Matthew 4
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Zvino Jesu wakatungamirirwa neMweya kurenje kuti anoidzwa nadhiabhorosi.Select Matthew 4:1
2Zvino wakati atsanya mazuva makumi mana neusiku makumi mana, akazonzwa nzara.Select Matthew 4:2
3Zvino muidzi wakati auya kwaari, akati: Kana uri Mwanakomana waMwari, raira kuti mabwe awa aite zvingwa.Select Matthew 4:3
4Asi iye wakapindura akati: Kwakanyorwa kuchinzi: Munhu haangararami nechingwa chega, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.Select Matthew 4:4
5Zvino dhiabhorosi wakamutora akamuisa muguta dzvene, akamumisa pachiruvu chetembere,Select Matthew 4:5
6ndokuti kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, zvikandire pasi; nokuti kwakanyorwa kuti: Iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako, uye pamaoko vachakugamha, zvimwe ungagumbusa rutsoka rwako pabwe.Select Matthew 4:6
7Jesu akati kwaari: Kwakanyorwa zvekare: Usaidza Ishe Mwari wako.Select Matthew 4:7
8Dhiabhorosi akamuisazve pagomo refusa, akamuratidza ushe hwese hwenyika nekubwinya kwahwo.Select Matthew 4:8
9Akati kwaari: Zvese zvinhu izvi ndichapa kwauri kana ukawira pasi ukandinamata.Select Matthew 4:9
10Ipapo Jesu akati kwaari: Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Uchanamata Ishe Mwari wako, uchashumira iye oga.Select Matthew 4:10
11Ipapo dhiabhorosi akamusiya; zvino tarira, vatumwa vakauya vakamushandira.Select Matthew 4:11
12Zvino Jesu wakati anzwa kuti Johwani wakumikidzwa mutirongo, akabva akaenda Garirea.Select Matthew 4:12
13Zvino wakabva Nazareta, akauya akagara muKapenaume riri pagungwa, mumiganhu yeZebhuruni neNafitarimi;Select Matthew 4:13
14kuti zvizadziswe zvakarehwa naIsaya muporofita, achiti:Select Matthew 4:14
15Nyika yeZebhuruni nenyika yeNefitarimi, panzira yegungwa, mhiri kwaJoridhani, Garirea revahedheni;Select Matthew 4:15
16vanhu vakange vagere murima vakaona chiedza chikuru; nevakange vagere panharaunda nemumumvuri werufu, chiedza chakabudira kwavari.Select Matthew 4:16
17Kubvira panguva iyo Jesu wakatanga kuparidza nokuti: Tendeukai, nokuti ushe hwekumatenga hwaswedera.Select Matthew 4:17
18Zvino Jesu wakati achifamba-famba parutivi rwegungwa reGarirea akaona vanakomana vemunhu umwe vaviri, Simoni anonzi Petro, naAndiriya munin'ina wake, vachikandira mumbure mugungwa; nokuti vakange vari varedzi.Select Matthew 4:18
19Akati kwavari: Nditeverei, ndigokuitai varedzi vevanhu.Select Matthew 4:19
20Pakarepo vakasiya mimbure vakamutevera.Select Matthew 4:20
21Zvino wakati apfuurira kubva ipapo akaona vamwe vaviri vanakomana vemunhu umwe, Jakobho waZebhedhi naJohwani munin'ina wake muchikepe pamwe naZebhedhi baba vavo, vachigadzira mimbure yavo, akavadana.Select Matthew 4:21
22Pakarepo vakasiya chikepe nababa vavo vakamutevera.Select Matthew 4:22
23Jesu akapota neGarirea rese achidzidzisa mumasinagoge avo, nekuparidza evhangeri yeushe, achiporesa denda rega-rega neurwere hwega-hwega pavanhu.Select Matthew 4:23
24Shoko rake rikabudira kuSiriya yese; vakauisa kwaari varwere vese, vakabatwa nehosha dzakasiyana-siyana, nemarwadzo, nevakange vane madhimoni, nevaiva nezvipusha, nevakange vakafa mitezo; akavaporesa.Select Matthew 4:24
25Zvino zvaunga zvikuru zvakamutevera, vaibva Garirea, neDhekapori, neJerusarema, neJudhiya, nemhiri kwaJoridhani.Select Matthew 4:25
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation