Matthew 24
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino Jesu wakabuda akabva patembere; vadzidzi vake ndokuswedera kuzomuratidza zvivakwa zvetembere.Select Matthew 24:1
2Jesu akati kwavari: Hamuoni zvinhu izvi zvese here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakungatozongosiiwi pano ibwe pamusoro pebwe risingatongoputsirwi pasi.Select Matthew 24:2
3Kuzoti agere pagomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari vega vachiti: Tiudzei, zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chekuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipi?Select Matthew 24:3
4Jesu akapindura akati kwavari: Chenjerai kuti kusava neanokutsausai;Select Matthew 24:4
5nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye vachatsausa vazhinji.Select Matthew 24:5
6Zvino muchanzwa zvehondo nerunyerekupe rwehondo; chenjerai, musakanganiswa; nokuti zvese zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere.Select Matthew 24:6
7Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe, uye kuchava nenzara nematenda nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana.Select Matthew 24:7
8Asi zvese izvi kutanga kwemarwadzo.Select Matthew 24:8
9Ipapo vachakukumikidzai mukutambudzika, uye vachakuurayai; uye muchavengwa nemarudzi ese nekuda kwezita rangu.Select Matthew 24:9
10Zvino ipapo vazhinji vachagumbuswa, uye vachatengesana, nekuvengana.Select Matthew 24:10
11Uye vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vatsause vazhinji.Select Matthew 24:11
12Uye nekuda kwekuti uipi huchawanda, rudo rwevazhinji rwuchatonhora.Select Matthew 24:12
13Asi anotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye achaponeswa.Select Matthew 24:13
14Uye evhangeri iyi yeushe ichaparidzwa munyika yese chive uchapupu kumarudzi ese; ipapo kuguma kuchasvika.Select Matthew 24:14
15Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakarehwa naDhanyeri muporofita, imire panzvimbo tsvene (anorava ngaanzwisise),Select Matthew 24:15
16zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;Select Matthew 24:16
17ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kuzotora chinhu kubva mumba make;Select Matthew 24:17
18neari kumunda ngaarege kudzokera shure kunotora nguvo dzake.Select Matthew 24:18
19Asi mune nhamo vane mimba nevanonwisa nemazuva iwayo!Select Matthew 24:19
20Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando, kana nesabata.Select Matthew 24:20
21Nokuti ipapo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakavapo kwakadaro kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye kusingazovipozve.Select Matthew 24:21
22Dai mazuva ayo asaipfupiswa, hakuna nyama zvachose yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa mazuva ayo achapfupiswa.Select Matthew 24:22
23Zvino kana munhu akati kwamuri: Tarirai, Kristu pano, kana apo, musatenda.Select Matthew 24:23
24Nokuti kuchamuka vana kristu venhema nevaporofita venhema, vachaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso, zvekuti kana zvichibvira, vatsause nevasanangurwa.Select Matthew 24:24
25Tarirai, ndagara ndakuudzai.Select Matthew 24:25
26Naizvozvo kana vakati kwamuri: Tarirai, ari murenje, musabuda; tarirai ari mudzimba dzemukati, musatenda.Select Matthew 24:26
27Nokuti semheni inobuda kumabvazuva ichipenya kusvikira kumavirira, kuchava saizvozvo nekuuya kweMwanakomana wemunhu.Select Matthew 24:27
28Nokuti pese-pese pane chitunha, ndipo pachaunganidzwa magora.Select Matthew 24:28
29Pakarepo shure kwekutambudzika kwemazuva ayo zuva richasvibiswa, nemwedzi hauzopi chiedza chawo, uye nyeredzi dzichawa kudenga, nemasimba ekumatenga achazungunuswa.Select Matthew 24:29
30Uye ipapo kuchaonekwa chiratidzo cheMwanakomana wemunhu kudenga; uye ipapo marudzi ese enyika achachema, uye achaona Mwanakomana wemunhu achiuya pamakore ekudenga nesimba nekubwinya kukuru.Select Matthew 24:30
31Uye achatuma vatumwa vake nekurira kukuru kwehwamanda, vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumigumo yematenga kusvikira kumigumo yawo.Select Matthew 24:31
32Asi dzidzai mufananidzo kubva pamuonde: Kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha rava pedo.Select Matthew 24:32
33Saizvozvo nemwi, kana moona izvozvi zvese, zivai kuti zvava pedo pamikova.Select Matthew 24:33
34Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri kusvikira izvozvi zvese zvaitika.Select Matthew 24:34
35Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.Select Matthew 24:35
36Asi zvezuva iro neawa hakuna anozviziva, kwete kunyange vatumwa vekumatenga, asi Baba vangu chete.Select Matthew 24:36
37Asi semazuva aNowa, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.Select Matthew 24:37
38Nokuti sepamazuva akatangira mafashame, vaidya nekunwa, vachiwana nekuwaniswa, kusvikira zuva Nowa raakapinda muareka,Select Matthew 24:38
39uye vakange vasingazivi, kusvikira kwasvika mafashame avabvisa vese, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.Select Matthew 24:39
40Ipapo vaviri vachava mumunda; umwe achatorwa, uye umwe achasiiwa.Select Matthew 24:40
41Vakadzi vaviri vachikuya paguyo; umwe achatorwa, neumwe achasiiwa.Select Matthew 24:41
42Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi nguva Ishe wenyu yaachauya.Select Matthew 24:42
43Asi zivai izvi, kuti dai mwene weimba aiziva kuti inguva yekurinda ipi ichasvika mbavha, angadai airinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.Select Matthew 24:43
44Naizvozvo imwiwo ivai makagadzirira; nokuti neawa ramusingafungiri, Mwanakomana wemunhu anouya.Select Matthew 24:44
45Ko ndiani muranda wakatendeka, wakangwara, ishe wake wakamugadza pamusoro pevaranda vake kuti avape kudya nenguva yakafanira?Select Matthew 24:45
46Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika anomuwana achiita saizvozvo.Select Matthew 24:46
47Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achamugadza pamusoro pezvese zvaanazvo.Select Matthew 24:47
48Asi kana muranda uyo wakaipa akati mumoyo make: Ishe wangu anonoka kuuya;Select Matthew 24:48
49ndokutanga kurova vamwe varanda vanobata pamwe naye, nekudya nekunwa nevararadzi,Select Matthew 24:49
50ishe wemuranda uyo achasvika nezuva raasingatariri neawa raasingazivi,Select Matthew 24:50
51akamugura nepakati, agoisa mugove wake pamwe nevanyepedzeri; apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.Select Matthew 24:51
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation