Matthew 6
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Chenjerai kuti basa renyu rerudo musariita pamberi pevanhu kuti muonekwe navo; kana zvisakadaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kumatenga.Select Matthew 6:1
2Naizvozvo kana uchiita basa rerudo, rega kuridza hwamanda pamberi pako sezvinoita vanyepedzeri mumasinagoge nemunzira dzemumaguta kuti vakudzwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.Select Matthew 6:2
3Asi iwe kana uchiita basa rerudo, ruboshwe rwako ngarurege kuziva zvinoita rudyi rwako.Select Matthew 6:3
4Kuti kuita kwako basa rerudo kuve pakavanda; uye Baba vako vanoona pakavanda, ivo vachakuripira pachena.Select Matthew 6:4
5Zvino kana uchinyengetera, usava sevanyepedzeri; nokuti vanoda kunyengetera vamire mumasinagoge nepamharadzano dzenzira dzemumaguta kuti vaonekwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.Select Matthew 6:5
6Asi iwe kana uchinyengetera, pinda muimba yako yemukati, ugovhara mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena.Select Matthew 6:6
7Asi kana muchinyengetera, musapamhidzira-pamhidzira zvisina maturo sevahedheni; nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nekutaura kwavo kuzhinji.Select Matthew 6:7
8Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva chamunoshaiwa musati mavakumbira.Select Matthew 6:8
9Naizvozvo imwi nyengeterai seizvi: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene;Select Matthew 6:9
10ushe hwenyu ngahuuye; chido chenyu ngachiitwe panyikawo sezvachinoitwa kudenga;Select Matthew 6:10
11mutipei nhasi kudya kwedu kwemisi yese;Select Matthew 6:11
12uye mutikanganwire mangava edu, isu sezvatinokanganwirawo vane ngava nesu;Select Matthew 6:12
13uye musatipinza pakuedzwa, asi mutisunungure pakuipa. Nokuti ushe ndehwenyu nesimba nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni.Select Matthew 6:13
14Nokuti kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukanganwiraiwo.Select Matthew 6:14
15Asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakanganwiriwo kudarika kwenyu.Select Matthew 6:15
16Uyezve kana muchitsanya, musava nezviso zvinopunyaira sevanyepedzeri; nokuti vanounyanisa zviso zvavo, kuti vaonekwe nevanhu kuti vanotsanya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.Select Matthew 6:16
17Asi iwe kana uchitsanya, zodza musoro wako, ugeze chiso chako,Select Matthew 6:17
18kuti urege kuonekwa kuvanhu kuti unotsanya, asi kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena.Select Matthew 6:18
19Regai kuzviunganidzira fuma panyika, pane chifusi nengura zvinoodza, nepane mbavha dzinopaza dzichiba;Select Matthew 6:19
20asi muzviunganidzire fuma kudenga, uko kusina chifusi kana ngura zvinoodza, naapo mbavha padzisingapazi kana kuba.Select Matthew 6:20
21Nokuti pane fuma yenyu, ndipo pachavawo nemoyo yenyu.Select Matthew 6:21
22Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wako wese uchazara nechiedza.Select Matthew 6:22
23Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wese uchazara nerima. Naizvozvo kana chiedza chiri mauri chiri rima, rima iro iguru sei!Select Matthew 6:23
24Hapana angashumira vatenzi vaviri; nokuti achavenga umwe, akada umwe; kana achanamatira umwe, akazvidza umwe. Hamungashumiri Mwari naMamona*.Select Matthew 6:24
25Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, zvamuchadya kana zvamuchanwa, kana pamusoro pemuviri wenyu, zvamuchapfeka. Upenyu hahupfuuri kudya here, nemuviri chipfeko?Select Matthew 6:25
26Tarirai shiri dzedenga, nokuti hadzidzvari kana kukohwa kana kuunganidza mumatura, asi Baba venyu vekudenga vanodzirurira. Imwi hamudzipfuuri zvikuru here?Select Matthew 6:26
27Ndiani kwamuri nekufunganya angawedzera mbimbi imwe paurefu hwake?Select Matthew 6:27
28Nepamusoro pezvipfeko munofunganyirei? Nyatsorangarirai midovatova yenyika, inokura sei; haishingairi, hairuki;Select Matthew 6:28
29asi ndinoti kwamuri: Kunyange Soromoni pakubwinya kwake kwese haana kupfekedzwa seimwe yeiyi.Select Matthew 6:29
30Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo uswa hwenyika, huripo nhasi, hunokandirwa muchoto mangwana, haangakufukidziyi nekupfuurisa here imwi verutendo rudiki?Select Matthew 6:30
31Naizvozvo musafunganya, muchiti: Tichadyei? Kana: Tichanwei? Kana: Tichafukei?Select Matthew 6:31
32Nokuti izvozvi zvese vahedheni vanozvitsvaka, nokuti Baba venyu vekudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi zvese.Select Matthew 6:32
33Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nekururama kwake, zvino izvozvi zvese zvichawedzerwa kwamuri.Select Matthew 6:33
34Naizvozvo musafunganyira mangwana, nokuti mangwana achazvifunganyira zvinhu zvawo. Zuva rakakwanirwa nezvakaipa zvaro.Select Matthew 6:34
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation