Select Matthew 2:13
14Zvino amuka wakatora mucheche namai vake usiku, akabva akaenda kuEgipita,Select Matthew 2:14
15uye wakavako kusvikira pakufa kwaHerodhe; kuti zvizadziswe zvakarehwa naIshe nemuporofita, achiti: Ndakadana mwanakomana wangu abude muEgipita.Select Matthew 2:15
16Zvino Herodhe, wakati aona kuti anyengerwa nevachenjeri, akatsamwa zvikuru, akatuma, akauraya vana vese vaiva muBhetirehemu nemumigumo yaro yese, kubvira pamakore maviri neari pasi, zvichienderana nenguva yaakange abvunzisisa kuvachenjeri.Select Matthew 2:16
17Zvino zvakazadziswa zvakarehwa naJeremiya muporofita achiti:Select Matthew 2:17
18MuRama rakanzwika inzwi, kuungudza nekuchema nekurira kukuru, Rakeri achichema vana vake asingadi kunyaradzwa, nokuti havachipo.Select Matthew 2:18
19Asi Herodhe wakati afa, tarira, mutumwa waIshe wakaonekwa muchiroto kuna Josefa muEgipita,Select Matthew 2:19
20achiti: Muka, utore mucheche namai vake, uende kunyika yaIsraeri; nokuti vakafa avo vaitsvaka mweya wemucheche.Select Matthew 2:20
21Akasimuka ndokutora mucheche namai vake akasvika kunyika yaIsraeri.Select Matthew 2:21
22Asi wakati achinzwa kuti Arikerawo anotonga muJudhiya panzvimbo yababa vake Herodhe, akatya kuendako; asi wakati anyeverwa naMwari muchiroto, akabva akaenda kumativi eGarirea.Select Matthew 2:22
23Akasvika akagara muguta rinonzi Nazareta; kuti zvizadziswe zvakarehwa nevaporofita, kuti: Achanzi muNazareta.Select Matthew 2:23
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation