Matthew 7
Shona Bible
Translation: SHONA
Modern translations such as the NIV or ESV are not available yet. They need a license, and we will add them when one is in place. All translations and their sources
1Musatonga, kuti murege kutongwa,Select Matthew 7:1
2nokuti muchatongwa nekutonga kwamunotonga nako; uye muchayerwa zvekare nechiyero chamunoyera nacho.Select Matthew 7:2
3Unotarisirei rubanzu rwuri muziso reumwe wako, asi usingananzereri danda riri muziso rako?Select Matthew 7:3
4Kana ungataura sei kune umwe wako uchiti: Rega ndivhomore rubanzu muziso rako, asi tarira, danda riri muziso rako?Select Matthew 7:4
5Munyepedzeri, tanga kuvhomora danda muziso rako, ugoona kwazvo kuvhomora rubanzu muziso reumwe wako.Select Matthew 7:5
6Musapa chitsvene kuimbwa, kana kukandira maparera* enyu pamberi penguruve, zvimwe dzingaatsika netsoka dzadzo, dzikatendeuka dzikakubvamburai.Select Matthew 7:6
7Kumbirai, uye muchapiwa; tsvakai, uye muchawana; gogodzai, uye muchazarurirwa.Select Matthew 7:7
8Nokuti umwe neumwe anokumbira anogamuchira, neanotsvaka anowana, neanogogodza anozarurirwa.Select Matthew 7:8
9Kana ndeupi munhu kwamuri, iye kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, achamupa ibwe?Select Matthew 7:9
10Kana kuti akakumbira hove, achamupa nyoka?Select Matthew 7:10
11Zvino kana imwi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kumatenga vachapfuurisa sei kupa zvinhu zvakanaka ivo vanovakumbira?Select Matthew 7:11
12Naizvozvo zvinhu zvese zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, imwi muvaitirewo saizvozvo; nokuti uyu ndiwo murairo nevaporofita.Select Matthew 7:12
13Pindai nesuwo rakamanikana; nokuti suwo rakafara nenzira yakapamhamha inoenda kukuparadzwa, uye vazhinji varipo vanopinda naro.Select Matthew 7:13
14Nokuti suwo rakamanikana nenzira nhete inoenda kuupenyu, uye vashoma vanoiwana.Select Matthew 7:14
15Asi chenjerai vaporofita venhema, vanouya kwamuri nezvipfeko zvemakwai, asi mukati mapumhi anoparadza.Select Matthew 7:15
16Muchavaziva nezvibereko zvavo; vanhu vanotanha mazambiringa paminzwa here, kana maonde parubayambeva?Select Matthew 7:16
17Saizvozvo muti umwe neumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka, asi muti wakaipa unobereka zvibereko zvakaipa.Select Matthew 7:17
18Muti wakanaka haugoni kubereka zvibereko zvakaipa, nemuti wakaipa haubereki zvibereko zvakanaka.Select Matthew 7:18
19Muti umwe neumwe usingaiti chibereko chakanaka unotemwa wokandirwa mumoto.Select Matthew 7:19
20Naizvozvo kubva pazvibereko zvavo muchavaziva.Select Matthew 7:20
21Haasi wese anoti kwandiri: Ishe, Ishe, achapinda muushe hwekumatenga; asi anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.Select Matthew 7:21
22Vazhinji vachati kwandiri pazuva iro: Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here, tikabudisa madhimoni muzita renyu, tikaita mabasa esimba mazhinji muzita renyu?Select Matthew 7:22
23Zvino ipapo ndichareva kwavari pachena ndichiti: Handina kukuzivai chero nguva; ibvai kwandiri imwi vaiti vezvakaipa.Select Matthew 7:23
24Naizvozvo umwe neumwe anonzwa mashoko angu awa uye akaaita, ndichamufananidza nemurume wakachenjera, wakavaka imba yake paruware.Select Matthew 7:24
25Zvino mvura ikaturuka, mafashame akauya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova paimba iyo, ikasawa; nokuti yakange yakateyiwa paruware.Select Matthew 7:25
26Zvino umwe neumwe anonzwa mashoko angu awa, akasaaita, uchafananidzwa nemurume benzi, wakavaka imba yake pajecha;Select Matthew 7:26
27zvino mvura ikaturuka, mafashame ndokuuya, mitutu ndokuvhuvhuta, ndokurova paimba iyo, ndokuwa; uye kuwa kwayo kukava kukuru.Select Matthew 7:27
28Zvino zvakaitika kuti Jesu apedza mashoko iwawa, zvaunga zvakashamiswa nedzidziso yake.Select Matthew 7:28
29Nokuti wakavadzidzisa seune simba, kwete sevanyori.Select Matthew 7:29
Shona Bible (SHONA). Text from the CrossWire Bible Society module. About this translation