Skip to content
Church.wiki
Matthew

Matthew 26

Shona Bible

Translation: SHONA

Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources

Start reading

1Zvakaitika Jesu apedza mashoko aya ese, akati kuvadzidzi vake:Select Matthew 26:1

2Munoziva kuti mushure memazuva maviri ichava pasika, uye Mwanakomana wemunhu achatengeswa kuti arovererwe pamuchinjikwa.Select Matthew 26:2

3Ipapo kwakaungana vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu muchivanze chemupristi mukuru wainzi Kayafasi.Select Matthew 26:3

4Vakarangana kuti vabate Jesu nemano, vagomuuraya.Select Matthew 26:4

5Asi vakati: Kwete pamutambo, kuti kurege kuva nebongozozo pakati pevanhu.Select Matthew 26:5

6Zvino Jesu wakati ari paBhetaniya mumba maSimoni wemaperembudzi,Select Matthew 26:6

7kwakasvika kwaari mukadzi nechinu chearibhasiteri* chechizoro chinokosha zvikuru, akadururira mumusoro wake agere pakudya.Select Matthew 26:7

8Asi vadzidzi vake vakati vachiona, vakatsamwa vachiti: Kutambisa uku ndokwei?Select Matthew 26:8

9Nokuti chizoro ichi chingadai chatengeswa nemari zhinji, ikapiwa varombo.Select Matthew 26:9

10Asi Jesu aziva wakati kwavari: Munotambudzirei mukadzi? Nokuti aita basa rakanaka kwandiri.Select Matthew 26:10

11Nokuti varombo munavo nguva dzese, asi ini hamuneni nguva dzese.Select Matthew 26:11

12Nokuti pakundidira chizoro ichi pamuviri wangu, waitira kuvigwa kwangu.Select Matthew 26:12

13Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kwese kunozoparidzirwa evhangeri iyi panyika yese, izvi mukadzi zvaaitawo zvicharehwa, chive chirangaridzo chake.Select Matthew 26:13

14Ipapo umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Judhasi Isikariyoti, wakaenda kuvapristi vakuru,Select Matthew 26:14

15akati: Munoda kundipei, ini ndigomukumikidza kwamuri? Vakamutemera masirivheri makumi matatu.Select Matthew 26:15

16Uye kubva panguva iyo akatsvaka mukana wakafanira kuti amukumikidze.Select Matthew 26:16

17Nerekutanga rezvingwa zvisina mbiriso vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tikugadzirirei kudya pasika?Select Matthew 26:17

18Akati: Endai muguta kune umwe munhu, muti kwaari: Mudzidzisi anoti: Nguva yangu yava pedo; ndichaita pasika kwauri nevadzidzi vangu.Select Matthew 26:18

19Vadzidzi vakaita Jesu sezvaakavaraira; vakagadzirira pasika.Select Matthew 26:19

20Zvino ava madekwani akagara pakudya nevanegumi nevaviri.Select Matthew 26:20

21Vakati vachidya akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Umwe wenyu achanditengesa.Select Matthew 26:21

22Zvino vakashungurudzika zvikuru, vakatanga umwe neumwe wavo kuti kwaari: Ishe, zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here?Select Matthew 26:22

23Ndokupindura akati: Anoseva ruoko neni mundiro ndiye achanditengesa.Select Matthew 26:23

24Mwanakomana wemunhu anoenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo Mwanakomana wemunhu waanotengeswa naye! Zvaiva nani kwaari kana munhu uyo aiva asina kuberekwa.Select Matthew 26:24

25Judhasi uyo wakamutengesa ndokupindura akati: Rabhi*, zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here? Akati kwaari: Wataura iwe.Select Matthew 26:25

26Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa vadzidzi akati: Torai, idyai, ichi ndiwo muviri wangu.Select Matthew 26:26

27Akatora mukombe, akavonga, akapa kwavari, achiti: Inwai mese pauri.Select Matthew 26:27

28Nokuti iri iropa rangu, iro resungano itsva, rinoteurirwa vazhinji rekukanganwirwa kwezvivi.Select Matthew 26:28

29Asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino handichatongonwi zvechibereko ichi chemuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazonwa naro nemwi chava chitsva muushe hwaBaba vangu.Select Matthew 26:29

30Zvino vakati vaimba rwiyo vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi.Select Matthew 26:30

31Ipapo Jesu wakati kwavari: Imwi mese muchagumburwa nekuda kwangu usiku huno; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndicharova mufudzi, uye makwai eboka achaparadzirwa.Select Matthew 26:31

32Asi shure kwekunge ndamutswa, ndichakutungamirirai kuGarirea.Select Matthew 26:32

33Asi Petro wakapindura akati kwaari: Kunyange vese vakagumburwa nekuda kwenyu, ini handingatongogumburwi.Select Matthew 26:33

34Jesu akati kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Muusiku huno, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.Select Matthew 26:34

35Petro akati kwaari: Kunyange zvakandifanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi. Vadzidziwo vese vakadaro.Select Matthew 26:35

36Zvino Jesu wakasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi: Garai pano ndichamboenda ndinonyengetera uko.Select Matthew 26:36

37Akatora pamwe naye Petro nevanakomana vaviri vaZebhedhi, akatanga kusuruvara nekushungurudzika.Select Matthew 26:37

38Ipapo akati kwavari: Mweya wangu unosuruvara kwazvo kusvikira parufu; garai pano murinde neni.Select Matthew 26:38

39Akaenda mberi zvishoma, akawa nechiso chake, akanyengetera achiti: Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri. Asi kusava sezvandinoda ini asi sezvamunoda imwi.Select Matthew 26:39

40Akauya kuvadzidzi, akavawana varere, akati kuna Petro: Saka hamuna kugona kurinda neni awa rimwe here?Select Matthew 26:40

41Rindai munyengetere, kuti musapinda mumuedzo; mweya unoda zvirokwazvo, asi nyama ine utera.Select Matthew 26:41

42Akaendazve rwechipiri akanyengetera, achiti: Baba vangu, kana mukombe uyu usingagoni kupfuura kubva kwandiri, kunze kwekuti ndaunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.Select Matthew 26:42

43Akauya, akavawana vavatazve, nokuti meso avo akange orema.Select Matthew 26:43

44Akavasiya, akaendazve akanyengetera rwechitatu, achitaura mashoko iwawo.Select Matthew 26:44

45Ndokuuya kuvadzidzi vake ndokuti kwavari: Chirambai murere muzorore; tarirai, awa raswedera, Mwanakomana wemunhu wotengeswa mumaoko evatadzi.Select Matthew 26:45

46Simukai, ngatiende, tarirai, wonditengesa wava pedo.Select Matthew 26:46

47Zvino achataura, tarira, Judhasi umwe wevanegumi nevaviri wakasvika, chaunga chikuru chinaye chine minondo netsvimbo chichibva kuvapristi vakuru nevakuru vevanhu.Select Matthew 26:47

48Zvino iye wakamutengesa wakavapa chiratidzo achiti: Uyo wandichatsvoda, ndiye, mumubate.Select Matthew 26:48

49Uye pakarepo akasvika kuna Jesu, akati: Hekanhi, Rabhi! Akamutsvoda.Select Matthew 26:49

50Jesu akati kwaari: Shamwari, wavingei? Ipapo vakaswedera vakaisa maoko pana Jesu, vakamubata.Select Matthew 26:50

51Uye tarira, umwe wevaiva naJesu akatandavadza ruoko, akavhomora munondo wake akatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake.Select Matthew 26:51

52Ipapo Jesu akati kwaari: Dzosera munondo wako munzvimbo yawo, nokuti vese vanobata munondo vanoparara nemunondo.Select Matthew 26:52

53Kana unofunga here kuti handigoni ikozvino kukumbira kuna Baba vangu, vakandigadzikira mapoka emauto evatumwa anopfuura gumi nemaviri?Select Matthew 26:53

54Ko magwaro angazadziswa sei kuti zvinofanira kuva saizvozvo?Select Matthew 26:54

55Nenguva iyo Jesu wakati kuzvaunga: Mabuda semunovinga gororo neminondo netsvimbo kuzondibata here? Ndaigara nemwi zuva nezuva ndichidzidzisa mutembere, asi hamuna kundibata.Select Matthew 26:55

56Asi izvi zvese zvaitika, kuti magwaro evaporofita azadziswe. Ipapo vadzidzi vese vakamusiya, vakatiza.Select Matthew 26:56

57Avo vakange vabata Jesu vakamuendesa kuna Kayafasi mupristi mukuru, apo pakange paungana vanyori nevakuru.Select Matthew 26:57

58Asi Petro wakamutevera ari kure kusvikira pachivanze chemupristi mukuru, akapinda mukati, akagara nevaranda kuzoona mugumo.Select Matthew 26:58

59Zvino vapristi vakuru nevakuru nedare remakurukota rese vakatsvaka uchapupu hwenhema hunopikisa Jesu kuti vamuuraye.Select Matthew 26:59

60Asi havana kuhuwana, kunyange zvapupu zvenhema zvizhinji zvakauya, zvikasahuwana. Pakupedzisira kwakasvika zvapupu zvenhema zviviri,Select Matthew 26:60

61zvikati: Uyu wakati: Ndinogona kuputsa tembere yaMwari, nekuivaka nemazuva matatu.Select Matthew 26:61

62Zvino mupristi mukuru akasimuka akati kwaari: Haupinduri chinhu here? Ava vanopupurei zvinopikisana newe?Select Matthew 26:62

63Asi Jesu wakanyarara. Mupristi mukuru akapindura akati kwaari: Ndinokupikisa naMwari mupenyu kuti utiudze kana iwe uri Kristu, Mwanakomana waMwari.Select Matthew 26:63

64Jesu akati kwaari: Wataura iwe; asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwesimba, achiuya pamakore edenga.Select Matthew 26:64

65Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguvo dzake achiti: Wanyomba; tichiri kudirei zvapupu? Tarirai, ikozvino manzwa kunyomba kwake.Select Matthew 26:65

66Munofungei? Vakapindura vakati: Ane mhosva yerufu.Select Matthew 26:66

67Zvino vakamupfira pachiso, vakamurova netsiva; vamwe vakamurova nembama,Select Matthew 26:67

68vachiti: Porofita kwatiri, Kristu, ndiani wakurova?Select Matthew 26:68

69Petro wakange agere panze pachivanze; ndokuuya kwaari umwe murandakadzi achiti: Iwewo wakange una Jesu weGarirea.Select Matthew 26:69

70Asi iye wakaramba pamberi pevese achiti: Handizivi zvaunoreva.Select Matthew 26:70

71Zvino wakati abuda pasuwo, umwe mukadzi akamuona, akati kune vaivapo: Uyuwo wakange ana Jesu weNazareta.Select Matthew 26:71

72Akarambazve nemhiko, kuti: Handizivi munhu uyu.Select Matthew 26:72

73Shure kwechinguva chidiki kwakauya vakange vamirepo vachiti kuna Petro: Zvirokwazvo iwewo uri wavo; nokuti kunyange kutaura kwako kunokuratidza.Select Matthew 26:73

74Zvino wakatanga kutuka nekupika kuti: Handizivi munhu uyu. Pakarepo jongwe rikarira.Select Matthew 26:74

75Petro ndokurangarira shoko raJesu raakati kwaari: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu. Ndokubuda panze akachema zvinorwadza.Select Matthew 26:75

Next: Matthew 27Continue reading

Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation

Reading settings

Choose a passage

Old Testament

New Testament

Matthew

Selected verses

Select another verse to extend the range.

Highlight

My Bible

About this name

Listen

Uses an English voice provided by your browser.